< Esteri 6 >

1 Usiku ihwohwo mambo akashaya hope; saka akarayira kuti mabhuku enhoroondo nezvinyorwa zvokutonga kwake zviuyiswe uye agozviverengerwa.
On that night, the king couldn’t sleep. He commanded the book of records of the chronicles to be brought, and they were read to the king.
2 Vakawana zvakanyorwamo kuti Modhekai akaburitsa pachena kuti Bhigitana naTereshi, vabati vaviri vamambo vaichengeta mukova, vakanga varangana kuuraya Mambo Zekisesi.
It was found written that Mordecai had told of Bigthana and Teresh, two of the king’s eunuchs, who were doorkeepers, who had tried to lay hands on the King Ahasuerus.
3 Mambo akabvunza akati, “Modhekai akagamuchira kukudzwa nerumbidzo yei nokuda kwaizvozvi.” Varanda vake vakati, “Hapana chaakaitirwa.”
The king said, “What honour and dignity has been given to Mordecai for this?” Then the king’s servants who attended him said, “Nothing has been done for him.”
4 Mambo akati, “Ndiani ari muruvazhe?” Zvino Hamani akanga achangopinda muruvazhe rwokunze rwapamuzinda kuti azotaura kuna mambo maererano nokusungirira Modhekai pamatanda aakanga amisa.
The king said, “Who is in the court?” Now Haman had come into the outer court of the king’s house, to speak to the king about hanging Mordecai on the gallows that he had prepared for him.
5 Varanda vake vakati, “Hamani amire paruvazhe?” Mambo akarayira achiti, “Uyai naye muno.”
The king’s servants said to him, “Behold, Haman stands in the court.” The king said, “Let him come in.”
6 Hamani paakapinda, mambo akamubvunza achiti, “Chii chingaitwa namambo kumunhu waangafarira kukudza?” Ipapo Hamani akati mumwoyo make, “Ndiani aripo angada kukudzwa namambo kunze kwangu?”
So Haman came in. The king said to him, “What shall be done to the man whom the king delights to honour?” Now Haman said in his heart, “Who would the king delight to honour more than myself?”
7 Naizvozvo akapindura mambo akati, “Iye munhu, mambo waanofarira kukudza,
Haman said to the king, “For the man whom the king delights to honour,
8 ngavamutorere nguo youshe yakambopfekwa namambo nebhiza rakambotasvwa namambo, rine korona youshe yakaiswa pamusoro paro.
let royal clothing be brought which the king uses to wear, and the horse that the king rides on, and on the head of which a royal crown is set.
9 Ipapo nguo youshe nebhiza ngazviiswe kuno mumwe wamakurukota amambo anokudzwa kwazvo. Ngavapfekedze munhu uyo mambo waanofarira kukudza, vamutungamirire ari pabhiza vachipinda nomumigwagwa iri pakati peguta, vachidanidzira pamberi pake vachiti, ‘Izvi ndizvo zvinoitirwa munhu uyo mambo anofarira kukudza!’”
Let the clothing and the horse be delivered to the hand of one of the king’s most noble princes, that they may array the man whom the king delights to honour with them, and have him ride on horseback through the city square, and proclaim before him, ‘Thus it shall be done to the man whom the king delights to honour!’”
10 Mambo akarayira Hamani achiti, “Enda nokukurumidza, utore nguo nebhiza uitire Modhekai muJudha, sezvawareva, uyo anogara pasuo ramambo. Usambosiya kana chinhu chimwe chezvawareva.”
Then the king said to Haman, “Hurry and take the clothing and the horse, as you have said, and do this for Mordecai the Jew, who sits at the king’s gate. Let nothing fail of all that you have spoken.”
11 Saka Hamani akatora nguo nebhiza, akapfekedza Modhekai, uye akamutungamirira ari pamusoro pebhiza napakati pemigwagwa yeguta, achidanidzira pamberi pake achiti, “Izvi ndizvo zvinoitwa namambo kumunhu waanofarira kukudza!”
Then Haman took the clothing and the horse, and arrayed Mordecai, and had him ride through the city square, and proclaimed before him, “Thus it shall be done to the man whom the king delights to honour!”
12 Mushure mezvo Modhekai akadzokera pasuo ramambo. Asi Hamani akakurumidza kudzokera kumba, achichema akafukidza musoro wake,
Mordecai came back to the king’s gate, but Haman hurried to his house, mourning and having his head covered.
13 uye akandoudza Zereshi mukadzi wake neshamwari dzake dzose zvose zvakanga zvaitika kwaari. Varayiri vake nomukadzi wake Zereshi vakati kwaari, “Sezvo Modhekai, uyo aita kuti uwe pamberi pake, ari wechiJudha, haugoni kumirisana naye, zvirokwazvo uchaparara!”
Haman recounted to Zeresh his wife and all his friends everything that had happened to him. Then his wise men and Zeresh his wife said to him, “If Mordecai, before whom you have begun to fall, is of Jewish descent, you will not prevail against him, but you will surely fall before him.”
14 Vakati vachiri kutaura naye, varanda vamambo vakasvika ndokuita kuti Hamani aende kumabiko akanga agadzirwa naEsteri.
While they were yet talking with him, the king’s eunuchs came, and hurried to bring Haman to the banquet that Esther had prepared.

< Esteri 6 >