< Dhuteronomi 9 >

1 Inzwa, iwe Israeri. Wava kuda kuyambuka Jorodhani zvino kuti upinde ugotorera ndudzi dzakakura uye dzakasimba kukupfuura, dzina maguta makuru ane masvingo akareba kwazvo.
Écoute, Israël! Tu vas aujourd'hui passer le Jourdain, pour aller déposséder des nations plus grandes et plus puissantes que toi, des villes grandes et fortifiées jusqu'au ciel,
2 Vanhu vacho vakasimba uye varefu vaAnaki! Unoziva nezvavo uye wakanzwa zvichinzi, “Ndiani angamira kuti arwise vaAnaki?”
un peuple grand et haut, les fils des Anakim, que tu connais et dont tu as entendu dire: « Qui peut tenir devant les fils d'Anak? ».
3 Asi nhasi uzive kuti Jehovha Mwari wako ndiye achayambuka ari pamberi pako somoto unoparadza. Achavaparadza; achavakunda pamberi pako. Uye uchavadzinga ugovaparadza nokukurumidza sezvawakavimbiswa naJehovha.
Sache donc aujourd'hui que Yahvé ton Dieu est celui qui passe devant toi comme un feu dévorant. Il les détruira et les fera tomber devant toi. Tu les chasseras et tu les feras périr rapidement, comme Yahvé te l'a dit.
4 Shure kwokunge Jehovha Mwari wako avadzinga pamberi pako, usataura mumwoyo mako uchiti, “Jehovha akandiuyisa muno kuti nditore nyika ino nokuda kwokururama kwangu.” Kwete, Jehovha achadzinga ndudzi idzi pamberi pako nokuda kwokuipa kwadzo.
Ne dis pas dans ton cœur, après que Yahvé ton Dieu les aura chassés devant toi: « C'est à cause de ma justice que Yahvé m'a fait entrer en possession de ce pays »; car Yahvé les chasse devant toi à cause de la méchanceté de ces nations.
5 Haupindi munyika yavo kuti ive yako nokuda kwokururama kwako kana kururama kwomwoyo wako; asi Jehovha Mwari wako achadzinga ndudzi idzi pamberi pako, nokuda kwokuipa kwadzo, kuti azadzise zvaakapika kumadzibaba ako, kuna Abhurahama, kuna Isaka, nokuna Jakobho.
Ce n'est ni à cause de ta justice, ni à cause de la droiture de ton cœur que tu entres en possession de ce pays; mais c'est à cause de la méchanceté de ces nations que Yahvé ton Dieu les chasse devant toi, afin d'accomplir la parole que Yahvé a jurée à tes pères, à Abraham, à Isaac et à Jacob.
6 Naizvozvo nzwisisa kuti Jehovha Mwari wako haakupi nyika iyi yakanaka kuti ive yako nokuda kwokururama kwako, nokuti uri rudzi rune mutsipa mukukutu.
Sache donc que l'Éternel, ton Dieu, ne te donne pas ce bon pays à posséder pour ta justice, car tu es un peuple à la nuque raide.
7 Rangarirai izvi uye musakanganwa kuti makatsamwisa Jehovha Mwari wenyu sei murenje. Kubva nezuva ramakabuda muIjipiti kusvikira muchisvika pano, makaramba muchimukira Jehovha.
Souviens-toi, et n'oublie pas, comment tu as provoqué la colère de Yahvé ton Dieu dans le désert. Depuis le jour où tu as quitté le pays d'Égypte jusqu'à ce que tu sois arrivé en ce lieu, tu as été rebelle à Yahvé.
8 PaHorebhi makamutsa hasha dzaJehovha zvokuti akatsamwa zvokuda kukuparadzai.
A Horeb aussi, tu as provoqué la colère de Yahvé, et Yahvé s'est mis en colère contre toi pour te détruire.
9 Pandakakwira pagomo kundogamuchira mahwendefa amabwe, iwo mahwendefa esungano iyo yakanga yaitwa naJehovha nemi, ndakagara mugomo kwamazuva makumi mana nousiku huna makumi mana; ndakanga ndisingadyi zvokudya kana kunwa mvura.
Lorsque je suis monté sur la montagne pour recevoir les tables de pierre, les tables de l'alliance que Yahvé a conclue avec vous, je suis resté sur la montagne quarante jours et quarante nuits. Je n'ai ni mangé de pain ni bu d'eau.
10 Jehovha akandipa mahwendefa maviri amabwe akanga akanyorwa nomunwe waMwari. Paari pakanga pakanyorwa mirayiro yose yakanga yataurwa kwamuri naJehovha pagomo ari mukati memoto, nezuva reungano.
Yahvé m'a remis les deux tables de pierre écrites du doigt de Dieu. Elles contenaient toutes les paroles que Yahvé a prononcées avec vous sur la montagne, au milieu du feu, le jour de l'assemblée.
11 Pakupera kwamazuva makumi mana nousiku huna makumi mana Jehovha akandipa mahwendefa maviri amabwe, iwo mahwendefa esungano.
Au bout de quarante jours et quarante nuits, Yahvé me donna les deux tables de pierre, les tables de l'alliance.
12 Ipapo Jehovha akandiudza kuti, “Buruka ubve pano iye zvino, nokuti vanhu vako vawakabudisa kubva muIjipiti vaita zvakaipa. Vatsauka nokukurumidza kubva pane zvandakavarayira uye vazviitira chifananidzo chakaumbwa.”
Yahvé me dit: « Lève-toi, descends vite d'ici, car ton peuple que tu as fait sortir d'Égypte s'est corrompu. Ils se sont vite détournés de la voie que je leur avais prescrite. Ils se sont fait une image en fonte! »
13 Uye Jehovha akati kwandiri, “Ndaona rudzi urwu, uye rudzi rune mutsipa mukukutu kwazvo!
Yahvé m'a parlé et a dit: « J'ai vu ce peuple, et voici, c'est un peuple à la nuque raide.
14 Rega ndivaparadze ndigodzima zita ravo pasi pedenga. Uye ndichakuita rudzi rwakasimba rwakawanda kupfuura zvavari.”
Laisse-moi tranquille, afin que je les détruise et que j'efface leur nom de dessous le ciel; et je ferai de toi une nation plus forte et plus grande qu'eux. »
15 Saka ndakadzoka ndikaburuka kubva pagomo richiri kupfuta nomoto. Uye ndakanga ndine mahwendefa maviri esungano mumaoko angu.
Et je me suis retourné et je suis descendu de la montagne, et la montagne brûlait de feu. Les deux tables de l'alliance étaient dans mes deux mains.
16 Pandakatarira, ndakaona kuti makanga matadzira Jehovha Mwari wenyu; makanga mazviitira chifananidzo chakaumbwa mumufananidzo wemhuru. Makanga matsauka nokukurumidza kubva panzira yamakanga marayirwa naJehovha.
Je regardai, et voici, vous aviez péché contre Yahvé votre Dieu. Vous vous étiez fait un veau façonné. Vous vous étiez détournés rapidement de la voie que l'Éternel vous avait prescrite.
17 Saka ndakatora mahwendefa maviri ndikaakanda pasi kubva mumaoko angu, akaputsika kuita zvimedu zvimedu muchizviona.
Je saisis les deux tables, je les jetai de mes deux mains et je les brisai sous vos yeux.
18 Ipapo zvakare ndakawira pasi nechiso changu pamberi paJehovha kwamazuva makumi mana nousiku huna makumi mana; handina kudya zvokudya kana kunwa mvura, nokuda kwechivi chose chamakanga maita, muchiita zvakanga zvakaipa pamberi paJehovha nokudaro mukamutsa hasha dzake.
Je me suis prosterné devant l'Éternel, comme au début, pendant quarante jours et quarante nuits. Je n'ai ni mangé de pain ni bu d'eau, à cause de tout le péché que vous avez commis, en faisant ce qui est mal aux yeux de l'Éternel, pour l'irriter.
19 Ndakatya hasha nokutsamwa kwaJehovha, nokuti akanga atsamwa zvokuti angakuparadzai. Asi Jehovha akandinzwa.
Car j'ai eu peur de la colère et du vif déplaisir avec lesquels Yahvé s'est mis en colère contre vous pour vous détruire. Mais cette fois-là aussi, l'Éternel m'a écouté.
20 Uye Jehovha akatsamwira Aroni zvokuti akada kumuparadza, asi panguva iyoyo ndakanyengetererawo Aroni.
Yahvé s'est mis en colère contre Aaron au point de le détruire. En même temps, j'ai prié pour Aaron.
21 Uyezve ndakatora chitadzo chenyu, chimhuru chamakanga magadzira, ndikachipisa mumoto. Mushure maizvozvo ndakachiparadza ndikachikuya kusvikira chakuyika seguruva uye ndikakanda guruva racho murukova rwaiyerera kubva mugomo.
J'ai pris ton péché, le veau que tu avais fait, je l'ai brûlé au feu et je l'ai écrasé en le broyant très fin, jusqu'à ce qu'il soit aussi fin que de la poussière. J'ai jeté sa poussière dans le ruisseau qui descendait de la montagne.
22 Makatsamwisazve Jehovha paTabhera, napaMasa uye napaKibhuroti Hataavha.
A Tabérah, à Massa et à Kibroth Hattaava, vous avez provoqué la colère de l'Éternel.
23 Zvino nenguva iyo makatumwa naJehovha kubva paKadheshi Bharinea, iye akati, “Endai mundotora nyika iyo yandakakupai.” Asi imi makamukira murayiro waJehovha Mwari wenyu. Hamuna kuvimba naye kana kumuteerera.
Lorsque l'Éternel vous envoya de Kadès-Barnéa, en disant: « Montez et prenez possession du pays que je vous donne », vous vous êtes rebellés contre le commandement de l'Éternel, votre Dieu, et vous n'avez pas cru en lui ni écouté sa voix.
24 Makagara muchimukira Jehovha kubvira pazuva randakatanga kukuzivai.
Tu t'es rebellé contre Yahvé depuis le jour où je t'ai connu.
25 Ndakawira pasi nechiso changu pamberi paJehovha kwamazuva iwayo ane makumi mana nousiku huna makumi mana nokuda kwokuti Jehovha akanga ati aizokuparadzai.
Je me suis donc prosterné devant l'Éternel pendant les quarante jours et les quarante nuits où je me suis prosterné, parce que l'Éternel avait dit qu'il te détruirait.
26 Ndakanyengetera kuna Jehovha ndikati, “Nhai imi Ishe Jehovha, musaparadza vanhu venyu, nhaka yenyu yamakadzikinura nesimba renyu guru mukavabudisa kubva kuIjipiti noruoko rune simba.
J'ai prié Yahvé et j'ai dit: « Seigneur Yahvé, ne détruis pas ton peuple et ton héritage que tu as rachetés par ta grandeur, que tu as fait sortir d'Égypte à main forte.
27 Rangarirai varanda venyu Abhurahama, Isaka naJakobho. Musatarira kusindimara kworudzi urwu, uipi hwavo nechivi chavo.
Souviens-toi de tes serviteurs, Abraham, Isaac et Jacob. Ne regarde pas l'obstination de ce peuple, ni sa méchanceté, ni son péché,
28 Nokuti nyika yamakatibudisa kubva mairi ingazoti, ‘Jehovha akavabudisa akavaurayira murenje, nokuti akanga asingagoni kuvapinza munyika yaakanga avapikira, uye nokuti akanga achivavenga.’
de peur que le pays d'où tu nous as fait sortir ne dise: « Parce que Yahvé n'a pas pu les faire entrer dans le pays qu'il leur avait promis, et parce qu'il les a haïs, il les a fait sortir pour les tuer dans le désert.
29 Asi ava vanhu venyu, nhaka yenyu yamakabudisa nesimba renyu guru noruoko rwenyu rwakatambanudzwa.”
Pourtant, ils sont ton peuple et ton héritage, que tu as fait sortir par ta grande puissance et par ton bras étendu. »

< Dhuteronomi 9 >