< Muparidzi 12 >

1 Rangarira Musiki wako pamazuva ouduku hwako, mazuva okutambudzika asati auya, namakore asati aswedera pauchati, “Handioni zvinofadza maari,”
فَاذْكُرْ خَالِقَكَ فِي أَيَّامِ حَدَاثَتِكَ قَبْلَ أَنْ تُقْبِلَ عَلَيْكَ أَيَّامُ الشَّرِّ، أَوْ تَغْلِبَ عَلَيْكَ السِّنُونَ، حِينَ تَقُولُ: لَيْسَ لِي فِيهَا لَذَّةٌ.١
2 zuva nechiedza uye nomwedzi nenyeredzi zvisati zvadzima, uye makore asati adzoka mushure mokunaya kwemvura;
قَبْلَ أَنْ تُظْلِمَ فِي عَيْنَيْكَ الشَّمْسُ وَالنُّورُ وَالْقَمَرُ وَالْكَوَاكِبُ، وَتَرْجِعَ سُحُبُ الْحُزْنِ فِي أَعْقَابِ الْمَطَرِ٢
3 kana vatariri vemba vodedera, navarume vakasimba vokotama, kana vakuyi vorega nokuti vashoma, uye vaya vanotarira napamawindo voonera madzerere;
فِي يَوْمٍ تَرْتَعِدُ فِيهِ حَفَظَةُ الْبَيْتِ (الأَذْرُعُ)، وَيَنْحَنِي الرِّجَالُ الأَشِدَّاءُ (الأَرْجُلُ الْقَوِيَّةُ)، وَتَكُفُّ الطَّوَاحِينُ (الأَسْنَانُ) لِقِلَّتِهَا، وَتُظْلِمُ الْعُيُونُ الْمُطِلَّةُ مِنْ بَيْنِ الأَجْفَانِ.٣
4 kana mikova yokunzira ichinge yapfigwa uye maungira okukuya oderera; kana vanhu vomutswa nokuimba kweshiri asi nziyo dzavo dzose dzisisanzwiki zvakanaka;
وَتُوْصَدُ أَبْوَابُ الشِّفَاهِ عَلَى الشَّارِعِ (أَيِ الفَمِ) وَيَتَلاشَى صَوْتُ الأَسْنَانِ، وَيَسْتَيْقِظُ الرِّجَالُ عِنْدَ زَقْزَقَةِ الْعُصْفُورِ، وَلَكِنَّ تَغْرِيدَهَا يَكُونُ خَافِتاً فِي مَسَامِعِكَ.٤
5 kana vanhu votya nzvimbo dzakakwirira nenjodzi mumigwagwa; kana muamanda wotumbuka nemhashu yozvikwekweredza uye kuda kwose kwapera. Ipapo munhu anoenda kumusha wake usingaperi, uye vanochema vachafamba-famba munzira.
يَوْمَ يَفْزَعُ الرِّجَالُ مِنَ الْعُلُوِّ، وَيَتَخَوَّفُونَ مِنْ أَخْطَارِ الطَّرِيقِ، وَيُزْهِرُ الشَّيْبُ، وَيُصْبِحُ الْجَرَادُ ثَقِيلاً عَلَى كَتِفِ الْمَرْءِ، وَتَمُوتُ الرَّغْبَةُ. عِنْدَئِذٍ يَمْضِي الإِنْسَانُ إِلَى مَقَرِّهِ الأَبَدِيِّ، وَيَطُوفُ النَّادِبُونَ فِي الشَّوَارِعِ.٥
6 Murangarirei, rwodzi rwesirivha rusati rwadambuka; uye mbiya yegoridhe isati yaputswa; chirongo chisati chapwanyika pachitubu, uye vhiri risati raputswa patsime,
فَاذْكُرْ خَالِقَكَ قَبْلَ أَنْ يَنْفَصِمَ حَبْلُ الْفِضَّةِ (أَيِ الْحَيَاةِ) أَوْ يَنْكَسِرَ كُوزُ الذَّهَبِ، وَتَتَحَطَّمَ الْجَرَّةُ عِنْدَ الْعَيْنِ، أَوْ تَنْقَصِفَ البَكَرَةُ عِنْدَ الْبِئْرِ.٦
7 uye guruva risati radzokera kuvhu kwarakabva, nomweya usati wadzokera kuna Mwari akaupa.
فَيَعُودَ التُّرَابُ إِلَى الأَرْضِ كَمَا كَانَ، وَتَرْجِعَ الرُّوحُ إِلَى اللهِ وَاهِبِهَا.٧
8 Muparidzi anoti, “Hazvina maturo! Hazvina maturo! Zvose hazvina maturo!”
يَقُولُ الْجَامِعَةُ: بَاطِلُ الأَبَاطِيلِ وَكُلُّ شَيْءٍ بَاطِلٌ.٨
9 Muparidzi akanga asina kuchenjera chete asi akadzidzisawo zivo kuvanhu. Akarangarira akaongorora uye akaronga zvirevo zvizhinji.
وَفَضْلاً عَنْ كَوْنِ الْجَامِعَةِ حَكِيماً، فَإِنَّهُ عَلَّمَ النَّاسَ الْمَعْرِفَةَ أَيْضاً، وَقَوَّمَ وَبَحَثَ وَنَظَّمَ أَمْثَالاً كَثِيرَةً.٩
10 Muparidzi akatsvaka kuti awane mashoko akanaka chete, uye zvaakanyora zvakarurama uye ndezvechokwadi.
إِذْ سَعَى الْجَامِعَةُ لاِنْتِقَاءِ أَلْفَاظٍ مُبْهِجَةٍ، وَكَتَبَ بِاسْتِقَامَةٍ كَلِمَاتِ الْحَقِّ.١٠
11 Mashoko avachenjeri akafanana nezvibayiso, mashoko avo akaunganidzwa akasimbiswa sembambo dzakarovererwa kwazvo, akapiwa noMufudzi mumwe chete.
أَقْوَالُ الْحُكَمَاءِ كالْمَنَاخِسِ، وَكَلِمَاتُهُمُ الْمَجْمُوعَةُ الصَّادِرَةُ عَنْ رَاعٍ وَاحِدٍ (أَيِ الْمَلِكِ) رَاسِخَةٌ فِي الْعُقُولِ كَالْمَسَامِيرِ الْمُثَبَّتَةِ.١١
12 Yambirwa, mwanakomana wangu, kuti pasava nechinhu chipi zvacho chichawedzerwa pazviri. Zvokunyora mabhuku mazhinji hazvina magumo, uye kudzidza zvizhinji kunonetesa muviri.
وَمَا خَلا ذَلِكَ، فَاحْذَرْ مِنْهُ يَا بُنَيَّ، إِذْ لَا نِهَايَةَ لِتَأْلِيفِ كُتُبٍ عَدِيدَةٍ، وَالدِّرَاسَةُ الْكَثِيرَةُ تُجْهِدُ الْجَسَدَ.١٢
13 Zvino zvose zvanzwikwa; houno mugumo wenyaya yacho: Itya Mwari uchengete mirayiro yake, nokuti iri ndiro basa rose romunhu.
فَلْنَسْمَعْ خِتَامَ الْكَلامِ كُلِّهِ: اِتَّقِ اللهَ، وَاحْفَظْ وَصَايَاهُ، لأَنَّ هَذَا هُوَ كُلُّ وَاجِبِ الإِنْسَانِ،١٣
14 Nokuti Mwari achatonga basa rimwe nerimwe kusanganisira nezvakavanzika zvose, zvakanaka kana zvakaipa.
لأَنَّ اللهَ سَيَدِينُ كُلَّ عَمَلٍ مَهْمَا كَانَ خَفِيًّا، سَوَاءٌ كَانَ خَيْراً أَمْ شَرّاً.١٤

< Muparidzi 12 >