< VaEfeso 5 >
1 Naizvozvo, ivai vateveri vaMwari, savana vanodikanwa
Therefore be imitators of God, as dearly loved children.
2 uye murarame upenyu hworudo, sezvatakadikanwa naKristu akazvipa nokuda kwedu sechipiriso chinonhuhwira uye sechibayiro kuna Mwari.
And walk in love, as also Christ loved us and gave himself up for us, a fragrant offering and sacrifice to God.
3 Asi pakati penyu hapafaniri kutaurwa kunyange zvoupombwe, kana tsvina yemhando ipi zvayo, kana kukara, nokuti izvi hazvina kunaka kuvanhu vatsvene vaMwari.
But there must not be even a suggestion among you of sexual immorality or any kind of impurity or of greed, for these are improper for God's holy people.
4 Uye hapafaniri kuva nokufunga kusina maturo, kutaura kwoupenzi kana kunemera, izvo zvisina kufanira, asi zviri nani kuvonga.
Let there be no filthiness, no foolish talk, and no crude jokes—all of which are improper. Instead there should be thanksgiving.
5 Nokuti naizvozvi munogona kuva nechokwadi kuti: Hakuna mhombwe, kana munhu ane tsvina kana ane nhafu, munhu akadaro ndiye anonamata zvifananidzo, anowana nhaka muumambo hwaKristu nohwaMwari.
For you can be sure of this, that no sexually immoral, impure, or greedy person—that is, an idolater—has any inheritance in the kingdom of Christ and God.
6 Ngakurege kuva nomunhu anokunyengerai namashoko asina maturo, nokuti nokuda kwezvinhu zvakadaro, kutsamwa kwaMwari kunouya pamusoro peavo vasingateereri.
Let no one deceive you with empty words, for because of these things the anger of God is coming upon the sons of disobedience.
7 Naizvozvo musashamwaridzana navo.
Therefore, do not join in with them.
8 Nokuti kare maiva rima, asi zvino mava chiedza muna She. Garai savana vechiedza
For you were once darkness, but now you are light in the Lord. Walk as children of light
9 (nokuti chibereko chechiedza chino kunaka kwose, kururama nechokwadi)
(for the fruit of the light consists in all goodness, righteousness, and truth),
10 uye muzive zvinofadza Ishe.
and find out what is pleasing to the Lord.
11 Musayanana namabasa erima, asi zviri nani kuafumura.
Do not associate with the unfruitful works of darkness, but rather expose them.
12 Nokuti zvinonyadza kureva zvinoitwa muchivande navana vasingateereri.
For it is shameful even to mention the things they do in secret.
13 Asi zvinhu zvose zvinoratidzwa pachena nechiedza zvinobva zvaonekwa,
But when anything is illuminated by the light, it becomes visible.
14 nokuti chiedza ndicho chinoratidza zvinhu zvose. Ndokusaka zvichinzi: “Muka, iwe muvati, muka kubva kuvakafa, Kristu achavhenekera pauri.”
For anything that becomes visible is light. Therefore it says, “Awake, you sleeper, and arise from the dead, and Christ will shine on you.”
15 Zvino, muchenjere kuti munorarama sei, kwete savasina kuchenjera asi savakachenjera,
Look carefully how you live—not as unwise but as wise.
16 muchishandisa mikana yose, nokuti mazuva akaipa.
Redeem the time because the days are evil.
17 Naizvozvo musava mapenzi, asi munzwisise kuti kuda kwaShe ndokupi.
Therefore, do not be foolish, but understand what the will of the Lord is.
18 Musadhakwa newaini, nokuti ndipo pano kusazvidzora. Asi, muzadzwe noMweya.
And do not get drunk with wine, for that leads to reckless behavior. Instead, be filled with the Holy Spirit,
19 Mutaure kuno mumwe nomumwe wenyu namapisarema, nedzimbo uye nenziyo dzomweya. Muimbe uye muridzire Ishe mimhanzi mumwoyo yenyu,
speaking to each other in psalms and hymns and spiritual songs, singing and making melody to the Lord with all your heart,
20 muchivonga Mwari Baba pazvinhu zvose, muzita raIshe wedu Jesu Kristu.
always giving thanks for everything, in the name of our Lord Jesus Christ to God the Father,
21 Muzviise pasi pomumwe nomumwe wenyu muchitya Kristu.
submitting yourselves to one another in reverence for Christ.
22 Vakadzi, muzviise pasi pavarume venyu sezvamunoita kuna She.
Wives, submit to your husbands, as to the Lord.
23 Nokuti murume musoro womukadzi saKristu ari musoro wekereke, iwo muviri wake, iyo yaari muponesi wayo.
For the husband is the head of the wife as Christ also is the head of the church, and Christ himself is its savior.
24 Zvino sezvo kereke ichizviisa pasi paKristu, saizvozvowo vakadzi vanofanira kuzviisa pasi pavarume vavo pazvinhu zvose.
But as the church submits to Christ, so also wives must submit to their husbands in everything.
25 Varume, idai vakadzi venyu, saKristu akada kereke uye akazvipa nokuda kwayo
Husbands, love your wives, as Christ loved the church and gave himself up for her.
26 kuti aiite tsvene, akaishambidza nokushambidza kwemvura neshoko,
Christ gave himself for the church so that he might make her holy, having cleansed her by the washing of water with the word,
27 uye kuti ayiuyise kwaari sekereke inobwinya, isina gwapa kana kuunyana kana chipi zvacho chainopomerwa.
so that he might present her to himself as glorious, without stain or wrinkle or any such thing, but holy and without fault.
28 Nenzira imwe cheteyo, varume vanofanira kuda vakadzi vavo semiviri yavo chaiyo. Uyo anoda mukadzi wake anozvida iye pachake.
In the same way husbands ought to love their own wives as their own bodies. He who loves his own wife loves himself.
29 Pana izvozvo zvose, hakuna munhu angavenga muviri wake, asi anoupa zvokudya uye anouchengeta, sezvinoita Kristu kukereke,
For no one ever hated his own body, but nourishes and treats it with care, just as Christ nourishes and treats the church with care,
30 nokuti tiri nhengo dzomuviri wake.
because we are members of his body.
31 “Nokuda kwaizvozvi, murume achasiya baba namai vake uye asanganiswe nomukadzi, uye vaviri vachava nyama imwe chete.”
“For this reason a man will leave his father and mother and will be joined to his wife, and the two will become one flesh.”
32 Ichi ndicho chakavanzika chakadzika, asi ndiri kutaura pamusoro paKristu nekereke.
This hidden truth is great—but I am speaking about Christ and the church.
33 Kunyange zvakadaro, mumwe nomumwe wenyuwo anofanira kuda mukadzi wake sezvaanozvida iye, uye mukadzi anofanira kuremekedza murume wake.
Nevertheless, each of you also must love his own wife as himself, and the wife must respect her husband.