< Esteri 2 >

1 Mushure mezvinhu izvi kutsamwa kwamambo Zekisesi kwapera, akarangarira Vhashiti nezvaakanga aita uye nezvaakanga atema pamusoro pake.
After these things, when the wrath of king Ahasuerus was appeased, he remembered Vashti, and what she had done, and what was decreed against her.
2 Ipapo varanda vamambo vaimushandira vakati,
Then said the king's servants that ministered to him, Let there be fair young virgins sought for the king:
3 “Mambo ngaatsvakirwe mhandara dzakanaka. Mambo ngaagadze nhume munyika dzose dzoumambo hwake kuti vauye navasikana vakanaka munzvimbo inogara vakadzi panhare yeShushani. Ngavachengetwe naHegai, muranda wamambo anoona nezvamadzimai, uye zvinopa runako ngazvipiwe kwavari.
And let the king appoint officers in all the provinces of his kingdom, that they may collect all the fair young virgins to Shushan the palace, to the house of the women, into the custody of Hege the king's chamberlain, keeper of the women; and let their things for purification be given [them]:
4 Zvino musikana uyo anofadza mambo ngaave vahosi pachinzvimbo chaVhashiti.” Zano iri rakafadza mambo, uye akaita saizvozvo.
And let the maiden who pleaseth the king be queen instead of Vashti. And the thing pleased the king; and he did so.
5 Zvino munhare yeShushani maiva nomuJudha worudzi rwaBhenjamini, ainzi Modhekai mwanakomana waJairi, mwanakomana waShimei, mwanakomana waKishi,
[Now] in Shushan the palace there was a certain Jew, whose name [was] Mordecai, the son of Jair, the son of Shimei, the son of Kish, a Benjaminite;
6 akanga atapwa kubva kuJerusarema naNebhukadhinezari mambo weBhabhironi, ari pakati paavo vakatapwa pamwe chete naJehoyakini mambo weJudha.
Who had been carried away from Jerusalem with the captivity which had been carried away with Jeconiah king of Judah, whom Nebuchadnezzar the king of Babylon had carried away.
7 Modhekai aiva nomwanasikana wasekuru vake ainzi Hadhasa, waakanga arera nokuti akanga asina mai kana baba. Musikana uyu ainziwo Esteri, akanga akanaka kwazvo pachimiro napaunhu, uye Modhekai akanga amutora somwanasikana wake pakufa kwakaita mai vake nababa vake.
And he brought up Hadassah, that [is], Esther, his uncle's daughter: for she had neither father nor mother, and the maid [was] fair and beautiful; whom Mordecai, when her father and mother were dead, took for his own daughter.
8 Zvino murayiro nomutemo wamambo zvakati zvaziviswa, vasikana vazhinji vakauyiswa kunhare yeShushani ndokuiswa pasi paHegai kuti avachengete. NaEsteriwo akatorwa akaiswa mumuzinda wamambo akachengetwa naHegai, aiva muchengeti wenzvimbo yaigara madzimai.
So it came to pass, when the king's commandment and his decree were heard, and when many maidens were assembled at Shushan the palace, to the custody of Hegai, that Esther was brought also to the king's house, to the custody of Hegai, keeper of the women.
9 Musikana akamufadza akawana nyasha kwaari. Pakarepo akamupa zvinonhuhwira zvinowedzera runako uye nezvokudya zvakatsaurwa. Akamupa vasikana vanomwe vakanga vasarudzwa kubva munhare yamambo ndokumuendesa iye navasikana vake kunzvimbo yakanga yakanakisisa muimba yavakadzi.
And the maiden pleased him, and she obtained kindness from him; and he speedily gave her her things for purification, with such things as belonged to her, and seven maidens [who were] meet to be given her, out of the king's house: and he preferred her and her maids to the best [place] of the house of the women.
10 Esteri akanga asina kutaura rudzi rwake nemhuri yake, kana kwaaibva, nokuti Modhekai akanga amurambidza kuita izvozvo.
Esther had not showed her people nor her kindred: for Mordecai had charged her that she should not show [it].
11 Zuva rimwe nerimwe aitenderera ari pedyo noruvazhe rwenzvimbo yaigariswa vanhukadzi achida kuona kuti Esteri akadini uye kuti chii chaiitika kwaari.
And Mordecai walked every day before the court of the women's house, to know how Esther did, and what would become of her.
12 Musikana aifanira kupedza mwedzi gumi nemiviri achizvinatsa nezvinonhuhwira dzoro rake risati rasvika rokupinda kuna mambo Zekisesi sokurongerwa kwaiitirwa vanhukadzi, mwedzi mitanhatu yamafuta emura uye mwedzi mitanhatu yezvinonhuhwira nezvizoro.
Now when every maid's turn had come to go in to king Ahasuerus, after that she had been twelve months, according to the manner of the women, (for so were the days of their purifications accomplished, [to wit], six months with oil of myrrh, and six months with sweet odors, and with [other] things for the purifying of the women; )
13 Zvino aya ndiwo aiva maendero ake kuna mambo: Aipiwa chinhu chipi nechipi chaaida kutora kuti aende nacho kumuzinda wamambo paainge achibva kwaigara vanhukadzi.
Then thus came [every] maiden to the king; whatever she desired was given her to go with her out of the house of the women to the king's house.
14 Ava manheru aipota achiendako uye mangwanani achidzokera kune rimwe kamuri raigara vanhukadzi kwaichengetwa naShaashigazi, muranda wamambo aiva muchengeti wavarongo. Aisadzokerazve kuna mambo kunze kwokunge mambo afadzwa naye akamudaidza nezita.
In the evening she went, and on the morrow she returned into the second house of the women, to the custody of Shaashgaz, the king's chamberlain, who kept the concubines: she came in to the king no more, except that the king delighted in her, and she was called by name.
15 Dzoro raEsteri rakati rasvika (musikana akanga atorwa kuti ave mwana naModhekai, mwanasikana wasekuru vake Abhihairi) rokuenda kuna Mambo, haana chaakakumbira kunze kwezvaakaudzwa naHegai, muranda wamambo aiva mutariri wenzvimbo yaigarwa navanhukadzi. Zvino Esteri akawana nyasha kuna vose vakamuona.
Now when the turn of Esther, the daughter of Abihail the uncle of Mordecai, who had taken her for his daughter, had come to go in to the king, she required nothing but what Hegai the king's chamberlain, the keeper of the women, appointed. And Esther obtained favor in the sight of all them that looked upon her.
16 Akaendeswa kuna Mambo Zekisesi muimba youmambo mumwedzi wegumi, mwedzi waTibheti, mugore rechinomwe rokutonga kwake.
So Esther was taken to king Ahasuerus into his house royal in the tenth month, which [is] the month Tebeth, in the seventh year of his reign.
17 Zvino mambo akayevedzwa naEsteri kupfuura ani naani zvake wavamwe vakadzi, uye akawana nyasha kwaari akagamuchirwa kupfuura ani zvake pakati pedzimwe mhandara. Saka akagadza korona youmambo pamusoro wake akamuita vahosi panzvimbo yaVhashiti.
And the king loved Esther above all the women, and she obtained grace and favor in his sight more than all the virgins; so that he set the royal crown upon her head, and made her queen instead of Vashti.
18 Zvino mambo akaita mabiko makuru, mabiko aEsteri, achiitira makurukota ake ose navabati. Akadaidzira zuva rezororo munyika dzose akagovera zvipo, zvakawanda sezvakakodzera mambo.
Then the king made a great feast to all his princes and his servants, [even] Esther's feast; and he made a release to the provinces, and gave gifts, according to the state of the king.
19 Mhandara dzakati dzaungana kechipiri, Modhekai akanga akagara pasuo ramambo.
And when the virgins were assembled the second time, then Mordecai sat in the king's gate.
20 Asi Esteri akanga avanza nhoroondo yemhuri yake norudzi rwake sezvaakanga audzwa naModhekai, nokuti akaramba achitevera kurayira kwaModhekai nezvaaisiita acharerwa naye.
Esther had not [yet] showed her kindred, nor her people; as Mordecai had charged her: for Esther performed the commandment of Mordecai, as when she was brought up with him.
21 Panguva iyo Modhekai akanga akagara pasuo ramambo, Bhigitana naTereshi, vabati vaviri vamambo vairinda mukova vakatsamwa ndokubva varangana kuuraya Mambo Zekisesi.
In those days, while Mordecai sat in the king's gate, two of the king's chamberlains, Bigthan and Teresh, of those who kept the door, were wroth, and sought to lay hand on the king Ahasuerus.
22 Asi Modhekai akazviziva ndokubva audza Esteri nezverangano iyi, iye ndokuzvizivisa kuna mambo, achiti akanga anzwa naModhekai.
And the thing was known to Mordecai, who told [it] to Esther the queen; and Esther certified the king [of it] in Mordecai's name.
23 Zvino shoko iri rakati raferefetwa uye rikawanikwa riri rechokwadi, vabati vaviri ava vakasungirwa pamatanda vakafa. Zvose izvi zvakanyorwa mubhuku renhoroondo pamberi pamambo.
And when inquisition was made of the matter, it was discovered; therefore they were both hanged on a tree: and it was written in the book of the chronicles before the king.

< Esteri 2 >