< Esteri 9 >
1 Zvino mumwedzi wegumi nemiviri nezuva regumi namatatu romwedzi waAdhari, chirevo chakanga charayirwa namambo chaifanira kuzadziswa. Pazuva iri, vavengi vavaJudha vakanga vatarisira kuvakunda, asi zvino zvinhu zvakavapindukira, vaJudha vakava noruoko rune simba pamusoro paavo vaivavenga.
Now in the twelfth month (that is the month of Adar), on the thirteenth day, when the king’s command and his decree was about to put into execution, on the day that the enemies of the Jews hoped to gain the mastery over them, then the tables were turned so that the Jews had the mastery over those who hated them.
2 VaJudha vakaungana mumaguta avo munyika dzose dzaMambo Zekisesi kuti varwise avo vaitsvaka kuparadzwa kwavo.
The Jews gathered together in the cities throughout all the provinces of King Ahasuerus, to attack anyone who tried to harm them. No one could withstand them, for the fear of them had fallen on all the peoples.
3 Uye makurukota ose enyika, navakuru vehondo, vabati namachinda amambo vakabatsira vaJudha, nokuti vakanga vava kutya Modhekai.
All the princes of the provinces and the satraps and the governors and they who attended to the king’s business, helped the Jews, because the fear of Mordecai had fallen on them.
4 Modhekai akanga ari mukuru mukuru mumuzinda; mbiri yake yakapararira munyika yose, uye akava nesimba rakaramba richikura.
For Mordecai was great in the king’s palace, and as his power increased his fame spread throughout all the provinces.
5 VaJudha vakabaya vavengi vavo vose nomunondo, vakavauraya vakavaparadza, uye vakaita zvavaida kune avo vaivavenga.
The Jews put all their enemies to the sword and, with slaughter and destruction, they did what they wanted to those who hated them.
6 VaJudha vakauraya uye vakaparadza varume vanokwana mazana mashanu munhare yeShushani.
In Susa the capital the Jews killed five hundred people.
7 Vakaurayawo Parishandota, Dharifona, Asipata,
They killed Parshandatha, Dalphon, Aspatha,
8 Porata, Adharia, Aridhata,
Poratha, Adalia, Aridatha,
9 Pamashita, Arisai, Aridhai naVhaizata,
Parmashta, Arisia, Aridai, and Vaizatha,
10 vanakomana gumi vaHamani, mwanakomana waHamedhata, muvengi wavaJudha. Asi havana kubata zvakapambwa.
the ten sons of Haman the son of Hammedatha, the Jews’ enemy; but they did not take any plunder.
11 Vakaurayiwa munhare yeShushani vakaziviswa kuna mambo zuva iroro.
On that day the number of those who were slain in Susa was brought before the king,
12 Mambo akati kuna Esteri, “VaJudha vauraya uye vaparadza mazana mashanu avarume uye vanakomana gumi vaHamani munhare yeShushani. Vaitei kune dzimwe nzvimbo dzenyika yamambo? Zvino chikumbiro chako ndechei? Uchapiwa. Chichemo chako ndechei? Uchachiitirwawo.”
and the king said to Queen Esther, “The Jews have slain five hundred people in Susa, and the ten sons of Haman. What then have they done in the rest of the king’s provinces! Now what is your petition? It will be granted to you. What is your request? It will be done.”
13 Esteri akapindura akati, “Kana mambo achifara nazvo, ipai vaJudha vari muShushani mvumo yokuendererazve mberi mangwana nechirevo chezuva ranhasi, uye ngazviitike kuti vanakomana gumi vaHamani vasungirirwe pamatanda.”
“If it please the king,” Esther said, “let it be granted to the Jews who are in Susa to do tomorrow also according to this day’s decree. Let the bodies of Haman’s ten sons be hanged on the gallows.”
14 Saka mambo akarayira kuti izvi zviitwe. Chirevo chakapiwa muShushani, ndokubva vasungirira vanakomana gumi vaHamani.
And the king commanded it to be done. A decree was given out in Susa and they hung the bodies of Haman’s ten sons on the gallows.
15 VaJudha vaiva muShushani vakaungana pamwe chete pazuva regumi namana romwedzi waAdhari, uye vakauraya mazana matatu avarume muShushani, asi havana kubata zvakapambwa.
The Jews who were in Susa gathered themselves together again on the fourteenth day of the month of Adar. They killed three hundred people in Susa. But they did not take any plunder.
16 Zvichakadaro, vakasara vavaJudha vaiva munyika yamambo vakaunganawo kuti vazvidzivirire uye kuti vanunurwe kubva kuvavengi vavo. Vakauraya zviuru makumi manomwe nezvishanu asi havana kubata zvakapambwa.
And the other Jews who were in the king’s provinces gathered themselves together and fought for their lives and overcame their enemies. They killed seventy-five thousand who hated them. But they did not take any plunder.
17 Izvi zvakaitika pazuva regumi namatatu romwedzi waAdhari, ndokubva vazorora pazuva regumi namana, vakariita zuva ramabiko nomufaro.
This was on the thirteenth day of Adar. On the fourteenth day of the month Adar the Jews rested and made it a day of feasting and rejoicing.
18 Kunyange zvakadaro, vaJudha vaiva muShushani vakanga vaungana pazuva regumi namatatu, neregumi namana, uyezve nezuva regumi namashanu, vakazorora ndokuriita zuva ramabiko nomufaro.
(But the Jews in Susa gathered on both the thirteenth and fourteenth day – and rested on the fifteenth day of the same month and made it a day of feasting and rejoicing.)
19 Ndokusaka vaJudha vomumaruwa, vanogara mumisha, vachicherechedza zuva regumi namana romwedzi waAdhari sezuva romufaro namabiko, zuva rokupana zvipo.
This is why the Jews who live in the country villages keep the fourteenth day of the month of Adar as a day of rejoicing and feasting and a holiday, and a day in which they send gifts of food to each other.
20 Modhekai akanyora zvakaitika izvi, ndokutuma matsamba kuvaJudha vose vaiva munyika yose yaMambo Zekisesi, vaiva pedyo nevaiva kure,
Mordecai had these things recorded. He sent letters to all the Jews who were in all the provinces of the King Ahasuerus, both near and far.
21 achivaudza kuti vapemberere gore negore zuva regumi namana neregumi namashanu romwedzi waAdhari,
He told them to keep the fourteenth day of the month of Adar and also the fifteenth day every year,
22 senguva yakawanikwa rusununguko navaJudha kubva kuvavengi vavo, uye somwedzi uyo kusuruvara kwavo kwakashandurwa kukava mufaro, uye kuchema kwavo kukashandurwa kukava zuva rokupembera. Akavanyorera kuti vacherechedze mazuva aya samazuva amabiko nomufaro vachipana zvipo zvezvokudya, mumwe nomumwe, uyewo nokuvarombo.
as the days on which the Jews had rest from their enemies, and the month which was turned from sorrow to gladness and from mourning into a feast day. They should make them days of feasting and gladness and of sending gifts of food to each other and of gifts to the poor.
23 Naizvozvo vaJudha vakabvumirana kuita zvavakanga vatanga, nokuita zvavakanga vanyorerwa naModhekai.
So what the Jews had begun to do they adopted as a custom, just as Mordecai had written to them.
24 Nokuti Hamani mwanakomana waHamedhata, muAgagi, muvengi wavaJudha vose, akanga aronga kuparadza vaJudha uye akanga akanda puri, ndiwo mujenya, kuti vaparadzwe uye vaparadzwe zvachose.
For Haman the son of Hammedatha, the Agagite, the enemy of all the Jews, had plotted to destroy them. He had cast ‘Pur’, that is the lot, intending to consume them and to destroy them.
25 Asi shoko iri rakati rasvika munzeve dzamambo, akanyora achirayira kuti zano rakaipa iri rakanga rarongwa naHamani rokurwisa vaJudha ridzokere pamusoro pake iye uye kuti iye navanakomana vake vasungirirwe pamatanda.
But when the matter came before the king, he gave written orders that his wicked plot, which he had planned against the Jews, should come upon his own head, and that he and his sons should be hanged on the gallows.
26 (Naizvozvo mazuva aya akadaidzwa kuti Purimu, kubva pavara rokuti puri.) Nokuda kwezvakanyorwa zvose mutsamba uye nokuda kwezvavakanga vaona, nezvakaitika kwavari,
This is why these days are called Purim, after the word Pur. Therefore because of all the words of this letter, as well as all they had seen, and all they had experienced,
27 vaJudha vakasarudza kusimbisa tsika yokuti ivo navana vavo navose vaizobatana navo vaifanira kucherechedza mazuva maviri aya gore negore vasingatongoregi, sezvazvakanga zvakanyorwa uye nenguva dzakatarwa.
the Jews established and made it a custom for them, for their descendants, and for all who should join them, so that it might not be repealed, that they should continue to observe these two days as feasts each year,
28 Mazuva aya anofanira kurangarirwa agocherechedzwa, murudzi rumwe norumwe, mumhuri imwe neimwe, munyika imwe neimwe uye nomuguta rimwe nerimwe. Uye mazuva aya ePurimu haafaniri kutongoregwa kupembererwa navaJudha, uye kurangarirwa kwawo hakufaniri kuparara pakati pavana vavo.
and that these days should be remembered and kept throughout every generation, every family, every province, and every city. And these days of Purim should not pass away from among the Jews nor the remembrance of them disappear among their descendants.
29 Saka vaHosi Esteri, mwanasikana waAbhihairi, pamwe chete naModhekai muJudha, vakanyora nesimba rizere vachisimbisa tsamba iyi yechipiri maererano nePurimu.
Queen Esther, the daughter of Abihail, gave Mordecai the Jew all authority in writing to confirm this second letter of Purim.
30 Uye Modhekai akatumira tsamba kuvaJudha vose vaiva munyika zana namakumi maviri nenomwe dzoumambo hwaZekisesi, mashoko orugare nezvokwadi,
He sent letters to all the Jews, to the hundred and twenty-seven provinces of the kingdom of Ahasuerus, wishing them peace and security,
31 kuti asimbise mazuva aya ePurimu panguva dzaakatsaurirwa, sokurayirwa kwazvakaitwa naModhekai muJudha navaHosi Esteri, uye sezvavakanga vazvimisira ivo navana vavo munguva dzavo dzokutsanya nokuchema.
to confirm these days of Purim in their proper times, to be observed as Mordecai the Jew and Queen Esther had directed and as the Jews had proscribed for themselves and their descendants, in the matter of the fastings and their cry of lamentation.
32 Chirevo chaEsteri chakasimbisa mitemo yePurimu, uye chakanyorwa mubhuku.
And the commands of Esther confirmed these matters of Purim; and it was written in the records.