< Dhuteronomi 32 >

1 Inzwai, imi matenga, zvino ndichataura; inzwa, iwe nyika, mashoko omuromo wangu.
「天よ、耳を傾けよ、わたしは語る、地よ、わたしの口の言葉を聞け。
2 Regai dzidziso yangu inaye semvura uye mashoko angu ayerere sedova, sokupfunha pauswa hunyoro, semvura zhinji papfumvudza nyoro.
わたしの教は雨のように降りそそぎ、わたしの言葉は露のようにしたたるであろう。若草の上に降る小雨のように、青草の上にくだる夕立ちのように。
3 Ndichaparidza zita raJehovha. Haiwa, rumbidzai ukuru hwaMwari wedu!
わたしは主の名をのべよう、われわれの神に栄光を帰せよ。
4 Ndiye ibwe, mabasa ake akakwana, uye nzira dzake dzakarurama. Mwari akatendeka asina chaanotadza, akarurama uye ndowezvokwadi.
主は岩であって、そのみわざは全く、その道はみな正しい。主は真実なる神であって、偽りなく、義であって、正である。
5 Vakaita zvakaipa kwaari; vakazvinyadzisa uye havasisiri vana vake, asi vava rudzi rwakatsauka rwakakombama,
彼らは主にむかって悪を行い、そのきずのゆえに、もはや主の子らではなく、よこしまで、曲ったやからである。
6 Ko, iyi ndiyo nzira yamunoripira nayo Jehovha here, imi mapenzi navanhu vasina kuchenjera? Ko, haazi iye Baba wenyu, noMusiki wenyu here, akakuitai nokukuumbai?
愚かな知恵のない民よ、あなたがたはこのようにして主に報いるのか。主はあなたを生み、あなたを造り、あなたを堅く立てられたあなたの父ではないか。
7 Rangarira mazuva akare; ufunge marudzi akare kare. Ubvunze baba vako, uye vachakuudza, vakuru vako vachakutsanangurira.
いにしえの日を覚え、代々の年を思え。あなたの父に問え、彼はあなたに告げるであろう。長老たちに問え、彼らはあなたに語るであろう。
8 Wokumusoro-soro paakapa ndudzi nhaka, nguva yaakakamura marudzi ose, akaisira vanhu miganhu, zvichienderana nouwandu hwavanakomana veIsraeri.
いと高き者は人の子らを分け、諸国民にその嗣業を与えられたとき、イスラエルの子らの数に照して、もろもろの民の境を定められた。
9 Nokuti mugove waJehovha ndivo vanhu vake, Jakobho ndiyo nhaka yake yaakayererwa.
主の分はその民であって、ヤコブはその定められた嗣業である。
10 Akamuwana munyika yomurenje, musina chinhu, munotyisa. Akamudzivirira uye akamuchengeta; akamuchengetedza semboni yeziso rake,
主はこれを荒野の地で見いだし、獣のほえる荒れ地で会い、これを巡り囲んでいたわり、目のひとみのように守られた。
11 segondo rinogadziridza dendere raro nokuengerera pamusoro pavana varo, rinotambanudza mapapiro aro kuti rivagamhe, rovabereka pamapapiro aro.
わしがその巣のひなを呼び起し、その子の上に舞いかけり、その羽をひろげて彼らをのせ、そのつばさの上にこれを負うように、
12 Jehovha oga ndiye akamutungamirira; kwakanga kusina mwari wokumwe akanga anaye.
主はただひとりで彼を導かれて、ほかの神々はあずからなかった。
13 Akamuita kuti atasve panzvimbo dzakakwirira dzenyika uye akamupa zvibereko zveminda kuti adye. Akamusimbisa nouchi hwakabva padombo, uye namafuta akabva padombo romusarasara,
主は彼に地の高き所を乗り通らせ、田畑の産物を食わせ、岩の中から蜜を吸わせ、堅い岩から油を吸わせ、
14 noruomba nomukaka kubva pamombe namakwai uye namakwayana nembudzi zvakakodzwa, namakondobwe akaisvonaka eBhashani, netsanga dzakanakisisa dzegorosi. Akanwa furo reropa ramazambiringa.
牛の凝乳、羊の乳、小羊と雄羊の脂肪、バシャンの牛と雄やぎ、小麦の良い物を食わせられた。またあなたはぶどうのしるのあわ立つ酒を飲んだ。
15 Jeshuruni akazokora uye akapfura; aguta nezvokudya, akava mukobvu uye akava namafuta. Akasiya Mwari akamuita uye akaramba Ibwe, Muponesi wake.
しかるにエシュルンは肥え太って、足でけった。あなたは肥え太って、つややかになり、自分を造った神を捨て、救の岩を侮った。
16 Vakamuita kuti ave negodo nokuda kwavamwari vokumwe uye vakamutsamwisa nezviumbwa zvinonyangadza.
彼らはほかの神々に仕えて、主のねたみを起し、憎むべきおこないをもって主の怒りをひき起した。
17 Vakabayira kumadhimoni, asiri Mwari, vamwari vavakanga vasingazivi, vamwari vatsva vakanga vachangomuka, vamwari vakanga vasingazivikanwi namadzibaba enyu.
彼らは神でもない悪霊に犠牲をささげた。それは彼らがかつて知らなかった神々、近ごろ出た新しい神々、先祖たちの恐れることもしなかった者である。
18 Wakasiya Ibwe rakakubereka; wakakanganwa Mwari akakubereka.
あなたは自分を生んだ岩を軽んじ、自分を造った神を忘れた。
19 Jehovha akaona izvi akavaramba nokuti akanga atsamwiswa navakomana vake navanasikana vake.
主はこれを見、そのむすこ、娘を怒ってそれを捨てられた。
20 “Ndichavanza chiso changu kubva kwavari,” iye akadaro, “tigoona kuti magumo avo achazodii; nokuti rudzi rwakatsauka, vana vasina kutendeka.
そして言われた、『わたしはわたしの顔を彼らに隠そう。わたしは彼らの終りがどうなるかを見よう。彼らはそむき、もとるやから、真実のない子らである。
21 Vakamutsa godo rangu nokuda kwechinhu chisati chiri Mwari, vakanditsamwisa nokuda kwezviumbwa zvavo zvisina maturo. Ndichaita kuti vagodorwe navaya vasati vari vanhu; ndichavaita kuti vatsamwiswe norudzi rusinganzwisisi.
彼らは神でもない者をもって、わたしにねたみを起させ、偶像をもって、わたしを怒らせた。それゆえ、わたしは民ともいえない者をもって、彼らにねたみを起させ、愚かな民をもって、彼らを怒らせるであろう。
22 Nokuti moto watungidzwa nehasha dzangu, idzo dzinopisa kusvikira pasi pegomba rorufu. Dzichaparadza nyika nezvibereko zvayo uye dzichapisa nheyo dzamakomo. (Sheol h7585)
わたしの怒りによって、火は燃えいで、陰府の深みにまで燃え行き、地とその産物とを焼きつくし、山々の基を燃やすであろう。 (Sheol h7585)
23 “Ndichatutira njodzi pamusoro pavo uye ndichapedza miseve yangu ndichivapfura.
わたしは彼らの上に災を積みかさね、わたしの矢を彼らにむかって射つくすであろう。
24 Ndichatumira nzara inoondesa pamusoro pavo, nokuparadza kunopisa zvikuru nedenda rakaipisisa; ndichatumira meno ezvikara zvesango kwavari, uturu hwenyoka dzomuguruva.
彼らは飢えて、やせ衰え、熱病と悪い疫病によって滅びるであろう。わたしは彼らを獣の歯にかからせ、地に這うものの毒にあたらせるであろう。
25 Munzira munondo uchaparadza vana vavo vose; mudzimba dzavo vachagara vachivhundutswa. Majaya nemhandara vachaparadzwa, vacheche navatana vachaparadzwawo.
外にはつるぎ、内には恐れがあって、若き男も若き女も、乳のみ子も、しらがの人も滅びるであろう。
26 Ndakati ndichavaparadzira ndigodzima kurangarirwa kwavo kubva pakati pamarudzi,
わたしはまさに言おうとした、「彼らを遠く散らし、彼らの事を人々が記憶しないようにしよう」。
27 asi ndakazotya kutuka kwomuvengi, kuti vavengi vavo vasazozvinzwisisa uye vakazoti, ‘Ruoko rwedu rwatikundisa; haazi Jehovha akaita izvi zvose.’”
しかし、わたしは敵が誇るのを恐れる。あだびとはまちがえて言うであろう、「われわれの手が勝ちをえたのだ。これはみな主がされたことではない」』。
28 Nokuti ivo rudzi rusina mano, havagoni kunzvera pakati pavo.
彼らは思慮の欠けた民、そのうちには知識がない。
29 Dai chete vakanga vakachenjera uye dai vaizonzwisisa izvi nokunzvera kuti magumo avo achazova akaita sei!
もし、彼らに知恵があれば、これをさとり、その身の終りをわきまえたであろうに。
30 Ko, munhu mumwe chete angadzinga sei chiuru chavanhu, kana kuti vanhu vaviri vangaita kuti vanhu zviuru gumi vatize sei, kunze kwokunge Dombo ravo ravatengesa, kunze kwokunge Jehovha ari iye avaisa mumaoko avo?
彼らの岩が彼らを売らず、主が彼らをわたされなかったならば、どうして、ひとりで千人を追い、ふたりで万人を敗ることができたであろう。
31 Nokuti dombo ravo harina kufanana neDombo redu, sezvinofungwa navavengi vedu.
彼らの岩はわれらの岩に及ばない。われらの敵もこれを認めている。
32 Nokuti mazambiringa avo anobva pamizambiringa yeSodhomu nokuminda yeGomora. Mazambiringa avo azere nomuchetura, uye masumbu avo azere nokuvava.
彼らのぶどうの木は、ソドムのぶどうの木から出たもの、またゴモラの野から出たもの、そのぶどうは毒ぶどう、そのふさは苦い。
33 Waini yavo uturu hwenyoka, uturu hwakaipisisa hwemhakure.
そのぶどう酒はへびの毒のよう、まむしの恐ろしい毒のようである。
34 “Ko, handina kuchengeta izvi here, uye ndikazvipfigira mumatura angu?
これはわたしのもとにたくわえられ、わたしの倉に封じ込められているではないか。
35 Kutsiva ndokwangu; ndichatsiva. Nenguva yakafanira tsoka dzavo dzichatedzemuka; zuva renjodzi yavo rava pedyo uye kuparadzwa kwavo kunokurumidza kuuya pamusoro pavo.”
彼らの足がすべるとき、わたしはあだを返し、報いをするであろう。彼らの災の日は近く、彼らの破滅は、すみやかに来るであろう。
36 Jehovha achatonga vanhu vake uye achanzwira tsitsi varanda vake, paanoona simba ravo rapera uye pasina asara, akatapwa kana asina.
主はついにその民をさばき、そのしもべらにあわれみを加えられるであろう。これは彼らの力がうせ去り、つながれた者もつながれない者も、もはやいなくなったのを、主が見られるからである。
37 Achati, “Ko, zvino vamwari vavo varipiko, dombo ravakahwanda mariri,
そのとき主は言われるであろう、『彼らの神々はどこにいるか、彼らの頼みとした岩はどこにあるか。
38 vamwari vakadya mafuta ezvibayiro zvavo nokunwa waini yezvipiriso zvavo zvinonwiwa? Ngavasimuke kuti vakubatsirei! Ngavakupei pokuvanda!
彼らの犠牲のあぶらを食い、灌祭の酒を飲んだ者はどこにいるか。立ちあがってあなたがたを助けさせよ、あなたがたを守らせよ。
39 “Chionai zvino kuti ini pachangu ndini Iye! Hakuna mumwe Mwari kunze kwangu, ndinouraya uye ndinopa upenyu, ndakakuvadza uye ndichaporesa, uye hapana anogona kudzikinura muruoko rwangu.
今見よ、わたしこそは彼である。わたしのほかに神はない。わたしは殺し、また生かし、傷つけ、またいやす。わたしの手から救い出しうるものはない。
40 Ndinosimudza ruoko rwangu kudenga ndichiti: Zvirokwazvo, noupenyu hwangu husingaperi,
わたしは天にむかい手をあげて誓う、「わたしは永遠に生きる。
41 kana ndichirodza munondo wangu unopenya uye ruoko rwangu rwaubata mukutonga, ndichatsiva kuvavengi vangu uye ndigotsiva vaya vanondivenga.
わたしがきらめくつるぎをとぎ、手にさばきを握るとき、わたしは敵にあだを返し、わたしを憎む者に報復するであろう。
42 Ndichaita kuti miseve yangu idhakwe neropa ravo, uye munondo wangu uchadya nyama: ropa revakaurayiwa nevatapwa, nemisoro yavatungamiri vavavengi vangu.”
わたしの矢を血に酔わせ、わたしのつるぎに肉を食わせるであろう。殺された者と捕えられた者の血を飲ませ、敵の長髪の頭の肉を食わせるであろう」』。
43 Farai, imi ndudzi, navanhu vake, nokuti achatsiva ropa ravaranda vake; achatsiva kuvavengi vake agoyananisira nyika yake navanhu vake.
国々の民よ、主の民のために喜び歌え。主はそのしもべの血のために報復し、その敵にあだを返し、その民の地の汚れを清められるからである」。
44 Mozisi akauya naJoshua mwanakomana waNuni uye akataura kwaari mashoko ose aya orwiyo urwu vanhu vachinzwa.
モーセとヌンの子ヨシュアは共に行って、この歌の言葉を、ことごとく民に読み聞かせた。
45 Mozisi akati apedza kutaura mashoko ose aya kuvaIsraeri vose,
モーセはこの言葉を、ことごとくイスラエルのすべての人に告げ終って、
46 akati kwavari, “Isai mumwoyo menyu mashoko ose andakupupurirai nhasi, kuitira kuti mugozorayira vana venyu kuti vachenjerere kuita mashoko ose omurayiro uyu.
彼らに言った、「あなたがたはわたしが、きょう、あなたがたに命じるこのすべての言葉を心におさめ、子供たちにもこの律法のすべての言葉を守り行うことを命じなければならない。
47 Haasi mashoko asina maturo kwamuri, asi kuti ndihwo upenyu hwenyu. Namashoko aya muchararama mazuva mazhinji munyika yamuri kuyambuka Jorodhani kuti muitore.”
この言葉はあなたがたにとって、むなしい言葉ではない。これはあなたがたのいのちである。この言葉により、あなたがたはヨルダンを渡って行って取る地で、長く命を保つことができるであろう」。
48 Pazuva rimwe chetero Jehovha akataura kuna Mozisi akati,
この日、主はモーセに言われた、
49 “Kwira kumakomo eAbharimu uende mugomo reNebho muMoabhu, riri mhiri kweJeriko, ugoona nyika yeKenani, nyika yandiri kupa vaIsraeri kuti ive yavo.
「あなたはエリコに対するモアブの地にあるアバリム山すなわちネボ山に登り、わたしがイスラエルの人々に与えて獲させるカナンの地を見渡たせ。
50 Ipapo pagomo pauchakwira ndipo pauchafira uye ugova pamwe navanhu vako, sokufa kwakaita mukoma wako Aroni akafira paGomo reHori uye akava navanhu vake.
あなたは登って行くその山で死に、あなたの民に連なるであろう。あなたの兄弟アロンがホル山で死んでその民に連なったようになるであろう。
51 Izvi zvakaitika nokuti imi muri vaviri hamuna kutendeka kwandiri pamberi pavaIsraeri pamvura yeMeribha Kadheshi murenje reZini uye nokuti hamuna kusimudzira utsvene hwangu pakati pavaIsraeri.
これはあなたがたがチンの荒野にあるメリバテ・カデシの水のほとりで、イスラエルの人々のうちでわたしにそむき、イスラエルの人々のうちでわたしを聖なるものとして敬わなかったからである。
52 Naizvozvo, uchaona nyika iyi uri chinhambwe; asi haungapindi munyika yandiri kupa kuvanhu veIsraeri.”
それであなたはわたしがイスラエルの人々に与える地を、目の前に見るであろう。しかし、その地に、はいることはできない」。

< Dhuteronomi 32 >