< Muparidzi 10 >

1 Nhunzi dzakafa dzinonhuwisa mafuta akanaka, saizvozvowo upenzi hushoma hunorema kukunda uchenjeri nokukudzwa.
死苍蝇使做香的膏油发出臭气; 这样,一点愚昧也能败坏智慧和尊荣。
2 Mwoyo womunhu akachenjera unosimbira kurudyi, asi mwoyo webenzi unosimbira kuruboshwe.
智慧人的心居右; 愚昧人的心居左。
3 Kunyange richifamba pamugwagwa, benzi rinoshayiwa njere uye rinoratidza vanhu vose upenzi hwaro.
并且愚昧人行路显出无知, 对众人说,他是愚昧人。
4 Kana kutsamwa kwomutongi kukakumukira, usabva panzvimbo yako; unyoro hunonyaradza mhosva huru.
掌权者的心若向你发怒, 不要离开你的本位, 因为柔和能免大过。
5 Kune chinhu chakaipa chandakaona pasi pezuva, kutadza kunobva kuvatongi:
我见日光之下有一件祸患, 似乎出于掌权的错误,
6 Mapenzi anoiswa munzvimbo zhinji dzapamusoro, ipapo vapfumi vachitora nzvimbo dzakaderera.
就是愚昧人立在高位; 富足人坐在低位。
7 Ndakaona varanda vakatasva mabhiza, ipapo machinda achifamba pasi netsoka savaranda.
我见过仆人骑马, 王子像仆人在地上步行。
8 Ani naani anochera gomba angangowira mariri; ani naani anopwanya naparusvingo angangorumwa nenyoka.
挖陷坑的,自己必掉在其中; 拆墙垣的,必为蛇所咬。
9 Ani naani anopwanya matombo angangokuvadzwa nawo; ani naani anotsemura matanda angangozviisa panjodzi nawo.
凿开石头的,必受损伤; 劈开木头的,必遭危险。
10 Kana demo rakagomara uye rikasarodzwa, panodiwa simba rakawanda, asi unyanzvi hunouyisa kubudirira.
铁器钝了,若不将刃磨快,就必多费气力; 但得智慧指教,便有益处。
11 Kana nyoka ikaruma mupingudzi asati aibata, mupingudzi haachabatsiri.
未行法术以先,蛇若咬人, 后行法术也是无益。
12 Mashoko anobva mumuromo momunhu akachenjera ane unyoro, asi benzi rinomedzwa nomuromo waro.
智慧人的口说出恩言; 愚昧人的嘴吞灭自己。
13 Kutanga kwamashoko ake upenzi; nokuguma kwokutaura kwake mupengo wakashata.
他口中的言语起头是愚昧; 他话的末尾是奸恶的狂妄。
14 Uye benzi rinowanza mashoko. Hapana munhu anoziva zvichauya, ndiani angamuudza zvichaitika shure kwake?
愚昧人多有言语, 人却不知将来有什么事; 他身后的事谁能告诉他呢?
15 Basa rebenzi rinomunetesa; haazivi nzira inoenda kuguta.
凡愚昧人,他的劳碌使自己困乏, 因为连进城的路,他也不知道。
16 Une nhamo iwe nyika ina mambo aiva muranda uye ina machinda anoita mabiko mangwanani.
邦国啊,你的王若是孩童, 你的群臣早晨宴乐, 你就有祸了!
17 Wakaropafadzwa iwe nyika ina mambo akaberekwa mukukudzwa uye ina machinda anodya panguva yakafanira, kuti vasimbiswe kwete kuti vadhakwe.
邦国啊,你的王若是贵胄之子, 你的群臣按时吃喝, 为要补力,不为酒醉, 你就有福了!
18 Kana munhu ari simbe, denga remba rinosakara; kana achigarira maoko, imba inobvinza.
因人懒惰,房顶塌下; 因人手懒,房屋滴漏。
19 Mabiko anoitirwa kuseka, uye waini inofadza upenyu, asi mari imhinduro kune zvose.
设摆筵席是为喜笑。 酒能使人快活; 钱能叫万事应心。
20 Usatuka mambo kunyange mupfungwa dzako, kana kutuka mupfumi paimba yako yokuvata, nokuti shiri yedenga ingangotakura mashoko ako, uye china mapapiro chingangozivisa zvawataura.
你不可咒诅君王, 也不可心怀此念; 在你卧房也不可咒诅富户。 因为空中的鸟必传扬这声音, 有翅膀的也必述说这事。

< Muparidzi 10 >