< Ekisodho 18 >

1 Zvino Jeturo, muprista weMidhiani uye ari tezvara waMozisi, akanzwa zvinhu zvose zvakaitirwa Mozisi naMwari uye nokuvanhu vake vaIsraeri, uye kuti Jehovha akanga abudisa vaIsraeri sei kubva muIjipiti.
A Jotor sveštenik Madijamski, tast Mojsijev, èu sve što uèini Gospod Mojsiju i Izrailju narodu svojemu, kako izvede Gospod Izrailja iz Misira;
2 Shure kwokunge Mozisi adzosera Zipora mukadzi wake, tezvara wake Jeturo akagamuchira Zipora
I uze Jotor tast Mojsijev Seforu ženu Mojsijevu, koju bješe poslao natrag,
3 navanakomana vake vaviri. Mumwe mwanakomana akatumidzwa kunzi Gerishomi nokuti akati, “Ndava mutorwa munyika yavamwe;”
I dva sina njezina, od kojih jednom bješe ime Girsam, jer reèe: tuðin sam u zemlji tuðoj,
4 uye mumwe akatumidzwa kunzi Eriezeri, nokuti akati, “Mwari wababa vangu akanga ari mubatsiri wangu; akandiponesa kubva pamunondo waFaro.”
A drugom bješe ime Eliezer, jer, reèe, Bog oca mojega bi mi u pomoæi i ote me od maèa Faraonova.
5 Jeturo, tezvara waMozisi, pamwe chete navanakomana vaMozisi nomukadzi wake, vakauya kwaari kurenje, kwaakanga akadzika musasa pedyo negomo raMwari.
I poðe Jotor tast Mojsijev sa sinovima njegovijem i sa ženom njegovom k Mojsiju u pustinju, gdje bješe u okolu pod gorom Božijom.
6 Jeturo akanga atumira shoko kwaari achiti, “Ini, tezvara wako Jeturo, ndiri kuuya kwauri nomukadzi wako navanakomana vako vaviri.”
I poruèi Mojsiju: ja tast tvoj Jotor idem k tebi i žena tvoja i oba sina njezina s njom.
7 Saka Mozisi akabuda kundochingamidza tezvara vake uye akakotama pasi akamutsvoda. Vakakwazisana ndokubva vapinda mutende.
I Mojsije izide na susret tastu svojemu i pokloni mu se i cjeliva ga; i upitaše se za zdravlje, pa uðoše pod šator njegov.
8 Mozisi akataurira tezvara wake zvinhu zvose zvakaitwa naJehovha kuna Faro nokuvaIjipita nokuda kwavaIsraeri, uyewo nokutambudzika kwavakasangana nako munzira, uye kuti Jehovha akavaponesa sei.
I pripovjedi Mojsije tastu svojemu sve što uèini Gospod Faraonu i Misircima radi Izrailja, i sve nevolje, koje ih nalaziše putem, i kako ih izbavi Gospod.
9 Jeturo akafara kunzwa nezvezvinhu zvose zvakanaka zvakaitirwa vaIsraeri naJehovha, mukuvanunura kubva muruoko rwavaIjipita.
I radovaše se Jotor svemu dobru što uèini Gospod Izrailju izbavivši ga iz ruke Misirske;
10 Akati, “Jehovha ngaarumbidzwe, iye akakununura kubva muruoko rwavaIjipita norwaFaro, uye iye akanunura vanhu kubva muruoko rwavaIjipita.
I reèe Jotor: blagosloven da je Gospod, koji vas izbavi iz ruke Misirske i iz ruke Faraonove, koji izbavi narod iz ropstva Misirskoga.
11 Zvino ndava kuziva kuti Jehovha mukuru kupfuura vamwe vamwari vose, nokuti akaita izvi kuna avo vakabata vaIsraeri nokuzvikudza.”
Sad vidim da je Gospod veæi od svijeh bogova, jer èim se ponošahu onijem ih samijem nadvisi.
12 Ipapo Jeturo, tezvara waMozisi, akauya nechipiriso chinopiswa nezvimwewo zvibayiro kuna Mwari, uye Aroni akauya navakuru vose veIsraeri kuti vazodya chingwa pamwe chete natezvara waMozisi pamberi paMwari.
I uze Jotor tast Mojsijev i prinese Bogu žrtvu paljenicu i prinos; i doðe Aron i sve starješine Izrailjske, i jedoše s tastom Mojsijevijem pred Bogom.
13 Fume mangwana, Mozisi akagara pachigaro chake kuti ashande somutongi wavanhu, uye ivo vakamira vakamupoteredza kubva mangwanani kusvikira madekwana.
A sjutradan sjede Mojsije da sudi narodu; i stajaše narod pred Mojsijem od jutra do veèera.
14 Tezvara wake akati aona zvose zvakanga zvichiitwa naMozisi kuvanhu, akati, “Chiiko ichi chauri kuitira vanhu? Seiko iwe uchitonga uri woga, asi vanhu vose ava vamire vakakupoteredza kubva mangwanani kusvikira madekwana?”
A tast Mojsijev gledajuæi sve šta radi s narodom, reèe: šta to radiš s narodom? zašto sjediš sam, a vas narod stoji pred tobom od jutra do veèera?
15 Mozisi akamupindura akati, “Nokuti vanhu vanouya kwandiri kuzotsvaka kuda kwaMwari.
A Mojsije reèe tastu svojemu: jer dolazi narod k meni da pita Boga.
16 Pose pavanouya negakava vanouya kwandiri, uye ini ndotonga pakati pavo uye ndovazivisa mitemo nemirayiro yaMwari.”
Kad imaju što meðu sobom, dolaze k meni, te im sudim i kazujem naredbe Božje i zakone njegove.
17 Tezvara waMozisi akapindura akati, “Zvauri kuita hazvina kunaka.
A tast Mojsijev reèe mu: nije dobro što radiš.
18 Iwe navanhu ava vanouya kwauri muchangozvinetesa chete. Basa iri rinorema kwazvo kwauri; haungagoni kuriita uri woga.
Umoriæeš se i ti i narod koji je s tobom; jer je to teško za tebe, neæeš moæi sam vršiti.
19 Nditeerere iye zvino ndigokupa zano, uye Mwari ngaave newe. Unofanira kuva mumiririri wavanhu pamberi paMwari uye ugouyisa magakava avo kwaari.
Nego poslušaj mene; ja æu te svjetovati, i Bog æe biti s tobom; ti budi pred Bogom za narod, i stvari njihove javljaj Bogu;
20 Uvadzidzise mitemo nemirayiro, ugovaratidza nzira yokurarama namabasa avanofanira kuita.
I uèi ih naredbama i zakonima njegovijem, i pokazuj im put kojim æe iæi i šta æe raditi.
21 Asi sarudza varume vanokwanisa kubva pakati pavanhu vose, varume vanotya Mwari, varume vakatendeka vanovenga fufuro, ugovagadza samachinda pamusoro pezviuru, pamusoro pamazana, pamusoro pamakumi mashanu napamusoro pegumi.
A iz svega naroda izberi ljude poštene, koji se boje Boga, ljude pravedne, koji mrze na mito, pa ih postavi nad njima za poglavare, tisuænike, stotinike, pedesetnike i desetnike;
22 Uvaite kuti vashande savatongi vavanhu panguva dzose, asi uvaite kuti vauye kwauri nenyaya dzose dzakaoma; nyaya dzakareruka ngavatonge ivo pachavo. Izvozvo zvicharerutsa mutoro wako, nokuti vanenge vachigovana newe.
Oni neka sude narodu u svako doba; pa svaku stvar veliku neka javljaju tebi, a svaku stvar malu neka raspravljaju sami; tako æe ti biti lakše, kad i oni stanu nositi teret s tobom.
23 Kana uchiita izvi uye Mwari achikurayira, uchagona kutakura mutoro uyu, uye vanhu vose ava vachaenda kudzimba vagutsikana.”
Ako to uèiniš, i Bog ti zapovjedi, možeš se održati, i sav æe narod doæi mirno na svoje mjesto.
24 Mozisi akateerera tezvara wake akaita zvinhu zvose zvaakareva.
I Mojsije posluša tasta svojega, i uèini sve što reèe.
25 Akasarudza varume vaikwanisa kubva pakati pavaIsraeri vose akavaita vatungamiriri vavanhu, akavaita vabati vezviuru, vabati vamazana, vabati vamakumi mashanu, navabati vegumi.
I izabra Mojsije iz svega Izrailja ljude poštene, i postavi ih za poglavare nad narodom, tisuænike, stotinike, pedesetnike i desetnike,
26 Vakashanda savatongi vavanhu nguva dzose. Mhaka dzakaoma ndidzo dzavakauya nadzo kuna Mozisi, asi dzakareruka ndivo vaitonga ivo pachavo.
Koji suðahu narodu u svako doba, a stvari teške javljahu Mojsiju, a male stvari raspravljahu sami.
27 Ipapo Mozisi akatendera tezvara vake kuti vaende havo, uye Jeturo akadzokera kunyika yake.
Poslije otpusti Mojsije tasta svojega, koji se vrati u svoju zemlju.

< Ekisodho 18 >