< Ekisodho 14 >

1 Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi,
Locutus est autem Dominus ad Moysen, dicens:
2 “Taurira vaIsraeri kuti vadzoke vagondodzika musasa pedyo nePi Hahiroti, pakati peMigidhori negungwa. Vanofanira kudzika misasa pedyo nepagungwa, pakatarisana neBhaari Zefoni.
Loquere filiis Israël: Reversi castrametentur e regione Phihahiroth, quæ est inter Magdalum et mare contra Beelsephon: in conspectu ejus castra ponetis super mare.
3 Faro achafunga kuti, ‘VaIsraeri vari kungodzungaira nenyika vakanganisika, vadzimira murenje.’
Dicturusque est Pharao super filiis Israël: Coarctati sunt in terra; conclusit eos desertum.
4 Uye ndichaomesa mwoyo waFaro, agovatevera. Asi ini ndichazviwanira kukudzwa kubudikidza naFaro nehondo yake yose, uye vaIjipita vachaziva kuti ndini Jehovha.” Saka vaIsraeri vakaita izvozvo.
Et indurabo cor ejus, ac persequetur vos: et glorificabor in Pharaone, et in omni exercitu ejus; scientque Ægyptii quia ego sum Dominus. Feceruntque ita.
5 Mambo weIjipiti akati audzwa kuti vanhu vatiza, Faro namachinda ake vakapindura pfungwa dzavo pamusoro pavo vakati, “Ko, taitei? Tarega vaIsraeri vachienda uye havachatishandiri!”
Et nuntiatum est regi Ægyptiorum quod fugisset populus: immutatumque est cor Pharaonis et servorum ejus super populo, et dixerunt: Quid voluimus facere ut dimitteremus Israël, ne serviret nobis?
6 Saka akaita kuti ngoro dzake dzigadzirwe uye akatora hondo yake akaenda nayo.
Junxit ergo currum, et omnem populum suum assumpsit secum.
7 Akatora ngoro dzakanakisisa dzaisvika mazana matanhatu, pamwe chete nedzimwe ngoro dzeIjipiti dzina vatariri vadzo dzose.
Tulitque sexcentos currus electos, et quidquid in Ægypto curruum fuit: et duces totius exercitus.
8 Jehovha akaomesa mwoyo waFaro mambo weIjipiti, kuti atevere vaIsraeri, avo vakanga vachifamba vakashinga kwazvo.
Induravitque Dominus cor Pharaonis regis Ægypti, et persecutus est filios Israël: at illi egressi sunt in manu excelsa.
9 VaIjipita, mabhiza ose aFaro nengoro dzake, vatasvi vamabhiza namauto, vakatevera vaIsraeri vakavabata pavakanga vadzika musasa pagungwa pedyo nePi Hahiroti, pakatarisana neBhaari Zefoni.
Cumque persequerentur Ægyptii vestigia præcedentium, repererunt eos in castris super mare: omnis equitatus et currus Pharaonis, et universus exercitus, erant in Phihahiroth contra Beelsephon.
10 Faro paakanga osvika, vaIsraeri vakasimudza meso avo, uye vakaona vaIjipita vachifamba vachivatevera. Vakavhunduka uye vakachema kuna Jehovha.
Cumque appropinquasset Pharao, levantes filii Israël oculos, viderunt Ægyptios post se, et timuerunt valde: clamaveruntque ad Dominum,
11 Vakati kuna Mozisi, “Zvinoreva kuti muIjipiti makanga musina makuva here zvawatiuyisa kurenje kuti tife? Chiiko chawaita kwatiri zvawatibudisa muIjipiti?
et dixerunt ad Moysen: Forsitan non erant sepulchra in Ægypto, ideo tulisti nos ut moreremur in solitudine: quid hoc facere voluisti, ut educeres nos ex Ægypto?
12 Ko, tiri muIjipiti hatina kuti, ‘Tisiye takadaro; rega tishandire vaIjipita here’? Zvaiva nani kwatiri kuti tishandire vaIjipita pano kuti tifire murenje!”
nonne iste est sermo, quem loquebamur ad te in Ægypto, dicentes: Recede a nobis, ut serviamus Ægyptiis? multo enim melius erat servire eis, quam mori in solitudine.
13 Mozisi akapindura vanhu akati, “Musatya. Mirai nesimba uye muchaona kusunungura kwaJehovha kwaachakuitirai nhasi. VaIjipita vamunoona nhasi hamuchazovaonizve.
Et ait Moyses ad populum: Nolite timere: state, et videte magnalia Domini quæ facturus est hodie: Ægyptios enim, quos nunc videtis, nequaquam ultra videbitis usque in sempiternum.
14 Jehovha achakurwirai; imi ingonyararai bedzi.”
Dominus pugnabit pro vobis, et vos tacebitis.
15 Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Seiko uchidanidzira kwandiri? Taurira vaIsraeri kuti vapfuurire mberi.
Dixitque Dominus ad Moysen: Quid clamas ad me? loquere filiis Israël ut proficiscantur.
16 Simudza tsvimbo yako ugotambanudzira ruoko rwako pamusoro pegungwa kuti mvura iparadzane kuitira kuti vaIsraeri vapinde mugungwa napavhu rakaoma.
Tu autem eleva virgam tuam, et extende manum tuam super mare, et divide illud: ut gradiantur filii Israël in medio mari per siccum.
17 Ndichaomesa mwoyo yavaIjipita zvokuti vachapinda vachivatevera. Uye ndichawana kukudzwa kubudikidza naFaro nehondo yake yose, nengoro dzake uye navatasvi vake vamabhiza.
Ego autem indurabo cor Ægyptiorum ut persequantur vos: et glorificabor in Pharaone, et in omni exercitu ejus, et in curribus et in equitibus illius.
18 VaIjipita vachaziva kuti ndini Jehovha pandichawana kukudzwa kubudikidza naFaro, ngoro dzake navatasvi vake vamabhiza.”
Et scient Ægyptii quia ego sum Dominus cum glorificatus fuero in Pharaone, et in curribus atque in equitibus ejus.
19 Ipapo mutumwa waMwari, uyo akanga achifamba ari mberi kwehondo yavaIsraeri, akadzokera shure kwavo. Shongwe yegore yakabvawo mberi kwavo ikandomira shure kwavo,
Tollensque se angelus Dei, qui præcedebat castra Israël, abiit post eos: et cum eo pariter columna nubis, priora dimittens, post tergum
20 iri pakati pehondo dzeIjipiti nedzeIsraeri. Usiku hwose gore rakauyisa rima kuno rumwe rutivi uye chiedza kuno rumwe rutivi; saka hakuna akaswedera kuno mumwe usiku hwose.
stetit, inter castra Ægyptiorum et castra Israël: et erat nubes tenebrosa, et illuminans noctem, ita ut ad se invicem toto noctis tempore accedere non valerent.
21 Ipapo Mozisi akatambanudzira ruoko rwake pamusoro pegungwa, uye usiku hwose ihwohwo Jehovha akasunda gungwa nemhepo ine simba yokumabvazuva rikashanduka pakava nenyika yakaoma. Mvura yakakamurana,
Cumque extendisset Moyses manum super mare, abstulit illud Dominus flante vento vehementi et urente tota nocte, et vertit in siccum: divisaque est aqua.
22 uye vaIsraeri vakapinda nomugungwa napavhu rakaoma uye madziro emvura ari kuruoko rworudyi nokuruboshwe kwavo.
Et ingressi sunt filii Israël per medium sicci maris: erat enim aqua quasi murus a dextra eorum et læva.
23 VaIjipita vakavatevera, uye mabhiza ose aFaro nengoro dzake navatasvi vamabhiza vakatevera mugungwa.
Persequentesque Ægyptii ingressi sunt post eos, et omnis equitatus Pharaonis, currus ejus et equites per medium maris.
24 Panguva yamangwanani Jehovha akatarira pasi nomushongwe yomoto uye nomugore raiva kurutivi rwehondo yavaIjipita, akainyonganisa.
Jamque advenerat vigilia matutina, et ecce respiciens Dominus super castra Ægyptiorum per columnam ignis et nubis, interfecit exercitum eorum,
25 Akaita kuti mavhiri engoro dzavo abve zvokuti zvakanga zvaoma kudzifambisa. Uye vaIjipita vakati, “Ngatitizei kubva kuvaIsraeri. Jehovha ari kuvarwira achirwa navaIjipita.”
et subvertit rotas curruum, ferebanturque in profundum. Dixerunt ergo Ægyptii: Fugiamus Israëlem: Dominus enim pugnat pro eis contra nos.
26 Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Tambanudzira ruoko rwako pamusoro pegungwa kuitira kuti mvura iyerere napamusoro pavaIjipita napamusoro pengoro dzavo napamusoro pavatasvi vavo vamabhiza.”
Et ait Dominus ad Moysen: Extende manum tuam super mare, ut revertantur aquæ ad Ægyptios super currus et equites eorum.
27 Mozisi akatambanudzira ruoko rwake pamusoro pegungwa, uye kwaedza, gungwa rakadzokera panzvimbo yaro. VaIjipita vakanga vachitizira kwariri, uye Jehovha akavakukurira mugungwa.
Cumque extendisset Moyses manum contra mare, reversum est primo diluculo ad priorem locum: fugientibusque Ægyptiis occurrerunt aquæ, et involvit eos Dominus in mediis fluctibus.
28 Mvura yakadzokera pakare ikafukidza ngoro navatasvi vamabhiza, hondo yose yaFaro yakanga yatevera vaIsraeri ikanyura mugungwa. Hapana kana mumwe wavo akararama.
Reversæque sunt aquæ, et operuerunt currus et equites cuncti exercitus Pharaonis, qui sequentes ingressi fuerant mare: nec unus quidem superfuit ex eis.
29 Asi vaIsraeri vakapinda nomugungwa napavhu rakaoma uye madziro emvura ari kuruoko rwavo rworudyi nokuruboshwe.
Filii autem Israël perrexerunt per medium sicci maris, et aquæ eis erant quasi pro muro a dextris et a sinistris:
30 Zuva iroro Jehovha akaponesa vaIsraeri kubva mumaoko avaIjipita, uye vaIsraeri vakaona vaIjipita vakanga vafa pamahombekombe.
liberavitque Dominus in die illa Israël de manu Ægyptiorum.
31 Uye vaIsraeri pavakaona simba guru raJehovha richiratidzwa pamusoro pavaIjipita, vanhu vakatya Jehovha uye vakatenda kwaari naMozisi muranda wake.
Et viderunt Ægyptios mortuos super littus maris, et manum magnam quam exercuerat Dominus contra eos: timuitque populus Dominum, et crediderunt Domino, et Moysi servo ejus.

< Ekisodho 14 >