< Esteri 3 >

1 Shure kwaizvozvo, Mambo Zekisesi akaremekedza Hamani mwanakomana waHamedhata, muAgagi, akamukwidziridza nokumupa chigaro chinokudzwa chakanga chiri pamusoro-soro kupfuura zvamamwe makurukota ose.
Some time after this, King Xerxes honored Haman, son of Hammedatha, the Agagite, giving him a position higher than all his fellow officials.
2 Vabati vose vomuumambo vaimira pamusuo vakamupfugamira vakapa rukudzo kuna Hamani, nokuti mambo akanga arayira kuti aitirwe izvi. Asi Modhekai akanga asingamupfugamiri kana kumukudza.
All the officials in royal employment bowed down and showed respect to Haman, for this is what the king had commanded. But Mordecai would not bow down and show respect to him.
3 Ipapo vabati vaimira pasuo ramambo vakabvunza Modhekai vakati, “Sei usingateereri murayiro wamambo?”
The king's officials asked Mordecai, “Why are you disobeying the king's command?”
4 Zuva nezuva vaitaura naye asi iye akaramba kuvanzwa. Naizvozvo vakaudza Hamani izvozvo kuti vaone kuti maitiro aModhekai angangoregererwa here, nokuti iye akanga avaudza kuti aiva muJudha.
They talked to him about it day after day, but he refused to listen. So they told Haman about it to see if he would put up with what Mordecai was doing, for Mordecai had told them he was a Jew.
5 Hamani akati aona kuti Modhekai akanga asingamupfugamiri kana kumuremekedza, akatsamwa kwazvo.
Haman was furious when he saw that Mordecai did not bow down and show respect to him.
6 Asi paakanzwa kuti vanhu vaModhekai vaiva vapi akafunga zvokusauraya Modhekai chete. Panzvimbo yokuita izvi, Hamani akatsvaka nzira yokuuraya vanhu vose vaModhekai, vaJudha vose vaiva muumambo hwaZekisesi.
Having found out who Mordecai's people were, he dismissed the idea of just killing Mordecai. He decided to kill every Jew in the whole Persian Empire—all of Mordecai's people!
7 Mugore regumi namaviri raMambo Zekisesi mumwedzi wokutanga, mwedzi waNisani, vakakanda puri (ndiwo mujenya) pamberi paHamani kuti vasarudze zuva nomwedzi. Mujenya wakawira pamwedzi wegumi nemiviri, mwedzi waAdha.
In the twelfth year of King Xerxes, in the first month, the month of Nisan, “pur” (meaning a “lot”) was cast in Haman's presence to choose a day and month, taking each day and each month one at a time. The lot fell on the twelfth month, the month of Adar.
8 Ipapo Hamani akati kuna Mambo Zekisesi, “Kuna vamwe vanhu vakapararira nokutekeshera vari pakati pamarudzi mumatunhu oushe hwenyu vane tsika yakasiyana navamwe vanhu vose uye havateereri mirayiro yamambo; hazvinganakiri mambo kuti muvaregerere.
Haman went to King Xerxes and said, “There's a particular people living among others in many different places throughout the provinces of your empire who cut themselves off from everybody else. They have their own laws which are different to those of any other people, and what's more, they don't obey the king's laws. So it's not a good idea for Your Majesty to ignore them.
9 Kana mambo achifara nazvo, ngapaiswe chirevo chokuti vaparadzwe, uye ini ndicharipa matarenda zviuru gumi esirivha mudura repfuma yamambo kuti igoshandiswa kuripira avo vachabata basa iri ramambo.”
If it please Your Majesty, issue a decree to destroy them, and I will personally contribute 10,000 silver talents to those who carry out the king's business to be placed in the royal treasury.”
10 Naizvozvo mambo akatora mhete yechindori kubva pamunwe wake akaipa kuna Hamani mwanakomana waHamedhata, muAgagi, muvengi wavaJudha.
The king took off his signet ring and handed it to Haman, son of Hammedatha, the Agagite, the enemy of the Jews.
11 Mambo akati kuna Hamani, “Chengeta mari uye uite zvaunoda navanhu.”
The king told Haman, “You can have the money, and do to the people whatever you want.”
12 Zvino pazuva regumi namatatu romwedzi wokutanga vanyori vamambo vakadaidzwa. Vakanyora namanyorero enyika imwe neimwe uye nomutauro worudzi rumwe norumwe zvose zvakarayirwa naHamani kumakurukota ehurumende, navabati venyika dzakasiyana-siyana namakurukota amarudzi akasiyana-siyana. Tsamba idzi dzakanyorwa muzita raMambo Zekisesi pachake uye dzikasimbiswa nemhete yake.
On the thirteenth day of the first month the king's secretaries were summoned. A decree was issued in accordance with everything Haman demanded and sent to the king's chief officers, the governors of the different provinces and the nobles of the various peoples in the provinces. It was sent in the script of each province and in the language of every people, with the authorization of King Xerxes and sealed with his signet ring.
13 Matsamba aya akatumirwa navatakuri vamatsamba kunyika dzose dzamambo Zekisesi dziine murayiro wokuparadza, kuuraya, nokupedza vaJudha vose, vadiki navakuru, vakadzi navana vadiki, nokupamba zvinhu zvavo, nezuva rimwe chete, pazuva regumi namatatu romwedzi wegumi nemiviri, iwo mwedzi waAdha.
Letters were sent by messenger to all the provinces in the king's empire with orders to destroy, kill, and annihilate all Jews, young and old, women and children, and confiscate their possessions, all in one day—the thirteenth day of the twelfth month, the month of Adar.
14 Rimwe gwaro rechirevo ichi raizodzikwa somutemo mudunhu rimwe nerimwe, vanhu vendudzi dzose vachizoziviswa kuti vagare vakagadzirira zuva iroro.
A copy of the decree was to be issued as law in every province and publicized to the people so that they would be ready for the day.
15 Vatakuri vamatsamba vakabuda nokukasika sokurayira kwamambo, vakandozivisa chirevo panhare yeShushani. Mambo naHamani vakagara pasi kuti vanwe, asi guta reShushani rakanyonganiswa.
By order of the king the messengers hurried on their way. The decree was also issued in the fortress of Susa. The king and Haman sat down for a drink while the people in city of Susa were very disturbed.

< Esteri 3 >