< Dhuteronomi 4 >

1 Teererai zvino, imi vaIsraeri, mitemo nemirayiro yandava kukudzidzisai. Muitevere kuti murarame uye mugopinda mugotora nyika iyo munopiwa naJehovha, Mwari wamadzibaba enyu.
以色列! 現在你要聽我教訓你們的法令和規律,盡力遵行:這樣你們纔能生活,纔能進入佔領,上主你們祖先的天主賜給你們的地方。
2 Musawedzera kana kutapudza kubva pane zvandinokurayirai, asi chengetai mirayiro yaJehovha Mwari wenyu yandinokupai.
我吩咐你們的話,你們不可增刪,而應全守我向你們所訓示的,上主你們天主的誡命。
3 Makaona nameso enyu zvakaitwa naJehovha paBhaari Peori, Jehovha Mwari wenyu akaparadza mumwe nomumwe pakati penyu aitevera Bhaari Peori.
你們親眼見了上主在巴耳培敖爾所做的事:凡隨從巴耳培敖爾的人,上主你們的天主都由你們中間消滅了;
4 Asi imi mose makanamatira pana Jehovha Mwari wenyu muchiri vapenyu nhasi.
你們依附上主你們的天主的人,今日都還活著。
5 Tarirai, ndakudzidzisai mitemo nemirayiro sezvandakarayirwa naJehovha Mwari wangu, kuti muitevere munyika yamuri kupinda kuti muitore ive yenyu.
看,我授與你們法令和規律,都是上主我的天主吩咐與我的,好叫你們在你們要去佔領的土地內,依照遵行。
6 Muichengete zvakanaka, nokuti izvi zvicharatidza uchenjeri nokunzwisisa kwenyu kundudzi dzichanzwa pamusoro pemitemo iyi yose uye vachati, “Zvirokwazvo rudzi urwu rukuru, vanhu vakachenjera uye vanonzwisisa.”
你們要謹守遵行,因為這樣,在萬民眼中,纔能顯出你們的智慧和見識;他們一聽到這一切法令說:「這實在是一個有智慧,有見識的大民族! 」
7 Ndorupi rumwe rudzi rukuru runa vamwari varwo vari pedyo navo saJehovha Mwari wedu ari pedyo nesu nguva ipi neipi zvayo yatinonyengetera kwaari?
有那個大民族的神這樣接近他們,如同上主我們的天主,在我們每次呼求他時,這樣親近我們呢﹖
8 Uye ndorupiko rudzi rukuru rune mitemo nemirayiro yakarurama semirayiro iyi yandiri kuisa pamberi penyu nhasi?
又有那個大民族,有這樣公正的法令和規律,如同我今天在你們面前,所頒佈的這一切法律呢﹖
9 Asi zvichenjererei, mugonyatsozvichengetedza kuitira kuti murege kukanganwa zvinhu zvakaonekwa nameso enyu kana kuzvirega zvichibuda mumwoyo menyu mazuva ose oupenyu hwenyu. Muzvidzidzise nokuvana venyu.
你應謹慎,加意留心,不要忘了你親眼所見的奇事,終生日日不要讓這些事遠離你的心,並要將這一切傳於你的子子孫孫。
10 Murangarire zuva ramakamira pamberi paJehovha Mwari wenyu paHorebhi, paakati kwandiri, “Unganidza vanhu pamberi pangu kuti vanzwe mashoko angu vagodzidza kunditya mazuva ose avachagara panyika uye kuti vagozoadzidzisa kuvana vavo.”
當你在曷勒布,站在上主你的天主面前的那一天,上主曾對我說:「你給我召集民眾,我要叫他們聽清我的話,使他們在世有生之日,學習敬畏我,以此教訓自己的子女。」
11 Makaswedera mukamira pajinga pegomo, gomo paraipfuta nomoto waisvika kumatenga chaiko, pamwe chete nemakore matema nerima guru.
你們遂走上前來,站在山腳下,其時山上火燄沖天,且為黑暗和烏雲籠罩著。
12 Ipapo Jehovha akataura kwamuri ari mukati memoto. Makanzwa inzwi chete asi hamuna kuona kuti ndiani; kwaingova nenzwi roga.
上主由火中對你們說話,你們聽到說話的聲音,卻見不到什麼形狀,只有聲音。
13 Akataura sungano yake kwamuri, Mirayiro Gumi, yaakakurayirai kuti muitevere uye ipapo akainyora pamahwendefa maviri amabwe.
他將他的盟約,即那十條誡命,給你們宣布出來,吩咐你們遵守,又將這誡命寫在兩塊石版上;
14 Zvino Jehovha akanditungamirira panguva iyo kuti ndikudzidzisei mitemo nemirayiro yamunofanira kundotevera munyika iyo yamunoyambukira Jorodhani kuti ive yenyu.
同時上主也吩咐我將法令和規律教訓你們.叫你們在要去佔領的土地內遵行。
15 Nokuti hamuna kuona zvaakanga akaita nezuva iro Jehovha akataura kwamuri paHorebhi ari mumoto. Naizvozvo zvichenjererei zvikuru,
你們應極其謹慎:因為上主你們的天主,在曷勒布由火中對你們說話的那天,你們既然沒有見到什麼形狀,
16 kuitira kuti murege kuzvisvibisa muchizvigadzirira chifananidzo, chifananidzo chechinhu chipi zvacho, chingava chakaitwa somurume kana somukadzi,
那麼,你們切不要墮落,為自己製造任何形狀的神像,無論是男或者是女的形狀,
17 kana semhuka ipi zvayo panyika kana seshiri ipi zvayo inobhururuka mudenga,
或地上各種走獸的形狀,或空中各類飛鳥的形狀,
18 kana sechisikwa chipi zvacho chinofamba pasi kana hove ipi zvayo iri pasi mumvura.
或地上任何爬蟲的形狀,或地下水裏各種魚類的形狀。
19 Uye kuti kana muchitarisa kudenga mukaona zuva, nomwedzi nenyeredzi, zvose zviri kudenga, musatsauswa kuti muzvipfugamire nokunamata zvinhu izvo Jehovha Mwari wenyu akagovera ndudzi dzose dziri pasi pedenga.
當你舉目望天,觀看日月星辰,和天上的眾星宿時,切不要為之勾引,而去敬拜事奉。那原是上主,你的天主分賜給普天下萬民享用的;
20 Asi kana muri imi, Jehovha akakutorai akakubudisai muchoto chamatare, akakubudisai muIjipiti, kuti muve vanhu venhaka yake, sezvamuri nhasi.
至於你們,上主揀選了你們,將你們由鐵爐中──埃及──領出來,作他特有的子民,就如今日一樣。
21 Jehovha akanditsamwira nokuda kwenyu, akapika kuti handingayambuki Jorodhani nokupinda munyika yakanaka iyo munopiwa naJehovha Mwari wenyu kuti ive nhaka yenyu.
可是,上主為了你們的緣故,對我發怒起誓,不讓我過約但河,不許我進入,上主你的天主賜給你作產業的那肥美的土地;
22 Ini ndichafira munyika ino; handichayambuki Jorodhani; asi imi mava kuzoyambuka nokutora nyika yakanaka.
我只有死在這地方,不得過約但河;你們都要過去,佔領那肥美的土地為產業,
23 Muzvichenjerere kuti murege kukanganwa sungano yaJehovha Mwari wenyu yaakaita nemi; musazviitira chifananidzo chorudzi rwechinhu chipi zvakadziviswa naJehovha Mwari wenyu.
那麼你們應謹慎,不要忘記上主你們的天主與你們所訂立的盟約,不要製造任何形狀的神像,有如上主你的天主所禁止的,
24 Nokuti Jehovha Mwari wenyu moto unoparadza, ndiMwari ane godo.
因為上主你的天主是吞噬的烈火,忌邪的天主。
25 Mushure mokunge mava navana navazukuru uye magara nguva refu munyika, kana mukazvishatisa nokugadzira chifananidzo chorudzi rupi zvarwo, mukaita zvakaipa pamberi paJehovha Mwari wenyu muchimuita kuti atsamwe,
當你們生養了子孫,在那地住得久了,如果你們墮落下去,製造任何形狀的偶像,行了上主你的天主眼中視為邪惡的事,惹他發怒,
26 ndinodana denga napasi sezvapupu pamusoro penyu nhasi, kuti muchakurumidza kuparara kubva panyika yamuri kuyambukira Jorodhani kuti ive yenyu. Hamungagarimo nguva refu asi muchaparadzwa zvirokwazvo.
我今天就指著上天下地對你們作證,你們必在過約但河後所佔領的土地上迅速滅亡,決不會在那地長久生存,必全被消滅。
27 Jehovha achakuparadzirai pakati pamarudzi, uye vashoma venyu chete ndivo vachapona pakati pendudzi uko kwamuchadzingirwa naJehovha.
上主要將你們分散到萬民之中,在上主領你們所到的外邦中,你們剩下的人,必為數不多。
28 Ikoko muchanamata vamwari vakaitwa navanhu, vamatanda navamabwe, vasingagoni kana kunzwa kana kudya kana kunhuhwidza.
在那裏你們要事奉人手所製造的神,即各種看不見,聽不見,不會吃,不能聞的木石神像。
29 Asi kana mava ikoko mukatsvaka Jehovha Mwari wenyu, muchamuwana kana mukamutsvaka nomwoyo wenyu wose nomweya wenyu wose.
你在那裏必要尋求上主你的天主,只要你全心全靈尋求,你就可尋到他。
30 Kana muchinge matambudzika uye zvinhu zvose izvi zvaitika kwamuri, ipapo pamazuva achatevera muchadzoka kuna Jehovha Mwari wenyu mugomuteerera.
日後,當這些事都臨於你,使你困惱時,你必回心歸向上主你的天主,聽從他的聲音;
31 Nokuti Jehovha Mwari wenyu ndiMwari ane ngoni, haangakusiyei kana kukuparadzai, kana kukanganwa sungano yamadzibaba enyu, yaakasimbisa kwavari nemhiko.
因為上主你的天主原是仁慈的天主,他不會捨棄你,不會毀滅你,也不會忘卻他起誓與你祖先所立的盟約。
32 Bvunzai zvino pamusoro pamazuva akapfuura kare imi musati mavapo, kubva nezuva iro Mwari akasika munhu panyika; bvunzai kubva kuno rumwe rutivi rwedenga kusvikira kuno rumwe. Kune chinhu chakamboitika chakakura seichi here, kana chimwe chakafanana nacho chakambonzwika?
你且考察在你以前過去的世代,從天主在地上造了人以來,由天這邊到天那邊,是否有過像這樣的大事,是否聽過像這樣的事﹖
33 Kune vamwe vanhu vakambonzwa inzwi raMwari achitaura ari mukati momoto here, sezvamakanzwa imi uye vakararama?
是否有一民族,如同你一樣,聽到了天主由火中說話的聲音,還仍然活著﹖
34 Kune mumwe mwari here akaedza kundozvitsaurira rudzi pakati porumwe rudzi, nemiedzo, nezviratidzo, nezvishamiso, nehondo, noruoko rune simba, noruoko rwakatambanudzwa, kana namabasa makuru anotyisa, sezvinhu zvose zvakaitwa naJehovha Mwari wenyu pamberi penyu muIjipiti?
或者,是否有過一個神,以災難、神蹟、奇事、戰爭、強力的手、伸展的臂和可怕的威能,企圖將某一民族由另一民族中領出來,如上主你們的天主在埃及於你們眼前,對你們所做的一切一樣﹖
35 Makaratidzwa zvinhu zvose izvi kuti muzive kuti Jehovha ndiMwari; kunze kwake hakuna mumwe.
這一切只顯示給你,是要你知道,只有上主是天主,除他以外再沒有別的神。
36 Kubva kudenga akaita kuti munzwe inzwi rake kuti akudzidzisei. Panyika akakuratidzai moto wake mukuru, uye makanzwa mashoko ake kubva mukati momoto.
他由天上使你聽到他的聲音,是為教訓你;在地上使你見到他的烈火,叫你聽到他由火中發出的言語。
37 Nokuti akada madzibaba enyu uye akazvitsaurira zvizvarwa zvavo zvakavatevera shure kwavo, akakubudisai muIjipiti noKuvapo kwake nesimba rake guru,
他由於愛你的祖先,纔揀選了他們的後裔,親自以強力把你由埃及領出來,
38 kuti adzinge pamberi penyu ndudzi dzinokupfuurai pakukura napasimba uye nokukuuyisai munyika yavo kuti aipe kwamuri senhaka sezvazviri nhasi.
由你面前趕走比你更大的民族,領你進入他們的國土,賜給你作為產業,就如今日一樣。
39 Zvizivei nokuzvichengeta mumwoyo nhasi kuti Jehovha ndiMwari ari kudenga kumusoro uye napanyika pasi. Hakunazve mumwe.
所以今日你該知道,且要牢記在心:天上地下,只有上主是天主,再沒有別的神。
40 Chengetai mitemo nemirayiro yake yandinokupai nhasi, kuitira kuti zvigokuitirai zvakanaka imi navana venyu vanokuteverai uye kuti mugogara mazuva mazhinji panyika yamunopiwa naJehovha Mwari wenyu nokusingaperi.
你應遵守他的法令和誡命,就是我今日所訓示與你的,好使你和你的後代子孫得享幸福,在上主你的天主永久賜給你的土地內,能以久住。」
41 Zvino Mozisi akatsaura maguta matatu kumabvazuva mhiri kwaJorodhani,
那時梅瑟在約但河東,向日出之地,劃定了三座城,
42 uko ani naani anenge auraya munhu aitizira kana achinge auraya muvakidzani wake asingaiti nobwoni uye asingazvifungiri. Aigona kutizira mune rimwe ramaguta aya kuti ararame.
使那素無仇恨而又無心殺死同胞的人,可逃到那裏去避難;凡逃入其中的一座,就可獲救。
43 Maguta aya aiti: Bhezeri mudunhu rakakwirira rokurenje raiva ravaRubheni; Ramoti paGireadhi, raiva ravaGadhi; neGorani paBhashani, raiva ravaManase.
為勒烏本人指定了位於曠野高原的貝責爾;為加得人指地了基肋阿得的辣摩特;為默納協人指定了巴商的哥藍。
44 Uyu ndiwo murayiro wakaiswa naMozisi pamberi pavaIsraeri:
這是梅瑟在以色列子民面前宣布的法律,
45 Izvi ndizvo zvakataurwa naMozisi, mitemo nemirayiro yaakavapa pavakabuda kubva muIjipiti
就是梅瑟在以色列子民出埃及後,對他們所發表的勸告、法令和規則。
46 uye vari kumabvazuva kwaJorodhani mumupata uri pedyo neBheti Peori, munyika yaSihoni mambo wavaAmori, aitonga muHeshibhoni uyo akakundwa navaIsraeri pavakabuda muIjipiti.
地點是在約但河東,貝特培敖爾對面的山谷中,即在位於赫市朋的阿摩黎王息紅的國土內。息紅已為梅瑟和以色列子民由埃及出來後所殺,
47 Vakatora nyika yake nenyika yaOgi mambo weBhashani, madzimambo maviri avaAmori aiva kumabvazuva kweJorodhani.
他的土地為他們所佔領,並且也佔了巴商王敖格的土地。──這兩個阿摩黎人王,住在約但河東,向日出之地,
48 Nyika iyi yaibva paAroeri pamahombekombe oMupata weArinoni kusvika pagomo reSioni (ndiro Herimoni),
從阿爾農河岸的阿洛厄爾,直到息爾翁山,即赫爾孟山,
49 uye kusanganisira Arabha yose kumabvazuva kwaJorodhani, kusvikira kuGungwa reArabha, mujinga memateru ePisiga.
連約但河東的全阿辣巴荒野在內,直到位於丕斯加山坡下的阿辣巴海。

< Dhuteronomi 4 >