< Muparidzi 8 >

1 Ndiani akafanana nomunhu akachenjera? Ndiani anoziva tsananguro yezvinhu? Uchenjeri hunobwinyisa chiso chomunhu uye hunoshandura kuomarara kwechiso.
Who is as the wise? and who knoweth the explanation of things? A man's wisdom maketh his face to shine, and the boldness of his face is changed.
2 Ndinoti, teerera murayiro wamambo, nokuti wakaita mhiko pamberi paMwari.
I [say], Keep the king's commandment, and [that] on account of the oath of God.
3 Usakurumidza kubva pamberi pamambo. Usamiririra zvinhu zvakaipa, nokuti iye achaita chinhu chipi zvacho chinomufadza.
Be not hasty to go out of his sight; persist not in an evil thing: for he doeth whatever pleaseth him,
4 Sezvo shoko ramambo riri pamusoro pamashoko ose, ndiani angati kwaari, “Munoiteiko?”
because the word of a king is power; and who may say unto him, What doest thou?
5 Ani naani zvake achateerera murayiro wake haangawani chinomukuvadza, uye mwoyo wakachenjera uchaziva nguva yakafanira namaitiro akafanira.
Whoso keepeth the commandment shall know no evil thing; and a wise man's heart knoweth time and manner.
6 Nokuti kune nguva yakafanira namaitiro akafanira pazvinhu zvose, kunyange nhamo yomunhu ichimuremera zvikuru.
For to every purpose there is time and manner. For the misery of man is great upon him;
7 Sezvo pasina munhu anoziva ramangwana, ndiani angamuzivisa zvichauya?
for he knoweth not that which shall be; for who can tell him how it shall be?
8 Hakuna munhu ane simba pamusoro pemhepo kuti aitonge; saizvozvowo hakuna munhu ane simba pamusoro pezuva rokufa kwake. Sezvo kusinawo munhu anoregedzeswa kurwa panguva yehondo, saizvozvowo zvakaipa hazvingaregedzi uyo anozviita.
There is no man who hath control over the spirit to retain the spirit; and no one hath control over the day of death; and there is no discharge in that war, neither shall wickedness deliver those that are given to it.
9 Zvose izvi ndakazviona, pandakaisa pfungwa dzangu pane zvose zvinoitwa pasi pezuva. Pane nguva yokuti mumwe munhu anenge ane simba pamusoro pavamwe, asi achizvikuvadza pachake.
All this have I seen, and applied my heart unto every work that is done under the sun: there is a time when man ruleth man to his hurt.
10 Zvino ndakaonazve vakaipa vachivigwa mumakuva, vose vaisiuya nokuenda kubva kunzvimbo tsvene uye vachirumbidzwa muguta mavaiitira izvi. Naizvozviwo hazvina maturo.
And I have also seen the wicked buried and going away; and such as had acted rightly went from [the] holy place, and were forgotten in the city. This also is vanity.
11 Kana mhosva ikarega kukurumidza kutongwa, mwoyo yavanhu ichazara nezvirongwa zvokuita zvakaipa.
Because sentence against an evil work is not executed speedily, therefore the heart of the children of men is fully set in them to do evil.
12 Kunyange munhu akaipa akapara mhosva dzinosvika zana agorarama nguva refu, ndinoziva kuti zvichava nani kuna vanhu vanotya Mwari, avo vanokudza Mwari.
Though a sinner do evil a hundred times, and prolong his [days], yet I know that it shall be well with them that fear God, because they fear before him;
13 Asi nokuti vakaipa havatyi Mwari, hazvizovanakira, uye mazuva avo haangarebi somumvuri.
but it shall not be well with the wicked, neither shall he prolong [his] days as a shadow, because he feareth not before God.
14 Pane chimwezve chinhu chisina maturo chinoitika panyika: Vanhu vakarurama vanoitirwa zvakafanira kuitirwa vakaipa, uye vanhu vakaipa vanowana zvakafanira kuwanikwa navakarurama. Naizvozviwo ndinoti hazvina maturo.
There is a vanity which is done upon the earth; that there are righteous [men] unto whom it happeneth according to the work of the wicked; and there are wicked [men] to whom it happeneth according to the work of the righteous. I said that this also is vanity.
15 Saka ndinokurudzira vanhu kuti vafadzwe noupenyu, nokuti hapana chinhu chiri nani kumunhu pasi pezuva kupfuura kudya nokunwa nokufara. Ipapo mufaro uchamutevera mubasa rake mazuva ose oupenyu hwaakapiwa naMwari pasi pezuva.
And I commended mirth, because there is nothing better for man under the sun than to eat, and to drink, and to be merry; for that shall abide with him of his labour the days of his life, which God hath given him under the sun.
16 Pandakaisa pfungwa dzangu kuti ndizive uchenjeri nokuongorora mabasa omunhu panyika, maziso ake asingawani hope usiku namasikati,
When I applied my heart to know wisdom, and to see the business that is done upon the earth (for also there is that neither day nor night seeth sleep with his eyes),
17 ipapo ndakaona zvose zvakaitwa naMwari. Hapana munhu angazvinzwisisa zvinoitika pasi pezuva. Hazvinei kuti munhu anoedza sei kuzvitsvaka, munhu haangagoni kuziva zvazvinoreva. Kunyange munhu akachenjera akati anozviziva haangakwanisi kunyatsozvinzwisisa.
then I saw that all [is] the work of God, [and] that man cannot find out the work that is done under the sun: because however man may labour to seek [it] out, yet doth he not find [it]; and even, if a wise [man] think to know [it], he shall not be able to find [it] out.

< Muparidzi 8 >