< VaEfeso 3 >

1 Nokuda kwaizvozvi, ini Pauro, musungwa waKristu Jesu nokuda kwenyu imi veDzimwe Ndudzi:
この故に汝ら異邦人のためにキリスト・イエスの囚人となれる我パウロ――
2 Zvirokwazvo makanzwa zvokugoverwa kwenyasha dzaMwari dzakapiwa kwandiri nokuda kwenyu,
汝 等のために我に賜ひたる神の恩惠の經綸は汝ら聞きしならん、
3 kuti chakavanzika chakaziviswa kwandiri nokuzarurirwa, sezvandakatonyora muchidimbu.
即ち我まへに簡單に書きおくりし如く、この奧義は默示にて我に示されたり。
4 Mukuverenga izvi, ipapo muchagona kunzwisisa maonero andinoita chakavanzika chaKristu,
汝 等これを讀みてキリストの奧義にかかはる我が悟を知ることを得べし。
5 chisina kuziviswa kuvanhu kana mamwe marudzi sezvachakaratidzwa zvino noMweya kuvapostori navaprofita vatsvene vaMwari.
この奧義は、いま御靈によりて聖 使徒と聖 預言者とに顯されし如くに、前代には人の子らに示されざりき。
6 Chakavanzika ichi ndechokuti, kubudikidza nevhangeri, veDzimwe Ndudzi vava vadyi venhaka pamwe chete navaIsraeri uye vava nhengo pamwe chete dzomuviri mumwe chete, vagovani pamwe chete muchivimbiso chiri muna Kristu Jesu.
即ち異邦人が福音によりキリスト・イエスに在りて共に世嗣となり、共に一體となり、共に約束に與る者となる事なり。
7 Ndakava muranda wevhangeri iri nechipo chenyasha dzaMwari dzakapiwa kwandiri kubudikidza nokushanda kwesimba rake.
我はその福音の役者とせらる。これ神の能力の活動に隨ひて我に賜ふ惠の賜物によるなり。
8 Kunyange ndiri muduku pavanhu vose vaMwari, idzi nyasha dzakapiwa kwandiri: kuti ndiparidze vhangeri kune veDzimwe Ndudzi pfuma yaKristu isinganzwisisiki;
我は凡ての聖徒のうちの最 小き者よりも小き者なるに、キリストの測るべからざる富を異邦人に傳へ、
9 uye kuti ndiratidze pachena kuvanhu vose kugoverwa kwechakavanzika ichi, icho panguva yakare chakanga chakavigwa muna Mwari, iye akasika zvinhu zvose. (aiōn g165)
また萬物を造り給ひし神のうちに、世々 隱れたる奧義の經綸の如何なるもの乎をあらはす恩惠を賜はりたり。 (aiōn g165)
10 Zvaaida zvino ndezvokuti, kubudikidza nekereke, uchenjeri hwaMwari hukuru huziviswe kuvatongi navane simba vari muchadenga,
いま教會によりて神の豐なる知慧を、天の處にある政治と權威とに知らしめん爲なり。
11 maererano nevavariro yake isingaperi yaakakwanisa muna Kristu Jesu Ishe wedu. (aiōn g165)
これは永遠より我らの主キリスト・イエスの中に、神の定め給ひし御旨によるなり。 (aiōn g165)
12 Maari, uye kubudikidza nokutenda kwaari tinogona kusvika kuna Mwari takasununguka uye tisingatyi.
我らは彼に在りて彼を信ずる信仰により、臆せず疑はずして神に近づくことを得るなり。
13 Naizvozvo, ndinokukumbirai, kuti murege kuora mwoyo nokuda kwamatambudziko angu nokuda kwenyu, anova kukudzwa kwenyu.
されば汝らに請ふ、わが汝 等のために受くる患難に就きて落膽すな、是なんぢらの譽なり。
14 Nokuda kwaizvozvi, ndinopfugama pamberi paBaba,
この故に我は天と地とに在る諸族の名の起るところの父に跪づきて願ふ。
15 nokuti mhuri yavo yose iri kudenga napanyika inowana zita rayo kubva kwavari.
この故に我は天と地とに在る諸族の名の起るところの父に跪づきて願ふ。
16 Ndinonyengetera kuti kubva papfuma yokubwinya kwavo vakusimbisei nesimba noMweya wavo mumunhu womukati,
父その榮光の富にしたがひて、御靈により力をもて汝らの内なる人を強くし、
17 kuti Kristu agare mumwoyo yenyu nokutenda. Uye ndinonyengetera kuti imi, muve nemidzi uye musimbiswe murudo,
信仰によりてキリストを汝らの心に住はせ、汝らをして愛に根ざし、愛を基とし、
18 muve nesimba, pamwe chete navatsvene vose, kuti mubate kuti kupamhamha, nokureba uye kukwirira, nokudzika kworudo rwaKristu kwakadii,
凡ての聖徒とともにキリストの愛の廣さ・長さ・高さ・深さの如何ばかりなるかを悟り、
19 uye muzive rudo urwu runopfuura ruzivo, kuti muzadzwe kusvikira pachiyero chokuzara kwose kwaMwari.
その測り知るべからざる愛を知ることを得しめ、凡て神に滿てる者を汝らに滿しめ給はん事を。
20 Zvino iye anogona kuita zvikuru zvisingagoni kuyerwa kupfuura zvose zvatingakumbira kana kufunga, maererano nesimba rake riri kushanda mukati medu,
願はくは我らの中にはたらく能力に隨ひて、我らの凡て求むる所、すべて思ふ所よりも甚く勝る事をなし得る者に、
21 ngaave nokubwinya mukereke uye nomuna Kristu Jesu kumarudzi namarudzi, nokusingaperi-peri! Ameni. (aiōn g165)
榮光 世々 限りなく教會によりて、又キリスト・イエスによりて在らんことを、アァメン。 (aiōn g165)

< VaEfeso 3 >