14“Kana munhu akakwereta chipfuwo kubva kumuvakidzani wake uye chikakuvara kana kufa, muridzi wacho asipo, anofanira kuripa.
15Asi kana muridzi ane chipfuwo chacho, akwereta haafaniri kuzoripa. Kana chipfuwo ichi changa chichiripirwa mari yokuchishandisa, mari yakaripwa yacho ndiyo inozozadzisa kurasikirwa kwake.
16“Kana murume akanyengera musikana anenge ari mhandara asina kutsidzira kuti awanikwe uye akavata naye, iye anofanira kubvisa roora, uye achava mukadzi wake.