< Muparidzi 3 >

1 Chinhu chimwe nechimwe chine nguva yacho, uye basa rimwe nerimwe rine nguva yaro pasi pedenga:
Chinhu chimwe nechimwe chine nguva yacho, uye basa rimwe nerimwe rine nguva yaro pasi pedenga:
2 nguva yokuberekwa nenguva yokufa, nguva yokusima nenguva yokudzura;
nguva yokuberekwa nenguva yokufa, nguva yokusima nenguva yokudzura;
3 nguva yokuuraya nenguva yokuporesa, nguva yokuputsa nenguva yokuvaka;
nguva yokuuraya nenguva yokuporesa, nguva yokuputsa nenguva yokuvaka;
4 nguva yokuchema nenguva yokuseka, nguva yokuungudza nenguva yokudzana;
nguva yokuchema nenguva yokuseka, nguva yokuungudza nenguva yokudzana;
5 nguva yokurasa mabwe nenguva yokuaunganidza pamwe chete, nguva yokumbundikira nenguva yokurega;
nguva yokurasa mabwe nenguva yokuaunganidza pamwe chete, nguva yokumbundikira nenguva yokurega;
6 nguva yokutsvaka nenguva yokurega zvirasike, nguva yokuchengeta nenguva yokurasa;
nguva yokutsvaka nenguva yokurega zvirasike, nguva yokuchengeta nenguva yokurasa;
7 nguva yokubvarura nenguva yokusona, nguva yokunyarara nenguva yokutaura;
nguva yokubvarura nenguva yokusona, nguva yokunyarara nenguva yokutaura;
8 nguva yokuda nenguva yokuvenga, nguva yehondo nenguva yorugare.
nguva yokuda nenguva yokuvenga, nguva yehondo nenguva yorugare.
9 Ko, mushandi anowanei kubva mukushanda kwake kwose?
Ko, mushandi anowanei kubva mukushanda kwake kwose?
10 Ndakaona mutoro wakapiwa vanhu naMwari.
Ndakaona mutoro wakapiwa vanhu naMwari.
11 Akaita chinhu chimwe nechimwe chakanaka nenguva yacho. Akaisawo zvisingaperi mumwoyo yavanhu; kunyange zvakadaro havangagoni kunzwisisa zvakaitwa naMwari kubva pakutanga kusvika pakupedzisira.
Akaita chinhu chimwe nechimwe chakanaka nenguva yacho. Akaisawo zvisingaperi mumwoyo yavanhu; kunyange zvakadaro havangagoni kunzwisisa zvakaitwa naMwari kubva pakutanga kusvika pakupedzisira.
12 Ndinoziva kuti hakuna chinhu chakanakira munhu kupfuura kuti afare uye kuti aite zvakanaka achiri mupenyu.
Ndinoziva kuti hakuna chinhu chakanakira munhu kupfuura kuti afare uye kuti aite zvakanaka achiri mupenyu.
13 Kuti munhu wose adye uye anwe uye azviwanire kugutsikana kubva pakushanda kwake kwose, ichi ndicho chipo chaMwari.
Kuti munhu wose adye uye anwe uye azviwanire kugutsikana kubva pakushanda kwake kwose, ichi ndicho chipo chaMwari.
14 Ndinoziva kuti zvose zvinoitwa naMwari zvichagara nokusingaperi; hapana chingawedzerwa pazviri uye hapana chingabviswa pazviri. Mwari anozviita kuti vanhu vamukudze.
Ndinoziva kuti zvose zvinoitwa naMwari zvichagara nokusingaperi; hapana chingawedzerwa pazviri uye hapana chingabviswa pazviri. Mwari anozviita kuti vanhu vamukudze.
15 Chipi nechipi chiripo zvino, chakagara chiripo kare, uye zvichazovapo zvakatovapo kare; uye Mwari anotsvakazve zvakapfuura.
Chipi nechipi chiripo zvino, chakagara chiripo kare, uye zvichazovapo zvakatovapo kare; uye Mwari anotsvakazve zvakapfuura.
16 Uyezve ndakaona chimwe chinhu pasi pezuva: Panzvimbo yokururamisira, zvakaipa zvakanga zviripo, panzvimbo yokururama, zvakaipa zvakanga zviripo.
Uyezve ndakaona chimwe chinhu pasi pezuva: Panzvimbo yokururamisira, zvakaipa zvakanga zviripo, panzvimbo yokururama, zvakaipa zvakanga zviripo.
17 Ndakafunga mumwoyo mangu ndikati, “Mwari achatonga vose vakarurama nevakaipa, nokuti pachava nenguva yebasa rimwe nerimwe.”
Ndakafunga mumwoyo mangu ndikati, “Mwari achatonga vose vakarurama nevakaipa, nokuti pachava nenguva yebasa rimwe nerimwe.”
18 Ndakatizve, “Kana vari vanhu, Mwari anovaedza kuti vaone kuti vakangofanana nemhuka.
Ndakatizve, “Kana vari vanhu, Mwari anovaedza kuti vaone kuti vakangofanana nemhuka.
19 Zvinoitika kumunhu zvakafanana nezvinoitika kumhuka; zvose zvinoitirwa zvimwe chetezvo: sokufa kunoita chimwe, chimwe chinofawo. Zvose zvinofema mweya mumwe; munhu hapana paanopfuura mhuka. Zvose hazvina maturo.
Zvinoitika kumunhu zvakafanana nezvinoitika kumhuka; zvose zvinoitirwa zvimwe chetezvo: sokufa kunoita chimwe, chimwe chinofawo. Zvose zvinofema mweya mumwe; munhu hapana paanopfuura mhuka. Zvose hazvina maturo.
20 Zvose zvinoenda kunzvimbo imwe chete; zvose zvinobva kuvhu, uye kuvhu zvose zvinodzokera.
Zvose zvinoenda kunzvimbo imwe chete; zvose zvinobva kuvhu, uye kuvhu zvose zvinodzokera.
21 Ndiani angaziva kana mweya womunhu uchikwira kuenda kumusoro uye kana mweya wemhuka uchidzika pasi?”
Ndiani angaziva kana mweya womunhu uchikwira kuenda kumusoro uye kana mweya wemhuka uchidzika pasi?”
22 Saka ndakaona kuti hapana chingapfuure ichi, kuti munhu afadzwe nebasa rake, nokuti uyu ndiwo mugove wake. Nokuti ndiani achazomudzosazve kuti aone zvichazoitika shure kwake?
Saka ndakaona kuti hapana chingapfuure ichi, kuti munhu afadzwe nebasa rake, nokuti uyu ndiwo mugove wake. Nokuti ndiani achazomudzosazve kuti aone zvichazoitika shure kwake?

< Muparidzi 3 >