< VaEfeso 4 >
1 Sezvo ndiri musungwa waShe, zvino ndinokukurudzirai kuti murarame upenyu hwakafanira kudanwa kwamakagamuchira.
I therefore, a prisoner in the Lord, urge you to lead a life worthy of the calling to which you have been called,
2 Muzvininipise zvachose uye mupfave; muite mwoyo murefu, muchiitirana mwoyo murefu murudo.
with all humility and gentleness, with patience, bearing with one another in love;
3 Mushingaire kuchengeta humwe hwoMweya kubudikidza nechisungo chorugare.
being eager to keep the unity of the Rukha in the bond of peace.
4 Pano muviri mumwe chete noMweya mumwe chete, sezvo makadanirwa kutariro imwe chete pamakadanwa,
There is one body, and one Rukha, even as you also were called in one hope of your calling;
5 Ishe mumwe, kutenda kumwe, rubhabhatidzo rumwe;
one Lord, one faith, one baptism,
6 Mwari mumwe naBaba vavose, ari pamusoro pavose, uye kubudikidza navose, uye muna vose.
one God and Father of all, who is over all, and through all, and in all.
7 Asi kuno mumwe nomumwe wedu kwakapiwa nyasha sokugoverwa kwadzakaitwa naKristu.
But to each one of us was the grace given according to the measure of the gift of Meshikha.
8 Ndokusaka zvichinzi: “Paakakwira kudenga, akatungamirira dungwe renhapwa uye akapa zvipo kuvanhu vake.”
Therefore he says, "When he ascended on high, he led captivity captive, and gave gifts to people."
9 (Zvinorevei kuti “akakwira” asi kuti akaburukawo kumativi ari pasi penyika?
Now this, "He ascended," what is it but that he also descended into the lower parts of the earth?
10 Iye akaburuka ndiye chaiye akakwira kumusoro-soro kupfuura kudenga denga, kuitira kuti azadze pasi pose.)
He who descended is the one who also ascended far above all the heavens, that he might fill all things.
11 Ndiye akapa vamwe kuti vave vapostori, vamwe kuti vave vaprofita, vamwe kuti vave vavhangeri, uye vamwe kuti vave vafudzi navadzidzisi,
He gave some to be apostles; and some, prophets; and some, evangelists; and some, pastors and teachers;
12 kuti vagadzirire vanhu vaMwari pabasa rokushumira, kuitira kuti muviri waKristu uvakwe
for the perfecting of the saints, to the work of serving, to the building up of the body of Meshikha;
13 kudzamara isu tose tasvika pahumwe mukutenda uye nomukuziva Mwanakomana waMwari napamunhu akura, asvika pachiyero chose chokuzara kwaKristu.
until we all attain to the unity of the faith, and of the knowledge of the Son of God, to a mature person, to the measure of the stature of the fullness of Meshikha;
14 Ipapo hatingazorambi tiri vacheche, vanosundirwa shure nemberi vachipeperetswa kuno nouko nemhepo ipi zvayo yedzidziso, uye nokunyengera nousvinu hwavanhu mukutsausa kwokunyengera kwavo.
that we may no longer be children, tossed back and forth and carried about with every wind of doctrine, by the trickery of people, by cleverness in deceitful schemes;
15 Asi, tichitaura chokwadi murudo, tichakura pazvinhu zvose maari iye musoro, iye Kristu.
but speaking truth in love, we may grow up in all things into him, who is the head, Meshikha;
16 Kubva maari muviri wose, wakasanganiswa uye wakabatanidzwa pamwe chete nenhengo dzose dzichiusimbisa, unokura uye unozvivaka murudo, sezvo mutezo mumwe nomumwe uchiita basa rawo.
from whom all the body, being fitted and knit together through that which every joint supplies, according to the proper working of each individual part, makes the body increase to the building up of itself in love.
17 Saka ndinokuudzai izvi, uye murambire pazviri muna She, kuti hamufaniri kuramba muchirarama savaHedheni, muupenzi hwendangariro dzavo.
This I say therefore, and testify in the Lord, that you no longer walk as the nations also walk, in the futility of their mind,
18 Vakasvibiswa mukunzwisisa kwavo uye vakaparadzaniswa noupenyu hwaMwari nokuda kwokusaziva kuri mavari nokuda kwoukukutu hwemwoyo yavo.
being darkened in their understanding, alienated from the life of God, because of the ignorance that is in them, because of the hardening of their hearts;
19 Vasisina hanya, vakasvika kuutera kuitira kuti vagoita mabasa ose etsvina, nokuchiva zvakawanda.
who having become callous gave themselves up to lust, to work all uncleanness with greediness.
20 Kunyange zvakadaro, imi hamuna kuziva Kristu saizvozvo.
But you did not learn Meshikha that way;
21 Zvirokwazvo makanzwa nezvake uye makadzidziswa maari maererano nechokwadi chiri muna Jesu.
if indeed you heard him, and were taught in him, even as truth is in Yeshua:
22 Makadzidziswa, maererano namafambiro enyu ekare, kuti mubvise munhu wenyu wekare, anoodzwa nokuchiva kwokunyengera;
that you put away, as concerning your former way of life, the old self, that grows corrupt after the lusts of deceit;
23 kuti muitwe vatsva mukufunga kwendangariro dzenyu;
and that you be renewed in the spirit of your mind,
24 uye mufuke munhu mutsva, akasikwa kuti afanane naMwari mukururama kwechokwadi noutsvene.
and put on the new self, who in the likeness of God has been created in righteousness and holiness of truth.
25 Naizvozvo mumwe nomumwe wenyu anofanira kubvisa nhema uye ataure chokwadi kuno muvakidzani wake, nokuti isu tose tiri nhengo dzomuviri mumwe.
Therefore, putting away falsehood, speak truth each one with his neighbor. For we are members of one another.
26 “Mukutsamwa kwenyu, musatadza.” Musarega zuva richivira muchakangotsamwa,
"Be angry, but do not sin." Do not let the sun go down on your anger,
27 uye musapa dhiabhori mukana.
neither give place to the devil.
28 Uyo akanga achimboba ngaarege kuzobazve, asi anofanira kushanda, achiita zvinhu zvinobatsira namaoko ake, kuti ave nechaangagovera avo vanoshayiwa.
Let him who stole steal no more; but rather let him labor, working with his hands the thing that is good, that he may have something to give to him who has need.
29 Musarega kutaura kwakaora kuchibuda mumiromo yenyu, asi chete zvinobatsira pakuvaka vamwe maererano nezvavanoshayiwa, kuti zvigobatsira avo vanonzwa.
Let no corrupt speech proceed out of your mouth, but such as is good for building up as the need may be, that it may give grace to those who hear.
30 Uye musachemedza Mweya Mutsvene waMwari, uyo wakaitwa chisimbiso chenyu pazuva rokudzikinurwa.
Do not grieve the Rukha d'Qudsha of God, in whom you were sealed for the day of redemption.
31 Bvisai shungu dzose, hasha nokutsamwa, kupopota namakuhwa pamwe chete nokuvenga kwose.
Let all bitterness, wrath, anger, outcry, and slander, be put away from you, with all malice.
32 Muitirane mwoyo munyoro uye munzwirane tsitsi, muchikanganwira mumwe nomumwe wenyu, sezvamakakanganwirwa naMwari muna Kristu.
And be kind to one another, tenderhearted, forgiving each other, just as God also in Meshikha forgave you.