< Muparidzi 11 >
1 Kanda chingwa chako pamusoro pemvura zhinji, nokuti mushure mamazuva mazhinji uchachiwanazve.
當將你的糧食撒在水面, 因為日久必能得着。
2 Govera vanomwe, kunyange navaserewo; nokuti hauzivi kuti idambudziko rakadii richauya panyika.
你要分給七人,或分給八人, 因為你不知道將來有甚麼災禍臨到地上。
3 Kana makore azara nemvura anonayisa mvura panyika. Hazvinei kuti muti wawira zasi kana kumusoro, panzvimbo paunowira, ndipo paucharara.
雲若滿了雨,就必傾倒在地上。 樹若向南倒,或向北倒, 樹倒在何處,就存在何處。
4 Ani naani anotarira mhepo haangadyari; ani naani anotarira makore haangakohwi.
看風的,必不撒種; 望雲的,必不收割。
5 Sezvo usingazivi nzira yemhepo, kana magadzirirwo omuviri mudumbu ramai, saizvozvowo haunganzwisisi basa raMwari, Muiti wezvose.
風從何道來,骨頭在懷孕婦人的胎中如何長成,你尚且不得知道;這樣,行萬事之上帝的作為,你更不得知道。
6 Kusha mbeu dzako mangwanani, uye madekwana urege kugarira maoko ako, nokuti hauzivi kuti chichabudirira ndechipi, chingava ichi kana icho, kana kuti zvose zviri zviviri zvichafanana pakunaka.
早晨要撒你的種,晚上也不要歇你的手,因為你不知道哪一樣發旺;或是早撒的,或是晚撒的,或是兩樣都好。
7 Chiedza chakanaka, uye zvinofadza meso kuona zuva.
光本是佳美的,眼見日光也是可悅的。
8 Kunyange zvazvo munhu akararama makore mazhinji, ngaafadzwe nawo ose. Asi ngaarangarire mazuva erima, nokuti achava mazhinji. Zvose zvichazouya hazvina maturo.
人活多年,就當快樂多年;然而也當想到黑暗的日子。因為這日子必多,所要來的都是虛空。
9 Fara zvako jaya, pauduku hwako, uye mwoyo wako ngaukupe mufaro pamazuva ouduku hwako. Tevera nzira dzomwoyo wako, nezvose zvingaonekwe nameso ako, asi uzive kuti pazvinhu zvose izvi Mwari achakusvitsa pakutongwa.
少年人哪,你在幼年時當快樂。在幼年的日子,使你的心歡暢,行你心所願行的,看你眼所愛看的;卻要知道,為這一切的事,上帝必審問你。
10 Saka zvino dzinga zvinonetsa pamwoyo wako ugobvisa zvinotambudza pamuviri wako, nokuti uduku nesimba hazvina maturo.
所以,你當從心中除掉愁煩,從肉體克去邪惡;因為一生的開端和幼年之時,都是虛空的。