< VaEfeso 2 >

1 Kana muri imi, makanga makafa mukudarika kwenyu nomuzvivi,
你們從前因著你們的過犯和罪惡是死的;
2 izvo zvamaigara mazviri pamaitevera nzira dzenyika ino uye nedzomutongi woushe hwomuchadenga, iwo mweya unoshanda zvino muna avo vasingateereri. (aiōn g165)
那時你們生活在過犯罪惡中,跟隨這世界的風氣,順從空中權能的首領,即現今在悖逆之子身上發生作用的惡神。 (aiōn g165)
3 Isu tose taigara pakati pavo pane imwe nguva, tichikudza kuchiva kwenyama yedu yezvivi uye tichitevera zvido zvedu nezvataifunga. Sezvakangoita vamwe vose, pakuzvarwa kwedu takanga tiri vana vokutsamwirwa.
就連我們從前也都在這樣環境中生活過,放縱肉身的私慾,照肉身和心意所喜好的行事,且生來就是易怒之子,和別人一樣。
4 Asi nokuda kworudo rwake rukuru kwatiri, Mwari, iye akapfuma pangoni,
然而富於慈悲的天主,因著祂愛我們的大愛,
5 akatiita vapenyu muna Kristu kunyange zvedu takanga takafa mukudarika kwedu, makaponeswa nenyasha.
竟在我們因過犯死了的時候,使我們同基督一起生活──可見你們得救,是由於恩寵──
6 Uye Mwari akatimutsa pamwe chete naKristu akatigarisa kudenga muna Kristu Jesu,
且使我們同祂一起復活,在基督耶穌內使我們同祂一起坐在天上,
7 kuitira kuti munguva dzinouya aratidze pfuma yake huru yenyasha dzake, zvichiratidzwa muunyoro hwake kwatiri muna Kristu Jesu. (aiōn g165)
為將自己無限豐富的恩寵,即祂在基督耶穌內,對我們所懷有的慈惠,顯示給未來的世代。 (aiōn g165)
8 Nokuti makaponeswa nenyasha, kubudikidza nokutenda, uye izvi hazvibvi kwamuri, chipo chaMwari,
因為你們得救是由於恩寵,藉著信德,所以信德並不是出於你們自己,而是天主的恩惠;
9 kwete namabasa, kuti parege kuva nomunhu anozvikudza.
不是出於功行,免得有人自誇。
10 Nokuti tiri basa raMwari, rakasikwa muna Kristu Jesu kuti tiite mabasa akanaka, akagadzirwa naMwari kare kuti tiaite.
原來我們是祂的化工,是在基督耶穌內受造的,為行天主所預備的各種善工,叫我們在這些善工中度日。
11 Naizvozvo, rangarirai kuti kare imi veDzimwe Ndudzi pakuzvarwa uye muchinzi “vasina kudzingiswa” naavo vaizviti “vakadzingiswa” (uko kunoitwa pamuviri namaoko avanhu),
所以你們應該記得,你們從前生來本是外邦人,被那些受割損的人──割損本是人手在肉身上所行的──稱為未受割損的人;
12 rangarirai kuti panguva iyoyo makanga makaparadzaniswa naKristu, musingaverengwi muzvizvarwa zveIsraeri uye muri vatorwa musungano dzechipikirwa, musina tariro uye musina Mwari munyika.
記得你們那時沒有默西亞,與以色列社團隔絕,對恩許的盟約是局外人,在這世界上沒有希望,沒有天主。
13 Asi zvino muna Kristu Jesu, imi makanga muri kure kare, makaswededzwa pedyo kubudikidza neropa raKristu.
但是現今在基督耶穌內,你們從前遠離天主的人,藉著基督的血,成為親近的了。
14 Nokuti iye pachake ndiye rugare rwedu, akaita kuti vaviri vave chinhu chimwe uye akaparadza mukaha, irwo rusvingo rwokuvengana rwaivaparadzanisa,
因為基督是我們的和平,祂使雙方合而為一;祂以自己的肉身,拆毀了中間阻隔的牆壁,就是隻方的仇恨,
15 nokuparadza munyama yake murayiro, mitemo yacho pamwe chete uye nezvakatemwa. Vavariro yake yakanga iri yokusika maari munhu mumwe chete mutsva kubva pavaviri, naizvozvo aite rugare,
並廢除了由規條命令所組成的法律,為把雙方在自己身上造成一個新人,而成就和平。
16 uye mumuviri mumwe chete uyu ayananise vaviri ava kuna Mwari kubudikidza nomuchinjikwa, wakaparadza kuvengana kwavo.
祂以十字架誅滅了仇恨,也以十字架使雙方合成一體,與天主和好。
17 Akauya akaparidza rugare kwamuri imi makanga muri kure uye rugare kuna avo vakanga vari pedyo.
所以祂來,向你們遠離的人傳布了和平的福音,也向那親近的人傳布了和平,
18 Nokuti kubudikidza naye isu tose tinosvika kuna Baba noMweya mumwe chete.
因為藉著祂,我們雙方在一個聖神內,才得以進到父面前。
19 Saka, hamuchisiri vatorwa kana vaeni, asi vagari pamwe chete navanhu vaMwari uye mava veimba yaMwari,
所以你們已不再是外方人或旅客,而是聖徒的同胞,是天主的家人;
20 makavakwa panheyo dzavapostori navaprofita, naKristu Jesu pachake iye dombo rapakona.
已被建築在宗徒和先知的基礎上,而基督耶穌自己卻是這建築物的角石,
21 Maari imba yose yakabatanidzwa pamwe chete uye inokura kuti ive temberi tsvene muna She.
靠著祂,整個建築物結構緊湊,逐漸擴大,在主內成為一座聖殿;
22 Uye maari nemiwo makavakwa pamwe chete kuti muve ugaro hwaMwari muMweya.
並且靠著祂,你們也一同被建築,因著聖神,成為天主的住所。

< VaEfeso 2 >