< Esteri 5 >
1 Pazuva rechitatu Esteri akapfeka nguo dzake dzouhosi ndokumira muruvazhe rwomukati momuzinda, pamberi peimba yamambo. Mambo akanga akagara pachigaro chake choushe mumba, akatarisana nomukova.
Üçüncü gün Ester kraliçe giysilerini kuşanıp sarayın iç avlusunda, taht odasının önünde durdu. Kral bu odanın giriş kapısının karşısındaki tahtında oturuyordu.
2 Paakaona vaHosi Esteri vakamira muruvanze, akafadzwa naye ndokumutambanudzira tsvimbo yake yegoridhe yaiva muruoko rwake. Naizvozvo Esteri akaswedera ndokubata muromo wetsvimbo.
Avluda bekleyen Kraliçe Ester'i görünce onu hoşgörüyle karşılayıp elindeki altın asayı ona doğru uzattı. Ester yaklaşıp asanın ucuna dokundu.
3 Ipapo mambo akamubvunza achiti, “Uri kureveiko, vaHosi Esteri? Chikumbiro chako ndecheiko? Kunyange hafu youshe uchaipiwa.”
Kral ona, “Ne istiyorsun Kraliçe Ester, dileğin ne?” diye sordu. “Krallığın yarısını bile istesen sana verilecektir.”
4 Esteri akati, “Kana zvichifadza mambo, mambo ngaauye nhasi pamwe chete naHamani, kumabiko andakugadzirirai.”
Ester, “Kral uygun görüyorsa, bugün kendisi için vereceğim şölene Haman'la birlikte gelsin” diye karşılık verdi.
5 Mambo akati, “Hamani ngaauye nokuchimbidza, kuti tiite zvinokumbirwa naEsteri.” Naizvozvo mambo naHamani vakaenda kumabiko akaitwa naEsteri.
Kral adamlarına, “Ester'in isteğini yerine getirmek için Haman'ı hemen çağırın” dedi. Böylece kralla Haman Ester'in verdiği şölene gittiler.
6 Pavakanga vachinwa waini, mambo akabvunzazve Esteri achiti, “Zvino, chikumbiro chako ndechei? Uchachipiwa. Uye unokumbireiko? Kunyange hafu youshe, uchapiwa.”
Şarap içerlerken kral yine Ester'e sordu: “Söyle, ne istiyorsun? Ne istersen verilecek. Dileğin nedir? Krallığın yarısını bile istesen sana bağışlanacak.”
7 Esteri akapindura akati, “Chichemo changu nechikumbiro changu ndeichi:
Ester, “İsteğim ve dileğim şu” diye yanıtladı,
8 Kana ndanzwirwa nyasha namambo uye kana zvichifadza mambo kupedza chichemo changu nokuzadzisa chikumbiro changu, mambo ngaauye mangwana naHamani kumabiko andichavagadzirira. Ipapo ndichapindura mubvunzo wamambo.”
“Kral benden hoşnutsa, istediğimi vermek, dileğimi yerine getirmek istiyorsa, kral ve Haman yarın kendileri için vereceğim şölene gelsinler, o zaman kralın sorusunu yanıtlarım.”
9 Pazuva iro, Hamani akaenda achifara nomufaro mukuru mumwoyo make. Asi paakaona Modhekai pasuo ramambo uye akaona kuti akanga asingasimuki kana kuratidza kutya pamberi pake, akazara nehasha nokuda kwaModhekai.
Haman o gün şölenden mutlu ve sevinçli ayrıldı. Ama Mordekay'ı sarayın kapısında görünce ve onun ayağa kalkmadığını, kendisine saygı göstermediğini farkedince öfkeden kudurdu.
10 Zvakadaro hazvo, Hamani akazvidzora ndokubva aenda kumba. Akadana shamwari dzake pamwe chete naZereshi, mukadzi wake,
Yine de kendini tuttu ve evine gitti. Sonra dostlarını ve eşi Zereş'i çağırttı.
11 Hamani akavarondedzera nezvepfuma yake zhinji, zvokuwanda kwavanakomana vake, uye nenzira dzose dzaakaremekedzwa nadzo namambo nokuti akakwidziridzwa sei pamusoro pamamwe makurukota navabati.
Onlara sonsuz zenginliğinden, çok sayıdaki oğullarından, kralın, kendisini nasıl onurlandırdığından, öbür önderlerinden ve görevlilerinden üstün tuttuğundan söz etti.
12 Hamani akatizve, “Hazvisi izvozvo chete, ndini chete munhu akakokwa navahosi Esteri kuti ndiperekedze mambo kumabiko aakatiitira. Zvino andikokazve mangwana pamwe namambo.
“Üstelik, Kraliçe Ester, verdiği şölene kralın yanısıra yalnız beni çağırdı” diye ekledi, “Yarınki şölene de kralla birlikte beni davet etti.
13 Asi zvose izvi handigutsikani nazvo kana ndichiona muJudha uyu Modhekai agere pasuo ramambo.”
Ne var ki, o Yahudi Mordekay'ı sarayın kapısında otururken gördükçe bunlardan hiçbirinin gözümde değeri kalmıyor.”
14 Mukadzi wake Zereshi neshamwari dzake dzose vakati kwaari, “Misa matanda akareba makubhiti makumi mashanu, ugokumbira mambo panguva dzamangwanani kuti Modhekai asungirirwepo. Ipapo ugoenda namambo kumabiko nomufaro.” Shoko iri rakafadza Hamani, ndokubva aita kuti matanda amiswe.
Karısı Zereş ve bütün dostları Haman'a şöyle dediler: “Elli arşın yüksekliğinde bir darağacı kurulsun. Sabah olunca kraldan Mordekay'ı oraya astırmasını iste. Sonra da sevinç içinde kralla birlikte şölene gidersin.” Haman öneriyi beğendi ve darağacını hemen kurdurdu.