< Ekisodho 20 >
1 Uye Mwari akataura mashoko aya ose akati:
하나님이 이 모든 말씀으로 일러 가라사대
2 “Ndini Jehovha Mwari wako, akakubudisa kubva muIjipiti, munyika youranda.
나는 너를 애굽 땅 종 되었던 집에서 인도하여 낸 너의 하나님 여호와로라
3 “Usava navamwe vamwari kunze kwangu.
너는 나 외에는 다른 신들을 네게 있게 말지니라!
4 Usazviitira mufananidzo wechinhu chipi zvacho chiri kudenga kumusoro kana wechiri panyika pasi kana wechiri mumvura.
너를 위하여 새긴 우상을 만들지 말고 또 위로 하늘에 있는 것이나 아래로 땅에 있는 것이나 땅 아래 물 속에 있는 것의 아무 형상이든지 만들지 말며
5 Usazvipfugamira kana kuzvinamata, nokuti ini Jehovha Mwari wako, ndiri Mwari ane godo, ndinoranga vana nokuda kwechivi chamadzibaba kusvikira kuchizvarwa chechitatu nechechina cheavo vanondivenga,
그것들에게 절하지 말며 그것들을 섬기지 말라! 나 여호와 너의 하나님은 질투하는 하나님인즉 나를 미워하는 자의 죄를 갚되 아비로부터 아들에게로 삼 사대까지 이르게 하거니와
6 asi ndicharatidza rudo kuzvizvarwa zvine chiuru, avo vanondida uye vanochengeta mirayiro yangu.
나를 사랑하고 내 계명을 지키는 자에게는 천대까지 은혜를 베푸느니라
7 Usareva zita raJehovha Mwari wako pasina nokuti Jehovha haazoregi kupa mhosva munhu upi zvake anoreva zita rake pasina.
너는 너의 하나님 여호와의 이름을 망령되이 일컫지 말라! 나 여호와의 이름을 망령되이 일컫는 자를 죄 없다 하지 아니하리라
8 Rangarira zuva reSabata kuti urichengete riri dzvene.
안식일을 기억하여 거룩히 지키라!
9 Uchashanda mazuva matanhatu nokuita basa rako rose,
엿새 동안은 힘써 네 모든 일을 행할 것이나
10 asi zuva rechinomwe iSabata kuna Jehovha Mwari wako. Pazuva iroro hamufaniri kuita basa ripi zvaro, iwe kana mwanakomana wako, kana mwanasikana wako, murandarume wako kana murandakadzi wako, uye zvipfuwo zvako kana mutorwa ari mukati mamasuo ako.
제 칠일은 너의 하나님 여호와의 안식일인즉 너나 네 아들이나 네 육축이나 네 문안에 유하는 객이라도 아무 일도 하지 말라
11 Nokuti mumazuva matanhatu Jehovha akaita matenga nenyika, gungwa, nezvose zviri mariri, asi akazorora nomusi wechinomwe. Naizvozvo Jehovha akaropafadza zuva reSabata akariita dzvene.
이는 엿새 동안에 나 여호와가 하늘과 땅과 바다와 그 가운데 모든 것을 만들고 제 칠일에 쉬었음이라 그러므로 나 여호와가 안식일을 복되게 하여 그 날을 거룩하게 하였느니라
12 Kudza baba vako namai vako, kuti ugorarama mazuva mazhinji munyika yaunopiwa naJehovha Mwari wako.
네 부모를 공경하라! 그리하면 너의 하나님 나 여호와가 네게 준 땅에서 네 생명이 길리라
16 Usapupurira muvakidzani wako nhema.
네 이웃에 대하여 거짓 증거하지 말지니라!
17 Usachiva imba yomuvakidzani wako. Usachiva mukadzi womuvakidzani wako, kana murandarume wake, kana murandakadzi wake, kana nzombe yake, kana mbongoro yake, kana chinhu chipi zvacho chomuvakidzani wako.”
네 이웃의 집을 탐내지 말지니라! 네 이웃의 아내나, 그의 남종이나, 그의 여종이나, 그의 소나, 그의 나귀나, 무릇 네 이웃의 소유를 탐내지 말지니라!
18 Vanhu vakati vaona mheni nokutinhira uye vanzwa hwamanda, uye vaona gomo richipfungaira utsi, vakadedera nokutya. Vakagara vari chinhambwe
뭇 백성이 우뢰와 번개와 나팔소리와 산의 연기를 본지라 그들이 볼 때에 떨며 멀리 서서
19 vakati kuna Mozisi, “Taura iwe kwatiri uye tichakuteerera. Asi usarega Mwari achitaura nesu, kuti tirege kufa.”
모세에게 이르되 `당신이 우리에게 말씀하소서 우리가 들으리이다 하나님이 우리에게 말씀하시지 말게 하소서 우리가 죽을까 하나이다'
20 Mozisi akati kuvanhu, “Musatya. Mwari auya kuzokuedzai, kuitira kuti kutya Mwari kugova nemi, kuti murege kutadza.”
모세가 백성에게 이르되 `두려워 말라! 하나님이 강림하심은 너희를 시험하고 너희로 경외하여 범죄치 않게 하려 하심이니라'
21 Vanhu vakaramba vari chinhambwe, Mozisi paakanga achiswedera kurima gobvu kwakanga kuna Mwari.
백성은 멀리 섰고 모세는 하나님의 계신 암흑으로 가까이 가니라
22 Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Taurira vaIsraeri kuti, ‘Mazvionera pachenyu kuti ndataura kwamuri ndiri kudenga ndikati:
여호와께서 모세에게 이르시되 너는 이스라엘 자손에게 이같이 이르라 내가 하늘에서부터 너희에게 말하는 것을 너희가 친히 보았으니
23 Musaita vamwari vapi zvavo kunze kwangu; musazviitira vamwari vesirivha kana vamwari vegoridhe.
너희는 나를 비겨서 은으로 신상이나 금으로 신상을 너희를 위하여 만들지 말고
24 “‘Mundiitire aritari yevhu mugobayira pamusoro payo zvipiriso zvinopiswa uye zvipiriso zvokuwadzana, makwai enyu, mbudzi dzenyu nemombe dzenyu. Pose pandichaita kuti zita rangu rikudzwe, ndichauya kwamuri ndigokuropafadzai.
내게 토단을 쌓고 그 위에 너의 양과 소로 너의 번제와 화목제를 드리라 내가 무릇 내 이름을 기념하게 하는 곳에서 네게 강림하여 복을 주리라
25 Kana muchindiitira aritari yamabwe, musaivaka namabwe akavezwa, nokuti mungazoisvibisa kana mukashandisa mbezo pairi.
네가 내게 돌로 단을 쌓거든 다듬은 돌로 쌓지 말라 네가 정으로 그것을 쪼면 부정하게 함이니라
26 Uye musakwira kuaritari yangu namatanho, kuti kusasimira kwenyu kurege kuonekwa muri pairi.’
너는 층계로 내 단에 오르지 말라 네 하체가 그 위에서 드러날까 함이니라