< Muparidzi 9 >
1 Nokudaro ndakafunga pamusoro pezvose izvi uye ndikapedzisira nokuti vakarurama navakachenjera, nezvavanoita zviri mumaoko aMwari, asi hakuna munhu anoziva kuti rudo here kana ruvengo zvakamumirira.
我留心考察這一切,終於看出:義人、智者和他們的行為,都在天主手裏;是愛是恨,人不知道;二者都能來到他們身上。
2 Vose vane mugumo wakafanana, akarurama neakaipa, akanaka nomutadzi, akachena neakasviba, avo vanobayira zvibayiro neavo vasingabayiri. Sezvazvakaita nomunhu akanaka, ndizvozvowo nomutadzi; sezvazvakaita neavo vanoita mhiko, ndizvozvowo neavo vanotya kuita mhiko.
無論是義人,是惡人,是好人,是壞人,是潔淨的人,是不潔淨的人,是獻祭的人,是不獻祭的人,都有同樣的命運;好人與罪人一樣,妄發誓的與怕發誓的也一樣。
3 Ichi ndicho chinhu chakaipa pane zvose zvinoitika pasi pezuva: Vose vane mugumo mumwe chete. Pamusoro pezvo, mwoyo yavanhu izere nezvakaipa uye mumwoyo yavo mune upenzi panguva yokurarama kwavo, uye shure kwaizvozvo vanobatana navakafa.
太陽之下所發生的一切事中,最不幸的是眾人都有同樣的命運;更有甚者,世人的心都充滿邪惡,有生之日,心懷狂妄,以後與死者相聚。
4 Ani naani ari pakati pavapenyu ane tariro; kunyange imbwa mhenyu iri nani kupfuura shumba yakafa!
的確,誰尚與活人有聯繫,還懷有希望,因為一隻活狗勝過一隻死獅。
5 Nokuti vapenyu vanoziva kuti vachafa, asi vakafa havana chavanoziva; havachinazve mumwe mubayiro, uye nokurangarirwa kwavo kwakanganikwa.
活著的人至少自知必死,而死了的人卻一無所知;他們再得不到報酬,因為連他們的記念也被人遺忘了。
6 Rudo rwavo, ruvengo rwavo negodo zvakanguri zvapera kare; havachazovizve nechikamu, pane zvose zvinoitika pasi pezuva.
他們的愛好,他們的憎恨,他們的熱誠,皆已消失;在太陽下所發生的一切事,永遠再沒有他們的分。
7 Enda, undodya zvokudya zvako nomufaro, unwe waini nomwoyo wakafara, nokuti iye zvino Mwari ndipo paari kufadzwa namabasa ako.
你倒不如去快樂地吃你的飯,開懷暢飲你的酒,因為天主早已嘉納你所作的工作。
8 Nguva dzose upfeke nguo chena, uye ugare wakazodza musoro wako namafuta.
你的衣服常要潔白,你頭上不要缺少香液。
9 Fadzwa noupenyu hwako nomukadzi wako waunoda, mazuva ose oupenyu huno husina maturo Mwari hwaakakupa pasi pezuva, mazuva ose asina maturo. Nokuti uyu ndiwo mugove wako muupenyu uye mukushanda kwako nesimba pasi pezuva.
在天主賜你在太陽下的一生虛幻歲月中,同你的愛妻共享人生之樂:這原是你在太陽下,一生從勞苦中所應得的一分。
10 Zvose zvinowanikwa noruoko rwako kuti ruzviite, zviite nesimba rako rose, nokuti muguva, mauri kuenda, hamuna kushanda kana kuronga, kana ruzivo kana uchenjeri. (Sheol )
你手能做什麼,就努力去做,因為在你所要去的陰府內,沒有工作,沒有計劃,沒有學問,沒有智慧。 (Sheol )
11 Ndakaona chimwe chinhuzve pasi pezuva: Anomhanyisa haasi iye anokunda uye ane simba haasi iye anokunda pakurwa, uye akachenjera haasi iye ane zvokudya, uye vane njere havasi ivo vane pfuma, uye vakadzidza havasi ivo vanodiwa navanhu; asi vose vanowirwa nenguva nezvinoitika.
我又在太陽下看見:善跑的不得競賽,勇將不得參戰,智者得不到食物,明白人得不到財富,博學者得不到寵幸,因為他們都遭遇了不幸的時運。
12 Pamusoro pezvo hakuna munhu anoziva nguva yake painosvika: Sehove dzinobatwa murutava rwakaipa, kana shiri dzinobatwa murugombe, saizvozvowo vanhu vanobatwa nenguva dzakaipa dzinovawira vasingatarisire.
因為人不知道自己的時期,當凶險猝然而至的時候,人子為不幸的時運所獲,就像魚被網捕住,又像鳥被圈套套住。
13 Ndakaonazve pasi pezuva muenzaniso uyu wouchenjeri wakandifadza zvikuru:
在太陽下我又得了一個智慧的經驗,依我看來,大有意義:
14 Kwakanga kune guta duku, raiva navanhu vashoma mariri. Mumwe mambo ane simba akarimukira, akarikomba, akarivakira masvingo makuru okurirwisa.
有座小城,裏面居民不多;有位大王來攻打此城,把城圍住,周圍築了高壘。
15 Zvino muguta umu maigara mumwe murume akanga ari murombo asi akachenjera, uye akaponesa guta iri nouchenjeri hwake. Asi hakuna munhu akarangarira murombo uya.
那時,城中有個貧賤卻具有智慧的人,他用自己的智慧,救了本城:可是人們卻忘了這貧賤的人。
16 Saka ndakati, “Uchenjeri hunopfuura simba.” Asi uchenjeri hwomurombo hunoshorwa uye mashoko ake haangateererwi.
於是我說:智慧遠勝過武力;然而貧賤人的智慧卻被人輕忽,他的話卻沒有人聽。
17 Mashoko manyoro omuchenjeri anoteererwa kupfuura kudanidzira kwomunhu anobata ushe pakati pamapenzi.
智者溫和的言語,比王者在愚人中的吶喊,更受歡迎。
18 Uchenjeri hunopfuura zvombo zvehondo, asi mutadzi mumwe anoparadza zvakanaka zvizhinji.
智慧勝於武器;一個錯誤能破壞許多好事。