< VaEfeso 3 >
1 Nokuda kwaizvozvi, ini Pauro, musungwa waKristu Jesu nokuda kwenyu imi veDzimwe Ndudzi:
因此,我保祿為你們外邦人的緣故,作基督耶穌囚犯的,為你們祈禱──
2 Zvirokwazvo makanzwa zvokugoverwa kwenyasha dzaMwari dzakapiwa kwandiri nokuda kwenyu,
想你們必聽說過天主的恩寵,為了你們賜與我的職分:
3 kuti chakavanzika chakaziviswa kwandiri nokuzarurirwa, sezvandakatonyora muchidimbu.
就是藉著啟示,使我得知我在上邊已大略寫過的奧祕;
4 Mukuverenga izvi, ipapo muchagona kunzwisisa maonero andinoita chakavanzika chaKristu,
你們照著讀了,便能明白我對基督的奧祕所有的了解,
5 chisina kuziviswa kuvanhu kana mamwe marudzi sezvachakaratidzwa zvino noMweya kuvapostori navaprofita vatsvene vaMwari.
這奧祕在以前的世代中,沒有告訴過任何人,有如現在一樣,藉聖神已啟示給祂的聖宗徒和先知;
6 Chakavanzika ichi ndechokuti, kubudikidza nevhangeri, veDzimwe Ndudzi vava vadyi venhaka pamwe chete navaIsraeri uye vava nhengo pamwe chete dzomuviri mumwe chete, vagovani pamwe chete muchivimbiso chiri muna Kristu Jesu.
這奧祕就是:外邦人藉著福音在基督耶穌內與猶太人同為承繼人,同為一身,同恩許的分享人。
7 Ndakava muranda wevhangeri iri nechipo chenyasha dzaMwari dzakapiwa kwandiri kubudikidza nokushanda kwesimba rake.
至於我,我依照天主大能的功效所賜與我的恩寵,作了這福音的僕役;
8 Kunyange ndiri muduku pavanhu vose vaMwari, idzi nyasha dzakapiwa kwandiri: kuti ndiparidze vhangeri kune veDzimwe Ndudzi pfuma yaKristu isinganzwisisiki;
我原是一切聖徒中最小的,竟蒙受了這恩寵,得向外邦宣布基督那不可測量的豐富福音,
9 uye kuti ndiratidze pachena kuvanhu vose kugoverwa kwechakavanzika ichi, icho panguva yakare chakanga chakavigwa muna Mwari, iye akasika zvinhu zvose. (aiōn )
並光照一切人,使他們明白,從創世以來,即隱藏在創造萬有的天主內的奧祕, (aiōn )
10 Zvaaida zvino ndezvokuti, kubudikidza nekereke, uchenjeri hwaMwari hukuru huziviswe kuvatongi navane simba vari muchadenga,
為使天上的率領者和掌權者,現在藉著教,得知天主的各樣智慧,
11 maererano nevavariro yake isingaperi yaakakwanisa muna Kristu Jesu Ishe wedu. (aiōn )
全是按照祂在我們的主基督耶穌內所實現的永遠計畫; (aiōn )
12 Maari, uye kubudikidza nokutenda kwaari tinogona kusvika kuna Mwari takasununguka uye tisingatyi.
所以只有在基督內,我們才可藉著對祂所懷的信德,放心大膽地懷著依恃之心,進到天主面前。
13 Naizvozvo, ndinokukumbirai, kuti murege kuora mwoyo nokuda kwamatambudziko angu nokuda kwenyu, anova kukudzwa kwenyu.
為此,我請求你們,不要因我為你們所受的苦難而沮喪,我的苦難原是你們的光榮。
14 Nokuda kwaizvozvi, ndinopfugama pamberi paBaba,
因此,我在天父面前屈膝──
15 nokuti mhuri yavo yose iri kudenga napanyika inowana zita rayo kubva kwavari.
上天下地的一切家族都是由祂而得名──
16 Ndinonyengetera kuti kubva papfuma yokubwinya kwavo vakusimbisei nesimba noMweya wavo mumunhu womukati,
求祂依照祂豐富的光榮,藉著祂的聖神,以大能堅固你們內在的人,
17 kuti Kristu agare mumwoyo yenyu nokutenda. Uye ndinonyengetera kuti imi, muve nemidzi uye musimbiswe murudo,
並使基督因著你們的信德,住在你們心中,叫你們在愛德上根深蒂固,奠定基礎,
18 muve nesimba, pamwe chete navatsvene vose, kuti mubate kuti kupamhamha, nokureba uye kukwirira, nokudzika kworudo rwaKristu kwakadii,
為使你們能夠同眾聖徒領悟基督的愛是怎樣的廣、寬、高、深,
19 uye muzive rudo urwu runopfuura ruzivo, kuti muzadzwe kusvikira pachiyero chokuzara kwose kwaMwari.
並知道基督的愛是遠超人所能知的,為叫你們充滿天主的一切富裕。
20 Zvino iye anogona kuita zvikuru zvisingagoni kuyerwa kupfuura zvose zvatingakumbira kana kufunga, maererano nesimba rake riri kushanda mukati medu,
願光榮歸於天主,祂能照祂在我們身上所發揮的德能,成就一切,遠超我們所求所想的。
21 ngaave nokubwinya mukereke uye nomuna Kristu Jesu kumarudzi namarudzi, nokusingaperi-peri! Ameni. (aiōn )
願祂在教會內,並在基督耶穌內,獲享光榮,至於萬世萬代! 阿們。 (aiōn )