< Ekisodho 16 >
1 Ungano yose yavaIsraeri yakasimuka kubva paErimu vakasvika kuRenje reSini, riri pakati peErimu neSinai, pazuva regumi namashanu romwedzi wechipiri shure kwokubuda kwavo muIjipiti.
The whole Israelite community left Elim and went to the Desert of Sin, between Elim and Sinai. This was on the fifteenth day of the second month after they had left the land of Egypt.
2 Murenje imomo ungano yose yavaIsraeri yakapopotera Mozisi naAroni.
There in the desert they complained to Moses and Aaron.
3 VaIsraeri vakati kwavari, “Dai takafa zvedu noruoko rwaJehovha tiri muIjipiti! Uko kwataikomba makate enyama uye tichidya zvokudya zvose zvataida, asi makatibudisa kurenje kuno kuti ungano ino yose iziye nenzara kusvikira pakufa.”
“The Lord should've killed us back in Egypt!” the Israelites told them. “At least there we could sit down beside stewpots of meat and eat bread until we were full. But you had to bring all of us out here in the desert to starve us all to death!”
4 Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Ndichakunayisirai chingwa chichabva kudenga. Vanhu vanofanira kubuda zuva rimwe nerimwe vagounganidza zvinoringana nezuva iroro. Nenzira iyoyi ndichavaedza ndigoona kana vachitevera zvandinovarayira.
The Lord told Moses, “Just watch! I'm going to rain down bread from heaven for you! Each day the people are to go out and collect enough for that day. I'm going to test them by this to find out whether they'll follow my instructions or not.
5 Pazuva rechitanhatu vanofanira kugadzira zvavanouya nazvo, uye zvinofanira kuva zviyero zviviri kupfuura zvavanosiunganidza pane mamwe mazuva.”
On the sixth day they are to collect twice as much as usual and prepare it.”
6 Saka Mozisi naAroni vakati kuvaIsraeri vose, “Madekwana muchaziva kuti akanga ari Jehovha akakubudisai kubva muIjipiti,
So Moses and Aaron explained to all the Israelites, “This evening you will have the proof that it was the Lord who led you out of Egypt,
7 uye mangwanani muchaona kubwinya kwaJehovha, nokuti akanzwa kugununʼuna kwenyu pamusoro pake. Tisu vanaaniko, zvamunotipopotera?”
and in the morning you will see the glory of the Lord displayed as he responds to the complaints he's heard you making against him. For why should you be complaining to us? We're nobodies!”
8 Mozisi akatiwo, “Muchaziva kuti akanga ari Jehovha paachakupai nyama kuti mudye madekwana uye zvokudya zvose zvamunoda mangwanani nokuti akanzwa kugununʼuna kwenyu pamusoro pake. Tisu vanaaniko? Hamusi kupopotera isu, asi Jehovha.”
Then Moses continued, “The Lord is going to give you meat to eat this evening and as much bread as you want in the morning, for he has heard your complaints against him. Why are you complaining to us nobodies? Your complaints aren't directed against us, but against the Lord.”
9 Ipapo Mozisi akati kuna Aroni, “Udza ungano yose yaIsraeri kuti, ‘Uyai pamberi paJehovha, nokuti anzwa kupopota kwenyu.’”
Then Moses said to Aaron, “Tell the whole Israelite community, ‘Present yourselves before the Lord, because he has heard your complaints.’”
10 Aroni achiri kutaura neungano yose yavaIsraeri vakatarisa kurenje vakaona kubwinya kwaJehovha kuchiratidzwa mugore.
While Aaron was still speaking to all the Israelites, they looked toward the desert and saw the glory of the Lord appear in a cloud.
11 Jehovha akati kuna Mozisi,
The Lord told Moses,
12 “Ndanzwa kupopota kwavaIsraeri. Vaudze kuti, ‘Panguva yorubvunzavaeni muchadya nyama, uye mangwanani muchaguta nechingwa. Ipapo muchaziva kuti ndini Jehovha Mwari wenyu.’”
“I have heard the complaints of the Israelites. Tell them, ‘In the evening you will eat meat, and in the morning you will have as much bread as you want. Then you will know that I am the Lord your God.’”
13 Madekwana iwayo zvihuta zvakauya zvikafukidza musasa, uye mangwanani pakanga pane dova rakapoteredza musasa.
That evening quail flew in and landed, filling the camp. In the morning dew covered the ground all around the camp.
14 Dova rakati rapera, mahwendefa matete akanga akaita samazaya echando akaonekwa pasi murenje.
Once the dew had gone, there was something thin and flaky on the desert, looking like frost crystals on the ground.
15 VaIsraeri vakati vazviona, vakati kuno mumwe nomumwe wavo, “Chiiko ichi?” Nokuti vakanga vasingazivi kuti chaiva chii. Mozisi akati kwavari, “Ndicho chingwa chamapiwa naJehovha kuti mudye.
When the Israelites saw it, they asked each another, “What is it?” because they had no idea what it was. So Moses explained to them, “It's the bread the Lord has provided for you to eat.
16 Izvi ndizvo zvakarayirwa naJehovha achiti, ‘Mumwe nomumwe anofanira kuunganidza zvinomukwanira. Utorere munhu mumwe nomumwe waunaye mutende rako omeri rimwe chete.’”
This is what the Lord has ordered you to do: ‘All of you shall collect as much as is needed. Take an omer for each person in your tent.’”
17 VaIsraeri vakaita sezvavakaudzwa; vamwe vakaunganidza zvakawanda, vamwe zvishoma.
So the Israelites did as they were told. Some collected more, while others collected less.
18 Uye pavakayera neomeri, uya akaunganidza zvizhinji haana kusara nezvakawanda, uye uya akaunganidza zvishoma haana kusara nezvishoma. Mumwe nomumwe akaunganidza zvaimukwanira.
But when they measured it out in omers, those who had collected a lot didn't have any left over, while those who had only collected a little still had enough. Each person collected gathered as much as they needed to eat.
19 Ipapo Mozisi akati kwavari, “Hakuna munhu anofanira kusara nezvimwe kusvikira mangwanani.”
Then Moses said to them, “No one is to leave any of it until the morning.”
20 Kunyange zvakadaro, vamwe vavo havana kuteerera kuna Mozisi, vakachengeta zvimwe zvacho kusvikira mangwanani, asi zvakanga zvazara nehonye uye zvatanga kunhuhwa. Saka Mozisi akavatsamwira.
But some didn't listen to Moses. They did leave some of it until the morning, and it was full of maggots and smelled bad. Moses became angry with them.
21 Mangwanani oga oga munhu mumwe nomumwe akaunganidza zvaimukwanira, uye zuva parakanga ropisa, zvakanyungudika.
So each morning everyone collected as much as they needed, and when the sun became hot, it melted away to nothing.
22 Pazuva rechitanhatu, vakaunganidza zviyero zviviri, maomeri maviri pamunhu mumwe nomumwe, uye vatungamiri veungano vakauya vakazivisa izvi kuna Mozisi.
However, on the sixth day, they collected twice as much of this food, two omers for each person. All the Israelite leaders came and told Moses what they had done.
23 Iye akati kwavari, “Izvi ndizvo zvakarayirwa naJehovha: ‘Mangwana izuva rokuzorora, Sabata dzvene kuna Jehovha. Saka bikai zvamunofanira kubika uye muvidze zvamunofanira kuvidza. Chengetai zvose zvinenge zvasara, mugozvichengeta kusvikira mangwanani.’”
Moses replied, “These are the Lord's instructions: ‘Tomorrow is a special day of rest, a holy Sabbath to honor the Lord. So bake what you want, and boil what you want. Then put to one side what's left and keep it until morning.’”
24 Saka vakazvichengeta kusvikira mangwanani, sezvavakarayirwa naMozisi, uye hazvina kunhuhwa kana kuva namakonye mazviri.
So they kept it until morning as Moses had ordered, and it didn't smell bad or have any maggots.
25 Mozisi akati, “Muzvidye iye nhasi, nokuti nhasi iSabata kuna Jehovha. Hamuzombowani chimwe chazvo pasi iye nhasi.
Moses told them, “Eat it today, because today is a Sabbath to honor the Lord. Today you won't find anything out there.
26 Muzviunganidze kwamazuva matanhatu, asi pazuva rechinomwe, iSabata, hakuzombovi nechinhu.”
You can go out collecting for six days, but on the seventh day, the Sabbath, it won't be there.”
27 Kunyange zvakadaro hazvo, vamwe vanhu vakabuda kundounganidza nezuva rechinomwe, asi havana chavakawana.
However, on the seventh day some people still went out collecting, but they did not find anything.
28 Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Muchasvika riniko muchiramba kuchengeta mirayiro yangu nezvandakakurayirai?
The Lord told Moses, “How long are you going to refuse to obey my commands and instructions?
29 Rangarirai kuti Jehovha akakupai Sabata; ndokusaka pazuva rechitanhatu achikupai chingwa chamazuva maviri. Munhu mumwe nomumwe anofanira kuramba agere paari ipapo pazuva rechinomwe; hakuna anobuda kunze.”
You need to understand that the Lord has given you the Sabbath, so on the sixth day he will provide you with food for two days. On the seventh day, everyone has to stay where they are—no one needs to go out.”
30 Saka vanhu vakazorora pazuva rechinomwe.
So the people did no work on the seventh day.
31 Vanhu veIsraeri vakatumidza chingwa icho kuti mana. Chakanga chakachena semhodzi yekorianda uye chainaka sechingwa chine uchi.
The Israelites called the food manna. It was white like coriander seed and tasted like wafers with honey.
32 Mozisi akati, “Izvi ndizvo zvakarayirwa naJehovha, ‘Mutore omeri yemana mugoichengetera zvizvarwa zvinotevera, kuti vagoona chingwa chandakakupai kuti mudye muri murenje pandakakubudisai kubva munyika yeIjipiti.’”
Moses said, “This is what the Lord has ordered: ‘Keep an omer of manna as a reminder for future generations, so that they can see the food I used to feed you in the desert when I led you out of Egypt.’”
33 Saka Mozisi akati kuna Aroni, “Tora mudziyo ugoisa omeri yemana imomo. Ipapo ugozviisa pamberi paJehovha kuti zvichengeterwe zvizvarwa zvinotevera.”
So Moses told Aaron, “Take a jar and put an omer of manna in it. Then place it before the Lord to be kept as a reminder for future generations.”
34 Sokurayira kwaJehovha kuna Mozisi, Aroni akaisa mana pamberi peChipupuriro, kuti ichengetwepo.
Aaron did so and placed the jar in front of the Testimony, to be preserved just as the Lord had ordered Moses.
35 VaIsraeri vakadya mana kwamakore makumi mana, kusvikira vasvika kunyika yaiva navanhu; vakadya mana kusvikira vasvika pamuganhu weKenani.
The Israelites ate manna forty years, until they came to the land where they would settle down—they ate manna until they arrived at the border of Canaan.
36 (Omeri ndiro chegumi cheefa.)
(An omer is a tenth of an ephah.)