< Dhuteronomi 1 >

1 Aya ndiwo mashoko akataurwa naMozisi kuvaIsraeri vose murenje kumabvazuva kweJorodhani, mumupata weArabha wakatarisana neSufi, pakati peParani neToferi, Rabhani, Hazeroti neDhizahabhi.
These are the words that Moses spoke to all Israel beyond the Jordan in the wilderness, in the plain of the Jordan River valley over against Suph, between Paran, Tophel, Laban, Hazeroth, and Dizahab.
2 (Zvinotora mazuva gumi nerimwe kubva paHorebhi kuenda kuKadheshi Bharinea nenzira yokuGomo reSeiri.)
It is eleven days' journey from Horeb by the way of Mount Seir to Kadesh Barnea.
3 Mugore ramakumi mana, nezuva rokutanga romwedzi wegumi nomumwe, Mozisi akazivisa vaIsraeri zvose izvo Jehovha akamurayira pamusoro pavo.
It happened in the fortieth year, in the eleventh month, on the first day of the month, that Moses spoke to the people of Israel, telling them all that Yahweh commanded him concerning them.
4 Izvi zvakaitika mushure mokunge akunda Sihoni mambo wavaAmori, akanga achitonga paHeshibhoni, uye paEdhirei akanga akunda Ogi mambo weBhashani, akanga achitonga muAshitaroti.
This was after Yahweh had attacked Sihon the king of the Amorites, who lived in Heshbon, and Og the king of Bashan, who lived in Ashtaroth at Edrei.
5 Mozisi akatanga kududzira murayiro uyu, vari nechokumabvazuva kweJorodhani munzvimbo yeMoabhu, achiti:
Beyond the Jordan, in the land of Moab, Moses began to announce these instructions, saying,
6 Jehovha Mwari wedu akataura kwatiri paHorebhi akati, “Magara nguva yakakwana pagomo rino.
“Yahweh our God spoke to us at Horeb, saying, 'You have lived long enough in this hill country.
7 Putsai musasa mugoenda kunyika yezvikomo yavaAmori; muende kumarudzi ose akavakidzana muArabha, mumakomo, nemuzasi mezvikomo zvokumadokero, nomuNegevhi uye kumahombekombe egungwa, nokunyika yavaKenani uye nokuRebhanoni, kusvikira kurwizi rukuru, irwo Yufuratesi.
Turn and take your journey, and go to the hill country of the Amorites and to all the places near there in the plain of the Jordan River valley, in the hill country, in the lowland, in the Negev, and by the seashore—the land of the Canaanites, and in Lebanon as far as the great river, the Euphrates.
8 Tarirai, ndakupai nyika iyi. Endaimo mundotora nyika iyo Jehovha akapika kuti achaipa kumadzibaba enyu, kuna Abhurahama, naIsaka, naJakobho, uye nokuzvizvarwa zvavo zvaizovatevera.”
Look, I have set the land before you; go in and possess the land that Yahweh swore to your fathers—to Abraham, to Isaac, and to Jacob—to give to them and to their descendants after them.'
9 Panguva iyoyo ndakati kwamuri, “Mava mutoro unorema kwazvo kuti ndikutakurei ndiri ndoga.
I spoke to you at that time, saying, 'I am not able to carry you myself alone.
10 Jehovha Mwari wenyu akawedzera kuwanda kwenyu zvokuti nhasi mawanda senyeredzi dzokudenga.
Yahweh your God has multiplied you, and, look, you are today as the multitude of the stars of heaven.
11 Jehovha Mwari wamadzibaba enyu, ngaakuwedzerei rune chiuru uye ngaakuropafadzei sezvaakavimbisa!
May Yahweh, the God of your fathers, make you a thousand times as many as you are, and bless you, as he has promised you!
12 Asi ini ndingatakure seiko matambudziko enyu nemitoro yenyu uye nokupokana kwenyu ndiri ndoga?
But how can I myself alone carry your loads, your burdens, and your disputes?
13 Zvisarudzirei varume vakachenjera, vanonzwisisa uye vanokudzwa kubva kurudzi rumwe norumwe rwamarudzi enyu, ndingovagadza pamusoro penyu.”
Take wise men, understanding men, and men of good repute from each tribe, and I will make them heads over you.'
14 Makandipindura muchiti, “Izvo zvamataura kuti zviitwe zvakanaka.”
You answered me and said, 'The thing that you have spoken is good for us to do.'
15 Saka ndakatora varume vaitungamirira marudzi enyu, varume vakachenjera uye vaikudzwa, ndikavagadza kuti vave vakuru pamusoro penyu, vave vakuru vezviuru, navakuru vamazana, navakuru vamakumi mashanu, navakuru vevane gumi uye navatariri vamarudzi.
So I took the heads of your tribes, wise men, and men of good repute, and made them heads over you, captains of thousands, captains of hundreds, captains of fifties, captains of tens, and officers, tribe by tribe.
16 Zvino panguva iyoyo ndakarayira vatongi venyu, ndikati: Inzwai kupokana kuri pakati pehama dzenyu mugovatonga zvakanaka, ingava mhaka iri pakati pavaIsraeri voga kana pakati pomumwe wavo nomutorwa.
I commanded your judges at that time, saying, 'Hear the disputes between your brothers, and judge righteously between a man and his brother, and the foreigner who is with him.
17 Musaita rusarura pakutonga; inzwai vose muduku kana mukuru zvakaenzanirana. Musatya munhu upi zvake, nokuti kutonga ndokwaMwari. Uyisai kwandiri mhaka yakanyanya kukuomerai, ndigoinzwa.
You will not show partiality to anyone in a dispute; you will hear the small and the great alike. You will not be afraid of the face of man, for the judgment is God's. The dispute that is too hard for you, you will bring to me, and I will hear it.'
18 Uye panguva iyoyo ndakakurayirai zvose zvamaifanira kuita.
I commanded you at that time all the things that you should do.
19 Ipapo takasimuka kubva paHorebhi tikafamba takananga kunyika yamakomo yavaAmori tikapfuura nomurenje iro rose guru rinotyisa ramakaona, uye tikasvika paKadheshi Bharinea, sezvatakarayirwa naJehovha Mwari wedu.
We journeyed away from Horeb and went through all that great and terrible wilderness that you saw, on our way to the hill country of the Amorites, as Yahweh our God had commanded us; and we came to Kadesh Barnea.
20 Ipapo ndakati kwamuri, “Masvika munyika yamakomo yavaAmori, yatinopiwa naJehovha Mwari wedu.
I said to you, 'You have come to the hill country of the Amorites, which Yahweh our God is giving to us.
21 Tarirai, Jehovha Mwari wenyu akupai nyika iyo. Kwirai munoitora, sezvamakaudzwa naJehovha, Mwari wamadzibaba enyu. Musatya; musaora mwoyo.”
Look, Yahweh your God has set the land before you; go up, take possession, as Yahweh, the God of your fathers, has spoken to you; do not be afraid, neither be discouraged.'
22 Ipapo imi mose makauya kwandiri mukati, “Ngatitumei varume vanofanotungamira kuti vatisorere nyika vagodzoka kuzotiudza pamusoro penzira yatingafamba nayo uye namaguta atichandosvika kwaari.”
Every one of you came to me and said, 'Let us send men ahead of us, so that they may search out the land for us, and bring us word about the way by which we should attack, and about the cities to which we will come.'
23 Pfungwa iyoyo yakanga yakandinakira; nokudaro ndakasarudza varume vane gumi navaviri pakati penyu, murume mumwe kubva kurudzi rumwe norumwe.
The advice pleased me well; I took twelve men of you, one man for every tribe.
24 Ivo vakabva vakaenda munyika yamakomo, vakasvika kumupata weEshikori vakaisora.
They turned and went up into the hill country, came to the Valley of Eshkol, and scouted it.
25 Vakatora mimwe yemichero yenyika iyoyo, vakauya nayo kwatiri, vakati, “Inyika yakanaka yatiri kupiwa naJehovha Mwari wedu.”
They took some of the produce of the land in their hands and brought it down to us. They also brought us word and said, 'It is a good land that Yahweh our God is giving to us.'
26 Asi makanga musingadi kuenda; mukamukira kurayira kwaJehovha Mwari wenyu.
Yet you refused to attack, but rebelled against the commandment of Yahweh your God.
27 Makanyunyuta muri mumatende enyu, mukati, “Jehovha anotivenga; naizvozvo akatibudisa muIjipiti kuti azotiisa mumaoko avaAmori kuti vatiparadze.
You complained in your tents and said, “It is because Yahweh hated us that he has brought us out of the land of Egypt, to give us into the hand of the Amorites to destroy us.
28 Tichaendepiko? Hama dzedu dzatiita kuti tiore mwoyo. Dzinoti, ‘Vanhu vacho vanotikunda pasimba napakureba; maguta acho makuru uye ane masvingo akareba zvokusvika kudenga. Takaona kunyange navaAnaki ikoko.’”
Where can we go now? Our brothers have made our heart to melt, saying, 'Those people are bigger and taller than we are; their cities are large and are fortified up to the heavens; moreover, we have seen the sons of the Anakim there.'”
29 Ipapo ini ndakati kwamuri, “Musavhunduka; musavatya.
Then I said to you, 'Do not be terrified, neither be afraid of them.
30 Jehovha Mwari wenyu, iye anokutungamirirai, achakurwirai, sezvaakakuitirai muIjipiti, pamberi penyu chaipo,
Yahweh your God, who goes before you, he will fight for you, like everything that he did for you in Egypt before your eyes,
31 uye nomurenje. Imomo makaona kuti Jehovha Mwari wenyu akakutakurai sei, sezvinoita baba kana vachitakura mwanakomana wavo, nzira dzose dzamakafamba nadzo kudzamara muchisvika panzvimbo ino.”
and also in the wilderness, where you have seen how Yahweh your God carried you, as a man carries his son, everywhere you went until you came to this place.'
32 Kunyange zvakadaro, hamuna kuvimba naJehovha Mwari wenyu,
Yet in spite of this word you did not believe Yahweh your God,
33 iye akakutungamirirai parwendo rwenyu, mumoto usiku nomugore pamasikati kuti akutsvagirei nzvimbo dzokudzika matende enyu uye kuti akuratidzei nzira yamunofanira kufamba nayo.
who went before you on the way to find a place for you to make camp, in fire by night and in a cloud by day.
34 Jehovha paakanzwa zvamakataura, akatsamwa akapika, achiti,
Yahweh heard the sound of your words and was angry; he swore and said,
35 “Hakungavi nomunhu mumwe wechizvarwa ichi achaona nyika yakanaka yandakapika ndichiti ndichaipa kumadzibaba enyu,
'Surely not one of these men of this evil generation will see the good land that I swore to give to your ancestors,
36 kunze kwaKarebhu mwanakomana waJefune achaiona, uye ndichamupa iye nezvizvarwa zvake nyika yaakatsika netsoka dzake nokuti akateerera Jehovha nomwoyo wose.”
save Caleb son of Jephunneh; he will see it. To him I will give the land that he has stepped on, and to his children, because he has wholly followed Yahweh.'
37 Nokuda kwenyu Jehovha akanditsamwira neniwo, akati, “Newewo hauchazoipindi.
Also Yahweh was angry with me because of you, saying, 'You also will not go in there;
38 Asi mutevedzeri wako, Joshua, mwanakomana waNuni, ndiye achapindamo.
Joshua son of Nun, who stands before you, he will go in there; encourage him, for he will lead Israel to inherit it.
39 Asi vaduku venyu avo vamakati vachatapwa, vana venyu vasati vaziva zvakanaka kubva pane zvakaipa ndivo vachapinda munyika iyi. Ndichaipa kwavari uye vachaitora.
Moreover, your little children, the ones you said would be victims, who today have no knowledge of good or evil—they will go in there. To them I will give it, and they will possess it.
40 Asi kana murimi, dzokai mufambe makananga kurenje nenzira yokuGungwa Dzvuku.”
But as for you, turn and take your journey into the wilderness along the way to the Sea of Reeds.'
41 Ipapo imi makapindura mukati, “Takatadzira Jehovha. Tichaenda tigondorwa, sezvatakarayirwa naJehovha Mwari wedu.” Nokudaro makashonga mumwe nomumwe nhumbi dzokurwa, muchifunga kuti zvaiva nyore kukwidza kunyika yamakomo.
Then you answered and said to me, 'We have sinned against Yahweh; we will go up and fight, and we will follow all that Yahweh our God has commanded us to do.' Every man among you put on his weapons of war, and you were ready to attack the hill country.
42 Asi Jehovha akataura kwandiri, akati, “Vaudze kuti, ‘Musakwidza kundorwa, nokuti handiendi nemi. Muchakundwa navavengi venyu.’”
Yahweh said to me, 'Say to them, “Do not attack and do not fight, for I will not be with you, and you will be defeated by your enemies.'
43 Naizvozvo ndakakutaurirai, asi imi hamuna kuda kuteerera. Makamukira murayiro waJehovha uye mukuzvikudza kwenyu makafamba mukapinda munyika yamakomo.
I spoke to you in this way, but you did not listen. You rebelled against the commandment of Yahweh; you were arrogant and attacked the hill country.
44 VaAmori vakanga vagere mumakomo iwayo vakauya kuzokurwisai; vakakudzinganisai sezvinoita nyuchi uye vakakurovai kubva paSeiri kusvikira paHoma.
But the Amorites, who lived in that hill country, came out against you and chased you like bees, and struck you down in Seir, as far as Hormah.
45 Makadzoka mukachema pamberi paJehovha, asi iye haana kuteerera kuchema kwenyu uye haana kurerekera nzeve yake kwamuri.
You returned and wept before Yahweh; but Yahweh did not listen to your voice, nor did he pay attention to you.
46 Naizvozvo makagara paKadheshi mazuva mazhinji, nguva yose yamakagarapo.
So you stayed in Kadesh many days, all the days that you stayed there.

< Dhuteronomi 1 >