< Dhuteronomi 6 >
1 Iyi ndiyo mitemo, nemirayiro zvandakarayirwa naJehovha Mwari wenyu kuti ndikudzidzisei kuti muzviite munyika yamunoyambukira Jorodhani kuti ive yenyu,
“Tanrınız RAB'bin size öğretmek için bana verdiği buyruklar, kurallar, ilkeler bunlardır. Mülk edinmek için gideceğiniz ülkede onlara uyun.
2 kuitira kuti iwe, navana vako navana vavo vachavatevera mutye Jehovha Mwari wenyu pakurarama kwenyu nokuchengeta mitemo nemirayiro yake yose yandinokupai, uye kuitira kuti muve namazuva mazhinji okurarama.
Yaşamınız boyunca siz, çocuklarınız ve torunlarınız, size verdiğim bütün kurallara, buyruklara uyarak Tanrınız RAB'den korkun ki, ömrünüz uzun olsun.
3 Chinzwa, iwe Israeri, uchenjere kuti uzviite kuitira kuti zvikunakire uye kuti muwande kwazvo munyika inoyerera mukaka nouchi, sezvamakavimbiswa naJehovha, iye Mwari wamadzibaba enyu.
Kulak ver, ey İsrail! Söz dinleyin ki, üzerinize iyilik gelsin, atalarınızın Tanrısı RAB'bin size verdiği söz uyarınca süt ve bal akan ülkede bol bol çoğalasınız.
4 Chinzwa iwe Israeri: Jehovha Mwari wedu, ndiJehovha mumwe chete.
“Dinle, ey İsrail! Tanrımız RAB tek RAB'dir.
5 Ida Jehovha Mwari wako nomwoyo wako wose nomweya wako wose uye nesimba rako rose.
Tanrınız RAB'bi bütün yüreğinizle, bütün canınızla, bütün gücünüzle seveceksiniz.
6 Mirayiro iyi yandinokupai nhasi inofanira kuva mumwoyo yenyu.
Bugün size verdiğim bu buyrukları aklınızda tutun.
7 Zvisimbisei kuvana venyu. Taurai pamusoro payo kana mugere mudzimba dzenyu uye kana muchifamba munzira, kana muchivata pasi uye kana muchimuka.
Onları çocuklarınıza belletin. Evinizde otururken, yolda yürürken, yatarken, kalkarken onlardan söz edin.
8 Isungirirei pamaoko enyu sechiratidzo mugoisungira pahuma dzenyu.
Bir belirti olarak onları ellerinize bağlayın, alın sargısı olarak takın.
9 Muinyore pamagwatidziro emikova yedzimba dzenyu uye napamasuo enyu.
Evlerinizin kapı sövelerine, kentlerinizin kapılarına yazın.”
10 Zvino kana Jehovha Mwari wenyu achinge akupinzai munyika yaakapikira kumadzibaba enyu, Abhurahama, naIsaka, naJakobho, kuti achakupai, nyika ina maguta makuru akanaka, amusina kuvaka imi,
“Tanrınız RAB atalarınıza, İbrahim'e, İshak'a, Yakup'a içtiği ant uyarınca, sizi vereceği ülkeye –inşa etmediğiniz büyük ve güzel kentleri, biriktirmediğiniz iyi eşyalarla dolu evleri, siz emek vermeden kazılmış sarnıçları, dikmediğiniz bağları, zeytinlikleri olan ülkeye– götürecek. Orada yiyip doyacaksınız.
11 dzimba dzizere nezvinhu zvakanaka zvamarudzi ose zvamusina kutsvaka imi, matsime amusina kuchera, minda yemizambiringa namasango nemiti yemiorivhi yamusina kusima, zvino kana muchinge madya uye mukaguta,
12 muchenjerere kuti murege kukanganwa Jehovha, akakubudisai kubva muIjipiti, kubva munyika youranda.
O zaman dikkat edin! Sizi Mısır'dan, köle olduğunuz ülkeden çıkaran RAB'bi unutmayın.
13 Itya Jehovha Mwari wako, ushumire iye oga ugoita mhiko dzako muzita rake.
“Tanrınız RAB'den korkacaksınız; O'na kulluk edecek ve O'nun adıyla ant içeceksiniz.
14 Musatevera vamwe vamwari, vamwari vendudzi dzakakupoteredzai;
Başka ilahların, çevrenizdeki ulusların taptığı hiçbir ilahın ardınca gitmeyeceksiniz.
15 nokuti Jehovha Mwari wenyu ari pakati penyu ndiMwari ane godo uye hasha dzake dzichapisa pamusoro penyu, uye achakuparadzai kubva pamusoro penyika.
Çünkü aranızda olan Tanrınız RAB kıskanç bir Tanrı'dır. Öfkelenirse sizi yeryüzünden yok eder.
16 Musaedza Jehovha Mwari wenyu sezvamakaita paMasa.
Massa'da olduğu gibi, Tanrınız RAB'bi denemeyeceksiniz.
17 Chenjererai kuchengeta mirayiro yaJehovha Mwari wenyu nezvaakatema nemitemo yaakakupai.
Tanrınız RAB'bin buyruklarına, size verdiği yasalara, kurallara uymaya dikkat edeceksiniz.
18 Itai zvakarurama nezvakanaka pamberi paJehovha, kuitira kuti zvigokunakirai, mugopinda mugotora nyika yakanaka iyo Jehovha akavimbisa nemhiko kumadzitateguru enyu,
RAB'bin gözünde iyi ve doğru olanı yapacaksınız. Öyle ki, üzerinize iyilik gelsin, RAB'bin atalarınıza ant içerek söz verdiği verimli ülkeyi mülk edinesiniz.
19 agoparadza vavengi venyu vose pamberi penyu, sezvakataurwa naJehovha.
RAB de sözü uyarınca bütün düşmanlarınızı önünüzden kovacak.
20 Panguva inotevera, kana mwanakomana wako akakubvunza achiti, “Ko, zvakatemwa izvi, mitemo nemirayiro yamakarayirwa naJehovha Mwari wedu zvinorevei?”
“Gelecekte çocuklarınız size, ‘Tanrımız RAB'bin size verdiği yasaların, kuralların, ilkelerin anlamı nedir?’ diye sorunca,
21 Umuudze kuti, “Takanga tiri varanda vaFaro muIjipiti, asi Jehovha akatibudisa muIjipiti noruoko rune simba.
onlara şöyle diyeceksiniz: ‘Mısır'da firavunun köleleriydik. RAB bizi güçlü eliyle oradan çıkardı.
22 Jehovha akatumira pamberi pedu zviratidzo nezvishamiso zvinotyisa pamusoro peIjipiti naFaro neimba yake yose.
Gözlerimizin önünde Mısır'a, firavuna, ailesine karşı belirtiler, büyük ve korkunç işler yaptı.
23 Asi akatibudisamo kuti atipinze nokutipa nyika yaakavimbisa nemhiko kumadzibaba edu.
Atalarımıza ant içerek söz verdiği ülkeye götürmek ve orayı bize vermek için bizi Mısır'dan çıkardı.
24 Jehovha akatirayira kuti titeerere mitemo iyi yose nokutya Jehovha Mwari wedu, kuitira kuti tibudirire nguva dzose nokurarama sezvatakaita nhasi.
Sürekli üzerimize iyilik gelmesi ve bugün olduğu gibi sağ kalmamız için Tanrımız RAB bütün bu kurallara uymamızı ve kendisinden korkmamızı buyurdu.
25 Uye kana tichichenjerera kuteerera murayiro uyu wose pamberi paJehovha Mwari wedu, sezvaakatirayira, ndiko kuchava kururama kwedu.”
Tanrımız RAB'bin önünde, verdiği bu buyruklara uymaya dikkat edersek, bunu bize doğruluk sayacaktır.’”