< Esteri 7 >
1 Naizvozvo mambo naHamani vakaenda kundodya navaHosi Esteri,
Le roi et Haman vinrent donc au banquet avec la reine Esther.
2 uye pavakanga vachinwa waini pazuva rechipiri, mambo akabvunzazve akati, “VaHosi Esteri, muri kukumbireiko? Muchapiwa. Chikumbiro chenyu ndechei? Kunyange kusvika pahafu youshe, muchazviitirwa.”
Le roi dit encore à Esther, le deuxième jour, au banquet du vin: « Quelle est ta demande, reine Esther? Elle te sera accordée. Quelle est ta requête? Elle sera exécutée jusqu'à la moitié du royaume. »
3 Ipapo vaHosi Esteri vakapindura vakati, “Kana ndawana nyasha kwamuri, imi Mambo, uye kana zvichifadza mambo, ndinokumbira kuti ndipiwe upenyu hwangu, ndicho chichemo changu, uye navanhu vangu, ndicho chikumbiro changu.
Alors la reine Esther prit la parole et dit: Si j'ai trouvé grâce à tes yeux, ô roi, et si le roi le trouve bon, que ma vie me soit accordée selon ma demande, et mon peuple selon ma requête.
4 Nokuti ini navanhu vangu takatengeswa kuti tiurayiwe tiparadzwe zvachose. Kana dai takanga tangotengeswa senhapwa dzavarume navakadzi, ndingadai ndaingonyarara, nokuti kutambudzika kwakadai hakukodzere kuti mambo akanganiswe zvaari kuita.”
Car nous sommes vendus, moi et mon peuple, pour être détruits, pour être tués et pour périr. Mais si nous avions été vendus pour des esclaves mâles et femelles, je me serais tu, bien que l'adversaire n'ait pu compenser la perte du roi. »
5 Mambo Zekisesi akabvunza vaHosi Esteri akati, “Ndiani iyeye? Aripi munhu iyeye afunga kuita chinhu chakadai?”
Alors le roi Assuérus dit à la reine Esther: « Qui est-il, et où est-il, celui qui a osé présumer dans son cœur d'agir ainsi? »
6 Esteri akati, “Mudzivisi nomuvengi ndiyeyu Hamani ane utsinye.” Ipapo Hamani akatya pamberi pamambo navahosi.
Esther dit: « Un adversaire et un ennemi, même ce méchant Haman! » Alors Haman eut peur devant le roi et la reine.
7 Mambo akaviruka nehasha, akasiya waini yake ndokuenda kubindu romuzinda. Asi Hamani, achiona kuti mambo akanga atoronga magumo ake, akasara achiti akumbire upenyu hwake kuna vaHosi Esteri.
Le roi, dans sa colère, se leva du banquet de vin et alla dans le jardin du palais. Haman se leva pour demander sa vie à la reine Esther, car il voyait que le roi avait décidé de lui faire du mal.
8 Mambo paakadzoka kubva kubindu romuzinda achidzokera kuimba yamabiko, Hamani akanga azviwisira pachigaro chakanga chigere Esteri. Mambo akati, “Asi otoda kuchinyira mambokadzi muno mumba ndinaye here?” Pakarepo shoko parakangobuda mumuromo wamambo, vakafukidza uso hwaHamani.
Alors le roi revint du jardin du palais dans le lieu du banquet du vin, et Haman était tombé sur le divan où se trouvait Esther. Le roi dit alors: « Ira-t-il jusqu'à agresser la reine devant moi, dans la maison? » Comme la parole sortait de la bouche du roi, on couvrit le visage d'Haman.
9 Ipapo Habhona, mumwe wavaranda vaishandira mambo akati, “Pane danda rakareba makubhiti makumi mashanu rakamiswa paimba yaHamani. Akanga akarigadzirira Modhekai, uyo akataura zvakanaka kuti mambo abatsirwe.” Mambo akati, “Musungirirei iye ipapo!”
Alors Harbonah, l'un des eunuques qui étaient avec le roi, dit: « Voici que la potence haute de cinquante coudées, qu'Haman a fabriquée pour Mardochée, qui a dit du bien du roi, se trouve à la maison d'Haman. » Le roi a dit: « Pendez-le! »
10 Naizvozvo vakasungirira Hamani pamatanda aakanga agadzirira Modhekai. Ipapo kutsamwa kwamambo kwakadzikira.
Et ils pendirent Haman au gibet qu'il avait préparé pour Mardochée. Et la colère du roi fut apaisée.