< Dhuteronomi 33 >

1 Uku ndiko kuropafadza kwaMozisi munhu waMwari kwaakataura kuvaIsraeri asati afa.
Hii ni baraka ambayo Musa mtu wa Mungu aliwabariki watu wa Israeli kabla ya kifo chake.
2 Akati: “Jehovha akabva kuSinai akavabudira samambakwedza achibva kuSeiri; akapenya kubva paGomo reParani. Akauya nezviuru gumi zvavatsvene kubva rutivi rwezasi, kubva kumawere amakomo ake.
Alisema: Yahwe alikuja kutoka Sinai na akainuka kutoka Seiri juu yao. Aling'ara kutoka mlima wa Paramu, na akaja na elfu kumi ya watakatifu. Katika mkono wake wa kuume radi zilimulika.
3 Zvirokwazvo ndimi makada vanhu; vatsvene vose vari muruoko rwenyu. Patsoka dzenyu vose vanopfugama, uye kubva kwamuri vanogamuchira kurayirwa,
Kweli, anawapenda watu; watakatifu wake wote wapo mikononi mwako, na walimsujudu mguuni mwake; walipokea maneno yako.
4 murayiro watakapiwa naMozisi, nhaka yeungano yaJakobho.
Musa alituamuru sheria, urithi kwa kusanyiko la Yakobo.
5 Akanga ari mambo weJeshuruni vatungamiriri vavanhu pavakanga vakaungana, pamwe chete namarudzi aIsraeri.
Kisha pakawa na mfalme Yeshurumu, pale ambapo wakuu wa watu walipokusanyika, makabila yote ya Israeli pamoja.
6 “Rubheni ngaararame arege kufa, uye vanhu vake ngavarege kuva vashoma.”
Acha Rubeni aishi na asife, lakini wanaume wake wawe wachache.
7 Uye izvi ndizvo zvaakataura pamusoro paJudha: “Inzwai, imi Jehovha, kuchema kwaJudha; muuyisei kuvanhu vake. Namaoko ake acharwira mhaka yake. Haiwa, ivai mubatsiri wake pavavengi vake!”
Hii ni baraka ya Yuda. Musa akasema: Sikiliza sauti ya Yuda, Yahwe, na umlete kwa watu wake tena. Mpiganie; kuwa msaada dhidi ya maadui wake.
8 Pamusoro paRevhi akati, “Tumimi yenyu neUrimi yenyu ndezvomunhu wamunoda. Makamuedza paMasa; makarwa naye pamvura dzeMeribha.
Kuhusu Lawi, Musa akasema: Thumimu yako na Urimu yako ni ya mtakatifu wako, yule uliyemjaribu kule Masa, ambaye ulishindana naye katika maji ya Meriba.
9 Akati pamusoro pababa namai vake, ‘Handivakudzi.’ Haana kurangarira hama dzake kana kuziva vana vake, asi akava mutariri weshoko renyu akachengetedza sungano yenyu.
Mtu aliyesema juu ya baba na mama yake, “Sijawaona.” Wala hakuwatambua kaka zake, wala hakuzingatia juu ya watoto wake wenyewe. Kwa maana alilinda neno lako na kushika agano lako.
10 Anodzidzisa mitemo yenyu kuna Jakobho uye nemirayiro kuna Israeri. Achapa zvinonhuhwira pamberi penyu nezvipiriso zvose zvinopiswa paaritari yenyu.
Anafundisha Yakobo maagizo yako na Israeli sheria yako. Ataweka ubani mbele yako na sadaka kamili ya kuteketezwa juu ya dhabahu lako.
11 Ropafadzai kubata kwake kwose, imi Jehovha, mugofadzwa namabasa amaoko ake. Paradzai zviuno zvaavo vanomumukira: rovai vavengi vake kusvikira vasisamukizve.”
Bariki mali zake, Yahwe, na kubali kazi ya mikono yake. Vunja viuno vya wale wanaoinuka dhidi yake, na wale watu wanaomchukia, ili wasiinuke tena.
12 Pamusoro paBhenjamini akati: “Regai mudikanwa waJehovha agare norugare maari, nokuti anomudzivirira zuva rose, uye regai uyo anodikanwa naJehovha agare pakati pamapfudzi ake.”
Kuhusu Benyamini, Musa akasema: Yule anayependwa na Yahwe anaishi kwa usalama kando yake; Yahwe anamkinga siku nzima, naye huishi katikati ya mikono ya Yahwe.
13 Pamusoro paJosefa akati: “Jehovha ngaaropafadze nyika yake nedova rinokosha rokudenga kumusoro nemvura zhinji dzakadzika dziri pasi;
Kuhusu Yusufu, Musa akasema: Nchi yake na ibarikiwe na Yahwe na vitu vya thamani vya mbinguni, na umande, na kina kilalacho chini.
14 nezvakanakisisa zvinouyiswa nezuva uye zvakaisvonaka zvinopiwa nomwedzi;
Nchi yake na ibarikiwe na vitu vya thamani mavuno ya jua, na vitu vya thamani mazao ya miezi,
15 nezvipo zvakanakisisa zvokumakomo ekare uye nezvibereko zvemakomo okusingaperi;
kwa vitu vizuri vya milima ya zamani, na kwa vitu vya thamani vya milima ya milele.
16 nezvipo zvakanakisisa zvenyika nokuzara kwayo uye nenyasha dzake iye anogara mugwenzi rinopfuta. Zvose ngazvigare pamusoro waJosefa, pahuma yomuchinda pakati pehama dzake.
Nchi yake ibarikiwe na vitu vya thamani vya ardhi na wingi wake, na kwa mapenzi mema ya yule aliyekuwa kichakani. Baraka na ifike juu ya kichwa cha Yusufu, na juu ya kichwa cha yule aliyekuwa mwana wa mfalme kwa kaka zake.
17 Muumambo hwake anoita semhongora yenzombe; nyanga dzake dzakaita senyanga dzenyati. Nadzo achatunga ndudzi, kunyange vaya vari kumagumo enyika. Ava ndivo zviuru zvaManase.”
Mzawa wa kwanza wa ng’ombe, katika utukufu wake, na pembe zake ni pembe za ng’ombe mwitu. Kwa hawa atawasukuma watu, wote, hadi mwisho wa ulimwengu. Hawa ni maelfu makumi ya Efraimu; hawa ni maelfu wa Manase.
18 Pamusoro paZebhuruni akati: “Fara, iwe Zebhuruni, pakubuda kwako, newe Isakari mumatende ako.
Kuhusu Zabuloni, Musa alisema: Furahi, Zabuloni, katika kutoka kwako, na wewe, Isakari, katika mahema yako.
19 Vachadanira vanhu kumakomo uye ikoko vagopa zvibayiro zvokururama; vachaguta nezvizhinji zvamakungwa, nepfuma yakavigwa mujecha.”
Watawaita watu hadi milimani. Huko watatoa sadaka za utakatifu. Maana watanyonya wingi wa bahari, na mchanga wa ufukweni.
20 Pamusoro paGadhi akati: “Ngaaropafadzwe iye anokurisa nyika yaGadhi! Gadhi anogaramo seshumba, achibvambura ruoko kana musoro.
Kuhusu Gadi, Musa alisema: Abarikiwe yule amkuzaye Gadi. Ataishi pale kama simba jike, naye atanyakua mkono au kichwa.
21 Akazvisarudzira nyika yakanakisisa; mugove womutungamiri waakachengeterwa iye. Vakuru vavanhu pavakaungana, iye akaita kuda kwaJehovha kwakarurama, uye nokutonga kwake pamusoro paIsraeri.”
Alitoa sehemu nzuri kwake mwenyewe, maana kulikuwa na fungu la ardhi la kiongozi lililohifadhiwa. Alikuja na vichwa vya watu. Alitekeleza haki ya Yahwe na maagizo yake pamoja na Israeli.
22 Pamusoro paDhani akati: “Dhani mwana weshumba, anokwakuka achibva muBhashani.”
Kuhusu Dani, Musa alisema: Dani ni mwana wa simba arukaye kutoka Bashani.
23 Pamusoro paNafutari akati: “Nafutari azere nenyasha dzaJehovha uye azere kuropafadza kwake: achatora nhaka nechezasi kugungwa.”
Kuhusu Naftali, Musa alisema: Naftali, aliyeridhika na fadhila, na kujaa kwa baraka za Yahwe, miliki nchi iliyopo magharibi na kusini.
24 Pamusoro paAsheri akati: “Akaropafadzwa kupfuura vanakomana vose ndiAsheri: ngaadikanwe nehama dzake, uye ngaashambe tsoka dzake mumafuta.
Kuhusu Asheri, Musa alisema: Abarakiwe Asheri Zaidi ya watoto wengine wa kiume; naye akubalike kwa kaka zake, na achovye mguu wake ndani ya mafuta ya zeituni.
25 Zvipfigiso zvemasuo ako zvichava zvesimbi nendarira, uye simba rako richafanana namazuva ako.
Vyuma vya mji wako na viwe chuma na shaba; kama vile siku zako zitakavyokuwa, ndivyo usalama wako utakavyokuwa.
26 “Hapana akafanana naMwari waJeshuruni, iye anotasva denga kuti akubatsire uye namakore muumambo hwake.
Hakuna aliye kama Mungu, Yeshurumu – aliyekamili, anayeendesha katika mbingu kukusaidia, na katika utukufu wake juu ya mawingu.
27 Mwari anogara nokusingaperi ndiye utiziro hwako, uye pasi pake pane maoko anogara nokusingaperi. Achadzinga vavengi vako kubva pamberi pako, achiti, ‘Muparadzei!’
Mungu wa milele ni kimbilio, na chini yake kuna mikono ya milele. Husukuma adui mbele yako, naye alisema, “Angamiza!”
28 Naizvozvo Israeri achagara murugare oga; tsime raJakobho rakachengetedzeka munyika yezviyo newaini itsva, ndiko kunodonhedzerwa dova nedenga.
Israeli waliishi katika usalama. Wana wa Yakobo walikuwa salama katika nchi ya nafaka na divai mpya; hakika, mbingu na idondoshe umande juu yake.
29 Wakaropafadzwa, iwe Israeri! Ndiani akafanana newe, rudzi rwakaponeswa naJehovha? Ndiye nhoo nomubatsiri wako uye nomunondo wako unobwinya. Vavengi vako vachazviisa pasi pako, uye iwe uchatsika-tsika nzvimbo dzavo dzakakwirira.”
Baraka zako ni nyingi, Israeli! Nani kama wewe, watu waliokombolewa na Yahwe, ngao ya msaada wako, na upanga wa utukufu wako? Maadui zako watakuja kwako kwa kutetemeka; utakanyanga sehemu zao zilizoinuka.

< Dhuteronomi 33 >