< Ekisodho 24 >

1 Ipapo akati kuna Mozisi, “Kwira kuna Jehovha, iwe naAroni, Nadhabhi naAbhihu, navakuru vavaIsraeri makumi manomwe. Munamate muri chinhambwe,
And he said to Moses, Go up to Jehovah, thou and Aaron, Nadab and Abihu, and seventy of the elders of Israel; and worship afar off.
2 asi Mozisi oga ndiye anofanira kuswedera kuna Jehovha; vamwe havafaniri kuswedera pedyo. Uye vanhu havangakwiri naye.”
And let Moses alone come near Jehovah; but they shall not come near; neither shall the people go up with him.
3 Mozisi akati aenda kundoudza vanhu mashoko ose nemirayiro yose yaJehovha, ivo vakati nenzwi rimwe chete, “Tichaita zvinhu zvose zvakarehwa naJehovha.”
And Moses came and told the people all the words of Jehovah, and all the judgments; and all the people answered with one voice, and said, All the words that Jehovah has said will we do!
4 Ipapo Mozisi akanyora zvinhu zvose zvakanga zvarehwa naJehovha. Akamuka mangwana acho mangwanani akavaka aritari mujinga megomo uye akamisa mbiru dzamabwe gumi nembiri dzichimirira marudzi gumi namaviri avaIsraeri.
And Moses wrote all the words of Jehovah, and rose up early in the morning, and built an altar under the mountain, and twelve pillars, according to the twelve tribes of Israel.
5 Ipapo akatuma majaya avaIsraeri, uye vakapa zvipiriso zvinopiswa uye vakabayira hando duku sezvipiriso zvokuwadzana kuna Jehovha.
And he sent the youths of the children of Israel, and they offered up burnt-offerings, and sacrificed sacrifices of peace-offering of bullocks to Jehovah.
6 Mozisi akatora hafu yeropa akariisa mumidziyo, uye imwe hafu akaisasa paaritari.
And Moses took half the blood, and put [it] in basons; and half of the blood he sprinkled on the altar.
7 Ipapo akatora Bhuku reSungano akariverengera vanhu. Ivo vakati, “Tichaita zvinhu zvose zvakarehwa naJehovha; tichazviteerera.”
And he took the book of the covenant, and read [it] in the ears of the people; and they said, All that Jehovah has said will we do, and obey!
8 Ipapo Mozisi akatora ropa, akarisasa pamusoro pavanhu uye akati, “Iri iropa resungano yaitwa naJehovha nemi maererano namashoko aya ose.”
And Moses took the blood, and sprinkled [it] on the people, and said, Behold the blood of the covenant that Jehovah has made with you concerning all these words.
9 Mozisi naAroni, Nadhabhi naAbhihu uye navakuru makumi manomwe vavaIsraeri vakakwira
And Moses and Aaron, Nadab and Abihu, and seventy of the elders of Israel went up;
10 uye vakaona Mwari waIsraeri. Pasi petsoka dzake pakanga pane chimwe chinhu chakaita sechivakwa chesafire, chakanga chichionekwa sedenga pacharo.
and they saw the God of Israel; and there was under his feet as it were work of transparent sapphire, and as it were the form of heaven for clearness.
11 Asi Mwari haana kusimudza ruoko rwake pamusoro pavatungamiri vavaIsraeri ava; vakaona Mwari, uye vakadya vakanwa.
And on the nobles of the children of Israel he laid not his hand: they saw God, and ate and drank.
12 Jehovha akati kuna Mozisi, “Kwira kuno kwandiri pamusoro pegomo ugare pano, ndigokupa mahwendefa amabwe, ane mirayiro nemitemo zvandanyora kuti varayirwe.”
And Jehovah said to Moses, Come up to me into the mountain, and be there; and I will give thee the tables of stone, and the law, and the commandment that I have written, for their instruction.
13 Ipapo Mozisi akasimuka naJoshua mubatsiri wake, uye Mozisi akakwira mugomo raMwari.
And Moses rose up, and Joshua his attendant; and Moses went up to the mountain of God.
14 Akati kuvakuru, “Timirirei pano kusvikira tadzoka kwamuri. Aroni naHuri vanemi, uye ani naani zvake anopesana nomumwe anogona kuenda kwavari.”
And he said to the elders, Wait here for us, until we return to you; and behold, Aaron and Hur are with you: if any man have any matter, let him come before them.
15 Mozisi akati akwira mugomo, gore rakarifukidza,
And Moses went up to the mountain, and the cloud covered the mountain.
16 uye kubwinya kwaJehovha kwakagara pamusoro peGomo reSinai. Gore rakafukidza gomo iro kwamazuva matanhatu, uye pazuva rechinomwe, Jehovha akadana Mozisi ari mukati megore.
And the glory of Jehovah abode on mount Sinai, and the cloud covered it six days; and on the seventh day he called to Moses out of the midst of the cloud.
17 KuvaIsraeri, kubwinya kwaJehovha kwairatidzika somoto unoparadza uri pamusoro pegomo.
And the appearance of the glory of Jehovah was like a consuming fire on the top of the mountain, before the eyes of the children of Israel.
18 Ipapo akapinda mugore paakanga achikwira mugomo. Uye akagara mugomo kwamazuva makumi mana nousiku huna makumi mana.
And Moses went into the midst of the cloud, and ascended the mountain. And Moses was on the mountain forty days and forty nights.

< Ekisodho 24 >