< Dhuteronomi 30 >

1 Kana kuropafadzwa nokutukwa uku kwose kwandaisa pamberi penyu kwakuwirai uye mazviisa pamwoyo kwose kwamunoparadzirwa naJehovha Mwari wenyu pakati pendudzi,
わたしがあなたがたの前に述べたこのもろもろの祝福と、のろいの事があなたに臨み、あなたがあなたの神、主に追いやられたもろもろの国民のなかでこの事を心に考えて、
2 uye kana iwe navana vako ukadzokera kuna Jehovha Mwari wako ukamutereera nomwoyo wako wose nomweya wako wose maererano nezvose zvandakurayirai nhasi,
あなたもあなたの子供も共にあなたの神、主に立ち帰り、わたしが、きょう、命じるすべてのことにおいて、心をつくし、精神をつくして、主の声に聞き従うならば、
3 ipapo Jehovha Mwari wenyu achakudzorerai pfuma yenyu agokunzwirai tsitsi nokukuunganidzai kubva kundudzi dzose kwaakakuparadzirai.
あなたの神、主はあなたを再び栄えさせ、あなたをあわれみ、あなたの神、主はあなたを散らされた国々から再び集められるであろう。
4 Kunyange dai manga makarasirwa kunyika iri kure kwazvo pasi pedenga, kubva ikoko Jehovha Mwari wenyu achakuunganidzai uye agokudzosai.
たといあなたが天のはてに追いやられても、あなたの神、主はそこからあなたを集め、そこからあなたを連れ帰られるであろう。
5 Achakudzosai kunyika yamadzibaba enyu, uye muchaitora igova yenyu. Achakuitai kuti munyanyobudirira uye muwande kupfuura madzibaba enyu.
あなたの神、主はあなたの先祖が所有した地にあなたを帰らせ、あなたはそれを所有するに至るであろう。主はまたあなたを栄えさせ、数を増して先祖たちよりも多くされるであろう。
6 Jehovha Mwari wenyu achadzingisa mwoyo yenyu nemwoyo yezvizvarwa zvenyu, kuitira kuti mugomuda nomwoyo wenyu wose uye nomweya wenyu wose, mugorarama.
そしてあなたの神、主はあなたの心とあなたの子孫の心に割礼を施し、あなたをして、心をつくし、精神をつくしてあなたの神、主を愛させ、こうしてあなたに命を得させられるであろう。
7 Jehovha Mwari wenyu achaisa kutukwa uku kwose pamusoro pavavengi venyu vanokuvengai nokukutambudzai.
あなたの神、主はまた、あなたを迫害する敵と、あなたを憎む者とに、このもろもろののろいをこうむらせられるであろう。
8 Muchateererazve Jehovha uye muchatevera mirayiro yake yose yandiri kukupai nhasi.
しかし、あなたは再び主の声に聞き従い、わたしが、きょう、あなたに命じるすべての戒めを守るであろう。
9 Ipapo Jehovha Mwari wako achakupfumisa zvikuru mumabasa ose amaoko ako nechibereko chomuviri wako, nezvibereko zvezvipfuwo zvako uye nezvibereko zvevhu rako. Jehovha achafadzwazve newe agokupfumisa, sokufadzwa kwaakaitwa namadzibaba ako,
そうすればあなたの神、主はあなたのするすべてのことと、あなたの身から生れる者と、家畜の産むものと、地に産する物を豊かに与えて、あなたを栄えさせられるであろう。すなわち主はあなたの先祖たちを喜ばれたように再びあなたを喜んで、あなたを栄えさせられるであろう。
10 kana ukateerera Jehovha Mwari wako uye ukachengeta mirayiro yake nemitemo yake yakanyorwa mubhuku iri roMurayiro uye ukadzoka kuna Jehovha Mwari wako nomwoyo wako wose nomweya wako wose.
これはあなたが、あなたの神、主の声に聞きしたがい、この律法の書にしるされた戒めと定めとを守り、心をつくし、精神をつくしてあなたの神、主に帰するからである。
11 Zvino zvandiri kukurayirai nhasi hazvina kunyanya kukuomerai kana kuva kure nemi.
わたしが、きょう、あなたに命じるこの戒めは、むずかしいものではなく、また遠いものでもない。
12 Hauzi kudenga, zvokuti mungabvunza muchiti, “Ndiani achatikwirira kudenga kundoutora agotiparidzira kuti tiuite?”
これは天にあるのではないから、『だれがわれわれのために天に上り、それをわれわれのところへ持ってきて、われわれに聞かせ、行わせるであろうか』と言うに及ばない。
13 Kana kuti uri mhiri kwegungwa zvokuti mungabvunza muchiti, “Ndiani angatiyambukira mhiri kundotitorera kuti atiparidzire kuti tiuite.”
またこれは海のかなたにあるのではないから、『だれがわれわれのために海を渡って行き、それをわれわれのところへ携えてきて、われわれに聞かせ、行わせるであろうか』と言うに及ばない。
14 Kwete, shoko riri pedyo newe kwazvo; riri mumuromo mako nomumwoyo mako kuti uriite.
この言葉はあなたに、はなはだ近くあってあなたの口にあり、またあなたの心にあるから、あなたはこれを行うことができる。
15 Tarira, ndaisa pamberi pako nhasi upenyu noupfumi, uye rufu nokuparadzwa.
見よ、わたしは、きょう、命とさいわい、および死と災をあなたの前に置いた。
16 Nokuti ndinokurayira kuti ude Jehovha Mwari wako nhasi, kuti ufambe munzira dzake nguva dzose uye uchengete zvaakarayira, mitemo nemirayiro yake; ipapo uchararama ugowanda, uye Jehovha Mwari wako achakuropafadza munyika yauri kupinda kuti uitore.
すなわちわたしは、きょう、あなたにあなたの神、主を愛し、その道に歩み、その戒めと定めと、おきてとを守ることを命じる。それに従うならば、あなたは生きながらえ、その数は多くなるであろう。またあなたの神、主はあなたが行って取る地であなたを祝福されるであろう。
17 Asi kana mwoyo wako ukatsauka uye kana usingateereri, uye kana ukakwezvwa kuti undopfugamira vamwe vamwari ugovanamata,
しかし、もしあなたが心をそむけて聞き従わず、誘われて他の神々を拝み、それに仕えるならば、
18 ndinokuudza nhasi kuti uchaparadzwa zvirokwazvo. Haungararami kwenguva refu munyika yamuri kuyambuka Jorodhani kuti mupinde mugoitora.
わたしは、きょう、あなたがたに告げる。あなたがたは必ず滅びるであろう。あなたがたはヨルダンを渡り、はいって行って取る地でながく命を保つことができないであろう。
19 Nhasi uno ndinodana denga nenyika kuti zvikupupurirei kuti ndaisa pamberi penyu upenyu nerufu, maropafadzo nokutukwa. Zvino sarudza upenyu, kuitira kuti iwe navana vako mugorarama.
わたしは、きょう、天と地を呼んであなたがたに対する証人とする。わたしは命と死および祝福とのろいをあなたの前に置いた。あなたは命を選ばなければならない。そうすればあなたとあなたの子孫は生きながらえることができるであろう。
20 Uye ugoda Jehovha Mwari wako, uteerere inzwi rake, uye ugobatirira paari. Nokuti Jehovha ndiye upenyu hwako, uye achakupa makore mazhinji munyika yaakapika kuti achaipa kumadzibaba enyu Abhurahama, Isaka naJakobho.
すなわちあなたの神、主を愛して、その声を聞き、主につき従わなければならない。そうすればあなたは命を得、かつ長く命を保つことができ、主が先祖アブラハム、イサク、ヤコブに与えると誓われた地に住むことができるであろう」。

< Dhuteronomi 30 >