< VaEfeso 6 >

1 Vana, teererai vabereki venyu muna She, nokuti ndizvo zvakanaka.
Children, obey your parents in the Lord: for this is right.
2 “Kudza baba namai vako,” ndiwo murayiro wokutanga une chipikirwa,
Honour thy father and mother; (which is the first commandment with promise; )
3 “kuti uitirwe zvakanaka uye kuti ugare upenyu hurefu panyika.”
That it may be well with thee, and thou mayest live long on the earth.
4 Vanababa, regai kutsamwisa vana venyu; asi, muvarere mukurovedza nokurayira kwaShe.
And, ye fathers, provoke not your children to wrath: but bring them up in the nurture and admonition of the Lord.
5 Varanda, teererai vatenzi venyu vapanyika noruremekedzo uye nokutya, uye nomwoyo wakatendeka, sokuteerera kwamunoita Kristu.
Servants, be obedient to them that are [your] masters according to the flesh, with fear and trembling, in singleness of your heart, as unto Christ;
6 Musangovateerera kuti vakufarirei pavanenge vachikuonai chete, asi savaranda vaKristu, vanoita kuda kwaMwari zvichibva pamwoyo yavo.
Not with eyeservice, as menpleasers; but as the servants of Christ, doing the will of God from the heart;
7 Mushande nomwoyo wose, sokunge munoshandira Ishe, kwete munhu,
With good will doing service, as to the Lord, and not to men:
8 nokuti munoziva kuti Ishe achapa mubayiro mumwe nomumwe pane zvose zvakanaka zvaanoita, angava muranda kana akasununguka.
Knowing that whatsoever good thing any man doeth, the same shall he receive of the Lord, whether [he be] bond or free.
9 Uye imi vatenzi, mubate varanda venyu nenzira imwe cheteyo. Musavatyisa, sezvo muchiziva kuti Tenzi wavo nowenyu ari kudenga, uye haana rusaruro maari.
And, ye masters, do the same things unto them, forbearing threatening: knowing that your Master also is in heaven; neither is there respect of persons with him.
10 Pakupedzisira, ivai nesimba muna She nomusimba rake guru.
Finally, my brethren, be strong in the Lord, and in the power of his might.
11 Shongai nhumbi dzose dzokurwa nadzo dzaMwari kuti mugogona kumira muchirwa namano adhiabhori.
Put on the whole armour of God, that ye may be able to stand against the wiles of the devil.
12 Nokuti hatirwi nenyama neropa, asi navabati, navanesimba, namasimba enyika ino yerima uye namasimba emweya yakaipa ari muchadenga. (aiōn g165)
For we wrestle not against flesh and blood, but against principalities, against powers, against the rulers of the darkness of this world, against spiritual wickedness in high [places]. (aiōn g165)
13 Naizvozvo shongai nhumbi dzose dzokurwa nadzo dzaMwari, kuti panosvika zuva rakaipa, mugokwanisa kumira, uye mushure mokunge maita zvinhu zvose, kuti mumire.
Wherefore take unto you the whole armour of God, that ye may be able to withstand in the evil day, and having done all, to stand.
14 Zvino mirai nesimba, makasunga bhanhire rechokwadi muchiuno chenyu, nechidzitiro chechipfuva chokururama,
Stand therefore, having your loins girt about with truth, and having on the breastplate of righteousness;
15 uye tsoka dzenyu dzakashongedzwa negadziriro inobva pavhangeri rorugare.
And your feet shod with the preparation of the gospel of peace;
16 Pamusoro paizvozvi zvose, torai nhoo yokutenda, iyo yamunogona kudzima nayo miseve inopfuta yowakaipa.
Above all, taking the shield of faith, wherewith ye shall be able to quench all the fiery darts of the wicked.
17 Torai nguwani yoruponeso nomunondo womweya, iro shoko raMwari.
And take the helmet of salvation, and the sword of the Spirit, which is the word of God:
18 Uye munyengetere muMweya nguva dzose nemhando dzose dzeminyengetero nemikumbiro. Muine izvi mupfungwa dzenyu, murinde uye murambe muchinyengeterera vatsvene.
Praying always with all prayer and supplication in the Spirit, and watching thereunto with all perseverance and supplication for all saints;
19 Munyengeterere neniwo, kuti pose pandinoshama muromo wangu, ndipiwe mashoko kuitira kuti ndigozivisa chakavanzika chevhangeri ndisingatyi,
And for me, that utterance may be given unto me, that I may open my mouth boldly, to make known the mystery of the gospel,
20 iro randiri nhume yakasungwa nengetani. Nyengeterai kuti ndiritaure ndisingatyi, sezvandinofanira.
For which I am an ambassador in bonds: that therein I may speak boldly, as I ought to speak.
21 Tikikasi, hama inodikanwa nomuranda akatendeka muna She, achakuudzai zvinhu zvose, kuitira kuti nemiwo muzive zvandiri nezvandinoita.
But that ye also may know my affairs, [and] how I do, Tychicus, a beloved brother and faithful minister in the Lord, shall make known to you all things:
22 Ndiri kumutuma kwamuri nokuda kwechinangwa ichi, kuti muzive zvatiri, uye kuti akukurudzirei.
Whom I have sent unto you for the same purpose, that ye might know our affairs, and [that] he might comfort your hearts.
23 Rugare kuhama, norudo nokutenda zvinobva kuna Mwari Baba naIshe Jesu Kristu.
Peace [be] to the brethren, and love with faith, from God the Father and the Lord Jesus Christ.
24 Nyasha kuna vose vanoda Ishe wedu Jesu Kristu norudo rusingaperi.
Grace [be] with all them that love our Lord Jesus Christ in sincerity. Amen.

< VaEfeso 6 >