< Ekisodho 21 >
1 “Iyi ndiyo mirayiro yaunofanira kumisa pamberi pavo:
Now these are the ordinances which thou shall set before them.
2 “Kana ukatenga muranda wechiHebheru, anofanira kukushandira kwamakore matanhatu. Asi mugore rechinomwe, anofanira kusunungurwa aende, asina chinhu chaanoripa.
If thou buy a Hebrew servant, six years he shall serve, and in the seventh he shall go out free for nothing.
3 Kana akauya ari oga, anofanira kusunungurwa aende ari oga; asi kana ano mukadzi pakuuya kwake, anofanira kuenda nomukadzi wake.
If he comes in by himself, he shall go out by himself. If he be married, then his wife shall go out with him.
4 Kana tenzi wake akamupa mukadzi uye akamuberekera vanakomana kana vanasikana, mukadzi navana vake vachava vatenzi wake, uye murume chete ndiye achasunungurwa kuti aende hake.
If his master gives him a wife and she bears him sons or daughters, the wife and her sons shall be her master's, and he shall go out by himself.
5 “Asi muranda akati, ‘Ndinoda tenzi wangu, mukadzi wangu navana vangu asi handisi kuda kusunungurwa,’
But if the servant shall plainly say, I love my master, my wife, and my sons, I will not go out free,
6 ipapo tenzi wake anofanira kuenda naye pamberi pavatongi. Achaenda naye pamukova kana pagwatidziro romukova agomuboora nzeve yake norunji. Ipapo achava muranda wake kwoupenyu hwake hwose.
then his master shall bring him to God, and shall bring him to the door, or to the door-post, and his master shall bore his ear through with an awl, and he shall serve him forever.
7 “Kana munhu akatengesa mwanasikana wake kuti ave murandakadzi, iyeye haafaniri kusunungurwa kuti aende sezvinoita varandarume.
And if a man sells his daughter to be a maid-servant, she shall not go out as the men-servants do.
8 Kana asingafadzi tenzi akamusarudza kuti ave wake, anofanira kumurega kuti adzikinurwe. Haana mvumo yokumutengesa kuvatorwa, nokuti aputsa chitenderano naye.
If she does not please her master, who has espoused her to himself, then he shall let her be redeemed. He shall have no power to sell her to a foreign people, since he has dealt deceitfully with her.
9 Kana akamusarudzira mwanakomana wake, anofanira kumupa kodzero dzomwanasikana.
And if he espouses her to his son, he shall deal with her according to the manner of daughters.
10 Kana akawana mumwe mukadzi, haafaniri kunyima mukadzi wokutanga zvokudya, nguo kana kodzero dzake dzokuwanikwa.
If he takes him another wife, her food, her raiment, and her duty of marriage, he shall not diminish.
11 Kana asingamupi zvinhu zvitatu izvi, anofanira kuenda akasununguka pasina kana mari yaanoripa.
And if he does not do these three things to her, then she shall go out for nothing, without money.
12 “Ani naani anorova munhu uye akamuuraya, zvirokwazvo naiye achaurayiwa.
He who smites a man, so that he dies, shall surely be put to death.
13 Kunyange zvakadaro hazvo, kana asingazviiti nobwoni, asi Mwari atendera kuti zviitike, iye anofanira kutizira kunzvimbo yandichatsaura.
And if a man does not lie in wait, but God delivers him into his hand, then I will appoint for thee a place where he shall flee.
14 Asi kana munhu akaronga uye akauraya mumwe munhu nobwoni, mumubvise paaritari yangu uye mumuuraye.
And if a man comes presumptuously upon his neighbor, to kill him with guile, thou shall take him from my altar, that he may die.
15 “Ani naani anorova baba vake kana mai vake anofanira kuurayiwa.
And he who smites his father or his mother, shall surely be put to death.
16 “Ani naani anoba mumwe munhu uye akamutengesa kana kuti akawanikwa achinaye paanenge abatwa, anofanira kuurayiwa.
And he who steals a man, and sells him, or if he be found in his hand, he shall surely be put to death.
17 “Ani naani anotuka baba vake kana mai vake anofanira kuurayiwa.
And he who curses his father or his mother, shall surely be put to death.
18 “Kana vanhu vakakakavadzana uye mumwe akarova mumwe nebwe kana nechibhakera chake uye akasafa asi akavata panhoo,
And if men contend, and one smites the other with a stone, or with his fist, and he does not die, but keeps his bed,
19 munhu arova haazobatwi nemhosva kana mumwe wacho akamuka akafamba-famba kunze nomudonzvo wake; kunyange zvakadaro hazvo, anofanira kuripa munhu akakuvara nokuda kwokurasikirwa kwake nenguva yake uye aone kuti apora zvachose.
if he rises again, and walks abroad upon his staff, then he who smote him shall be acquitted. Only he shall pay for the loss of his time, and shall cause him to be thoroughly healed.
20 “Kana munhu akarova murandarume wake kana murandakadzi netsvimbo uye muranda akafa nokuda kwokurohwa, anofanira kurangwa,
And if a man smites his servant, or his maid, with a rod, and he dies under his hand, he shall surely be punished.
21 asi haafaniri kurangwa kana muranda akamuka shure kwezuva rimwe chete kana maviri, sezvo muranda ari mudziyo wake.
Notwithstanding, if he continues a day or two, he shall not be punished, for he is his money.
22 “Kana varume vachirwa vakarova mukadzi ane mimba uye akabereka gavamwedzi asi asina kukuvara zvakanyanya, nyakupara mhosva anofanira kuripiswa zvose zvazvo zvinodiwa nomurume wacho uye zvinobvumirwa nedare remhosva.
And if men strive together, and hurt a woman with child, so that her fruit depart, and yet no harm follow, he shall be surely fined, according as the woman's husband shall lay upon him, and he shall pay as the judges determine.
23 Asi kana pane kukuvara kwakaipisisa, unofanira kutora upenyu noupenyu,
But if any harm follows, then thou shall give life for life,
24 ziso neziso, zino nezino, ruoko noruoko, tsoka netsoka,
eye for eye, tooth for tooth, hand for hand, foot for foot,
25 kutsva nokutsva, ronda neronda, vanga nevanga.
burning for burning, wound for wound, stripe for stripe.
26 “Kana munhu akarova murandarume kana murandakadzi paziso uye akariparadza, anofanira kurega muranda achienda akasununguka kuti atsive ziso rake.
And if a man smites the eye of his servant, or the eye of his maid, and destroys it, he shall let him go free for his eye's sake.
27 Uye kana akabvisa zino romurandarume kana romurandakadzi, anofanira kurega muranda aende akasununguka kuti atsive zino rake.
And if he knocks out his man-servant's tooth, or his maid-servant's tooth, he shall let him go free for his tooth's sake.
28 “Kana hando ikatunga murume kana mukadzi akafa, hando iyoyo inofanira kutakwa namabwe kusvika yafa, uye nyama yayo haifaniri kudyiwa.
And if an ox gores a man or a woman to death, the ox shall surely be stoned, and its flesh shall not be eaten, but the owner of the ox shall be acquitted.
29 Kunyange zvakadaro hazvo, kana hando yanga ine tsika yokutunga uye muridzi wayo akamboyambirwa hake asi akasaipfigira mudanga uye ikauraya murume kana mukadzi, hando iyo inofanira kutakwa namabwe uyewo muridzi wayo anofanira kuurayiwa.
But if the ox was accustomed to gore in time past, and it has been testified to its owner, and he has not kept it in, but it has killed a man or a woman, the ox shall be stoned, and its owner shall also be put to death.
30 Kunyange zvakadaro hazvo, kana pachidikanwa muripo unobva kwaari angadzikinura hake upenyu hwake nokuripa zvose zvazvo zvinodikanwa.
If a ransom is laid on him, then he shall give for the redemption of his life whatever is laid upon him.
31 Murayiro uyu unobatawo kana hando iyi yatunga mwanakomana kana mwanasikana.
Whether it has gored a son, or has gored a daughter, according to this judgment it shall be done to him.
32 Kana hando ikatunga murandarume kana murandakadzi, muridzi wayo anofanira kuripa mashekeri esirivha makumi matatu kuna tenzi womuranda, uye hando inofanira kutakwa namabwe.
If the ox gores a man-servant or a maid-servant, there shall be given to their master thirty shekels of silver, and the ox shall be stoned.
33 “Kana munhu akafukunura gomba kana kuchera rimwe gomba uye akarega kurifushira uye nzombe kana mbongoro ikawira mariri,
And if a man shall open a pit, or if a man shall dig a pit and not cover it, and an ox or a donkey falls in it,
34 muridzi wegomba anofanira kuripa kurasikirwa uku; anofanira kuripira muridzi wayo, uye chipfuwo chafa chichava chake.
the owner of the pit shall make it good; he shall give money to the owner of it, and the dead beast shall be his.
35 “Kana hando yomumwe munhu ikakuvadza hando yomumwe uye ikafa, vanofanira kutengesa mhenyu yacho vagogovana zvakaenzana mari yacho vari vaviri, uye nemombe yakafawo.
And if one man's ox hurts another's, so that it dies, then they shall sell the live ox, and divide the price of it, and the dead they shall also divide.
36 Kunyange zvakadaro, kana zvakanga zvichizivikanwa kuti hando iyi yagara ine tsika yokutunga, asi muridzi akasaipfigira mudanga, muridzi anofanira kuripa chipfuwo nechipfuwo, uye chipfuwo chafa chichava chake.
Or if it be known that the ox was accustomed to gore in time past, and its owner has not kept it in, he shall surely pay ox for ox, and the dead beast shall be his own.