< Ekisodho 10 >
1 Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Enda kuna Faro nokuti ndaomesa mwoyo wake uye nemwoyo yamachinda ake kuitira kuti ndiite zviratidzo zvangu izvi pakati pavo,
INkosi yasisithi kuMozisi: Yana kuFaro, ngoba mina ngenze inhliziyo yakhe yaba nzima lenhliziyo yenceku zakhe, ukuze ngenze lezizibonakaliso zami phambi kwakhe,
2 kuti mugoudza vana venyu navazukuru venyu marangiro akaoma andakaita vaIjipita uye kuti ndakaita zviratidzo zvangu sei pakati pavo, uye kuti imi mugoziva kuti ndini Jehovha.”
lokuthi ulandise endlebeni zendodana yakho lendodana yendodana yakho ukuthi ngenze kabuhlungu kumaGibhithe lezibonakaliso zami engizenze phakathi kwawo, ukuze lazi ukuthi ngiyiNkosi.
3 Saka Mozisi naAroni vakaenda kuna Faro vakandoti kwaari, “Zvanzi naJehovha: Mwari wavaHebheru, ‘Uchasvika riniko uchiramba kuzvininipisa pamberi pangu? Rega vanhu vangu vaende kuti vanondinamata.
UMozisi loAroni basebesiya kuFaro, bathi kuye: Itsho njalo iNkosi, uNkulunkulu wamaHebheru, ithi: Koze kube nini usala ukuzithoba phambi kwami? Yekela isizwe sami sihambe, bangikhonze.
4 Kana uchiramba kuvatendera kuenda, ini ndichauyisa mhashu munyika yako mangwana.
Ngoba uba usala ukuyekela isizwe sami sihambe, khangela, kusasa ngizaletha isikhonyane emngceleni wakho,
5 Dzichafukidza nyika yose zvokuti pasi hapangaonekwi. Dzichadya zvishoma zvawakanga wasiyirwa shure kwechimvuramabwe, pamwe chete nemiti yose iri kumera muminda yako.
njalo sizasibekela ubuso bomhlaba ukuze ungawuboni umhlaba, sizakudla insalela yokwaphephayo, okwalisalelayo esiqhothweni, sidle sonke isihlahla esikhulela wena ensimini.
6 Dzichazadza dzimba dzako nedzamachinda ako nedzavaIjipita vose, chinhu chisina kumboonekwa namadzibaba ako kana madzitateguru ako kubva pazuva ravakagara munyika ino kusvika zvino.’” Ipapo Mozisi akatendeuka akabva pana Faro.
Sizagcwalisa izindlu zakho lezindlu zezinceku zakho zonke lezindlu zawo wonke amaGibhithe, oyihlo abangazanga basibone laboyise baboyihlo, kusukela ngosuku ababakhona emhlabeni kuze kube lamuhla. Wasetshibilika, waphuma kuFaro.
7 Machinda aFaro akati kwaari, “Munhu uyu acharamba ari musungo kwatiri kusvikira riniko? Regai vanhu vaende, kuti vagonamata Jehovha Mwari wavo. Ko, hamusi kuzviona here nazvino kuti Ijipiti yaparara?”
Lenceku zikaFaro zathi kuye: Koze kube nini lo esiba ngumjibila kithi? Yekela amadoda ahambe, akhonze iNkosi uNkulunkulu wawo; kawukazi yini ukuthi iGibhithe isichithekile?
8 Ipapo Mozisi naAroni vakadzoswazve kuna Faro. Iye akati, “Endai mundonamata Jehovha Mwari wenyu. Asi vachaenda ndivanaaniko?”
UMozisi loAroni babuyiselwa kuFaro; wasesithi kubo: Hambani likhonze iNkosi uNkulunkulu wenu. Ngobani kanye labo abazahamba?
9 Mozisi akapindura akati, “Tichaenda navaduku vedu uye navakuru, pamwe chete navanakomana vedu navanasikana vedu, uye namakwai edu nemombe dzedu, nokuti tinofanira kuita mutambo wokupemberera Jehovha.”
UMozisi wasesithi: Sizahamba labatsha bethu labadala bethu, lamadodana ethu lamadodakazi ethu, lezimvu zethu lenkomo zethu sizahamba, ngoba silomkhosi weNkosi.
10 Faro akati, “Jehovha ngaave nemi, kana ndikakutenderai kuenda, pamwe chete navakadzi navana venyu! Zviri pachena kuti imi muri kuda kuita zvakaipa.
Wasesithi kubo: INkosi ibe lani ngokunjalo, njengoba ngizaliyekela lihambe labantwanyana benu! Bonani ngoba kulokubi phambi kwenu.
11 Kwete! Varume chete ngavaende; vandonamata Jehovha, sezvo zviri izvo zvamanga muchikumbira.” Ipapo Mozisi naAroni vakadzingwa pamberi paFaro.
Kungabi njalo! Hambani khathesi, madoda, liyikhonze iNkosi, ngoba yikho elikudingayo. Basebebaxotsha ebusweni bukaFaro.
12 Uye Jehovha akati kuna Mozisi, “Tambanudza ruoko rwako pamusoro peIjipiti kuitira kuti mhashu dzigoita bute pamusoro dzigodya zvose zvinomera muminda, zvose zvakasiyiwa nechimvuramabwe.”
INkosi yasisithi kuMozisi: Yelula isandla sakho phezu kwelizwe leGibhithe, ngenxa yesikhonyane, ukuze senyukele phezu kwelizwe leGibhithe, sidle wonke umbhida welizwe lakho konke isiqhotho esikutshiyileyo.
13 Saka Mozisi akatambanudza tsvimbo yake pamusoro peIjipiti, uye Jehovha akaita kuti mhepo yokumabvazuva ivhuvhute munyika zuva rose nousiku hwose. Mangwanani, mhepo yakanga yauyisa mhashu;
UMozisi waseyelula intonga yakhe phezu kwelizwe leGibhithe; iNkosi yasiqhuba umoya wempumalanga elizweni, lonke lolosuku lobusuku bonke; kwasekusithi ekuseni, umoya wempumalanga wenyusa isikhonyane.
14 dzakazadza Ijipiti yose uye dzikamhara munzvimbo dzose dzenyika dzakawanda zvikuru. Hakuna kutongova nedambudziko remhashu rakadai, uye harichazombovapozve.
Isikhonyane sasesisenyukela phezu kwelizwe lonke leGibhithe, sehlela emngceleni wonke weGibhithe, esinzima kakhulu. Phambi kwaso akuzange kube khona isikhonyane esinjalo njengaso, futhi kakuyikuba khona esinjalo emva kwaso.
15 Dzakafukidza pasi pose kusvikira pasviba kuti svi-i. Dzakadya zvose zvakanga zvasara shure kwechimvuramabwe, zvinhu zvose zvaimera muminda uye michero yaiva pamiti. Hakuna chakasvibirira chakasara mumiti kana zvirimwa zvomunyika yose yeIjipiti.
Ngoba sasibekela ubuso belizwe lonke, kwaze kwafiphazwa ilizwe; sadla wonke umbhida welizwe laso sonke isithelo sezihlahla isiqhotho esasitshiyayo; kakusalanga lutho oluluhlaza esihlahleni, lombhida weganga, elizweni lonke leGibhithe.
16 Faro akakurumidza kudana Mozisi naAroni akati, “Ndatadzira Jehovha Mwari wenyu uye nemi.
UFaro wasephangisa ukubabiza oMozisi loAroni, wathi: Ngonile eNkosini uNkulunkulu wenu lakini.
17 Zvino ndiregerereizve chivi changu uye munyengetere kuna Jehovha Mwari wenyu kuti abvise kwandiri dambudziko rinouraya iri.”
Khathesi-ke ake lithethelele isono sami okwalesisikhathi kuphela, liyincenge iNkosi uNkulunkulu wenu ukuthi isuse kimi lokhu ukufa kuphela.
18 Ipapo Mozisi akabva pana Faro akanyengetera kuna Jehovha.
Wasephuma kuFaro, wayincenga iNkosi.
19 Uye Jehovha akashandura mhepo ikava mhepo ine simba yokumavirira ikasimudza mhashu ikadzikanda muGungwa Dzvuku. Hapana mhashu yakasara papi zvapo muIjipiti.
INkosi yasiphendula umoya wentshonalanga olamandla kakhulu owenyusa isikhonyane, wasiphosela oLwandle oluBomvu; kakusalanga sikhonyane lesisodwa kuwo wonke umngcele weGibhithe.
20 Asi Jehovha akaomesa mwoyo waFaro, uye akasatendera vaIsraeri kuti vaende.
Kodwa iNkosi yayenza lukhuni inhliziyo kaFaro, kazabayekela abantwana bakoIsrayeli bahambe.
21 Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Tambanudzira ruoko rwako kudenga kuti rima ripararire pamusoro peIjipiti, rima rinonzwikwa.”
INkosi yasisithi kuMozisi: Yelulela isandla sakho emazulwini, ukuze kube khona umnyama phezu kwelizwe leGibhithe, ngitsho umnyama ophumputhekayo.
22 Saka Mozisi akatambanudzira ruoko rwake kudenga, rima guru rikafukidza Ijipiti yose kwamazuva matatu.
UMozisi waseselulela isandla sakhe emazulwini; kwasekusiba khona umnyama wobumnyama elizweni lonke leGibhithe insuku ezintathu.
23 Hapana aigona kuona mumwe munhu papi zvapo kana kubva panzvimbo yake kwamazuva matatu. Asi vaIsraeri vainge vane chiedza munzvimbo dzavaigara.
Kababonananga, futhi kakusukumanga muntu endaweni yakhe okwensuku ezintathu; kodwa kubo bonke abantwana bakoIsrayeli kwakukhona ukukhanya emizini yabo.
24 Ipapo Faro akadana Mozisi akati, “Endai mundonamata Jehovha. Kunyange vakadzi venyu navana vangaenda havo nemi; musiye chete makwai enyu nemombe.”
UFaro wasembiza uMozisi wathi: Hambani likhonze iNkosi, kuphela izimvu zenu lenkomo zenu kuzagcinwa, labantwanyana benu bazahamba lani.
25 Asi Mozisi akati, “Munofanira kutitendera kuti tive nezvibayiro uye nezvipiriso zvinopiswa kuti tipe kuna Jehovha Mwari wedu.
Kodwa uMozisi wathi: Lawe ubonika imihlatshelo leminikelo yokutshiswa ezandleni zethu, esizayenzela iNkosi uNkulunkulu wethu.
26 Zvipfuwo zvedu zvinofanira kuendawo nesu; hapana hwanda rinofanira kusara. Tinofanira kuzvishandisa zvimwe zvacho mukunamata Jehovha Mwari wedu, uye kusvikira tasvikako hatingazivi zvatingashandisa kuti tinamate Jehovha.”
Njalo lezifuyo zethu zizahamba kanye lathi, kakuyikusala emuva isondo; ngoba sizathatha kuzo ukukhonza iNkosi uNkulunkulu wethu, ngoba kasikwazi esizakhonza ngakho iNkosi size sifike khona.
27 Asi Jehovha akaomesa mwoyo waFaro, saka haana kuda kuvatendera kuti vaende.
Kodwa iNkosi yenza lukhuni inhliziyo kaFaro, njalo kafunanga ukubayekela bahambe.
28 Faro akati kuna Mozisi, “Ibvai pano! Chenjerai kuti murege kuzoonekwazve pamberi pangu! Musi wamuchaona chiso changu muchafa.”
UFaro wasesithi kuye: Suka kimi, uziqaphele, ungaboni ubuso bami futhi; ngoba mhla ubona ubuso bami uzakufa.
29 Mozisi akapindura akati, “Sezvamareva, handichazoonekwazve pamberi penyu.”
UMozisi wasesithi: Ukhulume ngokuqonda, kangisayikubona futhi ubuso bakho.