< Dhuteronomi 29 >

1 Aya ndiwo mashoko esungano akarayirwa Mozisi naJehovha kuti aaite navana veIsraeri munyika yeMoabhu, kupamhidzira pamusoro pesungano yaakaita navo paHorebhi.
οὗτοι οἱ λόγοι τῆς διαθήκης οὓς ἐνετείλατο κύριος Μωυσῇ στῆσαι τοῖς υἱοῖς Ισραηλ ἐν γῇ Μωαβ πλὴν τῆς διαθήκης ἧς διέθετο αὐτοῖς ἐν Χωρηβ
2 Mozisi akadana vaIsraeri vose akati kwavari: Meso enyu akaona zvose zvakaitwa naJehovha muIjipiti kuna Faro, namachinda ake ose uye nokunyika yake yose.
καὶ ἐκάλεσεν Μωυσῆς πάντας τοὺς υἱοὺς Ισραηλ καὶ εἶπεν πρὸς αὐτούς ὑμεῖς ἑωράκατε πάντα ὅσα ἐποίησεν κύριος ἐν γῇ Αἰγύπτῳ ἐνώπιον ὑμῶν Φαραω καὶ τοῖς θεράπουσιν αὐτοῦ καὶ πάσῃ τῇ γῇ αὐτοῦ
3 Nameso enyu chaiwo makaona miedzo iya mikuru, nezviratidzo nezvishamiso zviya zvikuru.
τοὺς πειρασμοὺς τοὺς μεγάλους οὓς ἑωράκασιν οἱ ὀφθαλμοί σου τὰ σημεῖα καὶ τὰ τέρατα τὰ μεγάλα ἐκεῖνα
4 Asi kusvikira nanhasi Jehovha haana kukupai pfungwa dzokunzwisisa kana meso okuona kana nzeve dzokunzwa.
καὶ οὐκ ἔδωκεν κύριος ὁ θεὸς ὑμῖν καρδίαν εἰδέναι καὶ ὀφθαλμοὺς βλέπειν καὶ ὦτα ἀκούειν ἕως τῆς ἡμέρας ταύτης
5 Pamakore makumi mana andakakutungamirirai nomurenje, nguo dzenyu hadzina kusakara, kunyange neshangu dzenyu dzamaiva makapfeka.
καὶ ἤγαγεν ὑμᾶς τεσσαράκοντα ἔτη ἐν τῇ ἐρήμῳ οὐκ ἐπαλαιώθη τὰ ἱμάτια ὑμῶν καὶ τὰ ὑποδήματα ὑμῶν οὐ κατετρίβη ἀπὸ τῶν ποδῶν ὑμῶν
6 Hamuna kudya chingwa kana kunwa waini kana zvimwe zvinodhaka. Ndakaita izvi kuti muzive kuti ndini Jehovha Mwari wenyu.
ἄρτον οὐκ ἐφάγετε οἶνον καὶ σικερα οὐκ ἐπίετε ἵνα γνῶτε ὅτι οὗτος κύριος ὁ θεὸς ὑμῶν
7 Pamakasvika panzvimbo ino, Sihoni mambo weHeshibhoni naOgi mambo weBhashani vakauya kuzotirwisa, asi takavakunda.
καὶ ἤλθετε ἕως τοῦ τόπου τούτου καὶ ἐξῆλθεν Σηων βασιλεὺς Εσεβων καὶ Ωγ βασιλεὺς τῆς Βασαν εἰς συνάντησιν ἡμῖν ἐν πολέμῳ καὶ ἐπατάξαμεν αὐτοὺς
8 Takatora nyika yavo tikaipa kuvaRubheni, navaGadhi nokuhafu yorudzi rwaManase kuti ive nhaka yavo.
καὶ ἐλάβομεν τὴν γῆν αὐτῶν καὶ ἔδωκα αὐτὴν ἐν κλήρῳ τῷ Ρουβην καὶ τῷ Γαδδι καὶ τῷ ἡμίσει φυλῆς Μανασση
9 Chenjerai kuti munyatsotevera mashoko esungano iyi kuitira kuti muzobudirira pazvinhu zvose zvamunoita.
καὶ φυλάξεσθε ποιεῖν πάντας τοὺς λόγους τῆς διαθήκης ταύτης ἵνα συνῆτε πάντα ὅσα ποιήσετε
10 Imi mose nhasi makamira pamberi paJehovha Mwari wenyu, vatungamiri venyu navarume vose veIsraeri,
ὑμεῖς ἑστήκατε πάντες σήμερον ἐναντίον κυρίου τοῦ θεοῦ ὑμῶν οἱ ἀρχίφυλοι ὑμῶν καὶ ἡ γερουσία ὑμῶν καὶ οἱ κριταὶ ὑμῶν καὶ οἱ γραμματοεισαγωγεῖς ὑμῶν πᾶς ἀνὴρ Ισραηλ
11 pamwe chete navana venyu navakadzi venyu, navatorwa vanogara pamisasa yenyu vanokutemerai huni dzenyu uye vanokukuchererai mvura.
αἱ γυναῖκες ὑμῶν καὶ τὰ ἔκγονα ὑμῶν καὶ ὁ προσήλυτος ὁ ἐν μέσῳ τῆς παρεμβολῆς ὑμῶν ἀπὸ ξυλοκόπου ὑμῶν καὶ ἕως ὑδροφόρου ὑμῶν
12 Makamira pano kuti muite sungano naJehovha Mwari wenyu, sungano iyo Jehovha ari kuita nemi nhasi achiisimbisa nemhiko,
παρελθεῖν ἐν τῇ διαθήκῃ κυρίου τοῦ θεοῦ σου καὶ ἐν ταῖς ἀραῖς αὐτοῦ ὅσα κύριος ὁ θεός σου διατίθεται πρὸς σὲ σήμερον
13 kuti akusimbisei nhasi savanhu vake, kuti ave Mwari wenyu sezvaakavimbisa uye sezvaakapika kumadzibaba enyu, Abhurahama, naIsaka, naJakobho.
ἵνα στήσῃ σε αὐτῷ εἰς λαόν καὶ αὐτὸς ἔσται σου θεός ὃν τρόπον εἶπέν σοι καὶ ὃν τρόπον ὤμοσεν τοῖς πατράσιν σου Αβρααμ καὶ Ισαακ καὶ Ιακωβ
14 Ndiri kuita sungano iyi, nemhiko yacho, kwete nemi chete,
καὶ οὐχ ὑμῖν μόνοις ἐγὼ διατίθεμαι τὴν διαθήκην ταύτην καὶ τὴν ἀρὰν ταύτην
15 imi makamira nesu pano nhasi uno pamberi paJehovha Mwari wedu, asi navayawo vasiri pano nhasi.
ἀλλὰ καὶ τοῖς ὧδε οὖσι μεθ’ ἡμῶν σήμερον ἐναντίον κυρίου τοῦ θεοῦ ὑμῶν καὶ τοῖς μὴ οὖσιν μεθ’ ἡμῶν ὧδε σήμερον
16 Imi pachenyu munoziva magariro atakaita muIjipiti uye namapfuuriro atakaita nomunyika dzatakafamba nemadziri parwendo kusvikira tasvika pano.
ὅτι ὑμεῖς οἴδατε ὡς κατῳκήσαμεν ἐν γῇ Αἰγύπτῳ καὶ παρήλθομεν ἐν μέσῳ τῶν ἐθνῶν οὓς παρήλθετε
17 Makaona pakati padzo zvifananidzo nezviumbwa zvinonyangadza zvamatanda namabwe, zvesirivha negoridhe.
καὶ εἴδετε τὰ βδελύγματα αὐτῶν καὶ τὰ εἴδωλα αὐτῶν ξύλον καὶ λίθον ἀργύριον καὶ χρυσίον ἅ ἐστιν παρ’ αὐτοῖς
18 Muchenjerere kuti parege kuva nomurume kana mukadzi, mhuri kana rudzi pakati penyu nhasi vano mwoyo unotsauka kubva kuna Jehovha Mwari wenyu kuti vaende vachindonamata vamwari vendudzi idzodzo; chenjererai kuti pakati penyu parege kuva nomudzi unobereka muchetura unovava kudaro.
μή τίς ἐστιν ἐν ὑμῖν ἀνὴρ ἢ γυνὴ ἢ πατριὰ ἢ φυλή τίνος ἡ διάνοια ἐξέκλινεν ἀπὸ κυρίου τοῦ θεοῦ ὑμῶν πορεύεσθαι λατρεύειν τοῖς θεοῖς τῶν ἐθνῶν ἐκείνων μή τίς ἐστιν ἐν ὑμῖν ῥίζα ἄνω φύουσα ἐν χολῇ καὶ πικρίᾳ
19 Kana munhu akadaro akanzwa mashoko emhiko iyi, anozviropafadza uye naizvozvo agofunga kuti, “Ndichava norugare, kunyange ndikaramba ndichifamba nenzira yangu.” Izvi zvichauyisa njodzi panyika nyoro uye napanyika yakaoma.
καὶ ἔσται ἐὰν ἀκούσῃ τὰ ῥήματα τῆς ἀρᾶς ταύτης καὶ ἐπιφημίσηται ἐν τῇ καρδίᾳ αὐτοῦ λέγων ὅσιά μοι γένοιτο ὅτι ἐν τῇ ἀποπλανήσει τῆς καρδίας μου πορεύσομαι ἵνα μὴ συναπολέσῃ ὁ ἁμαρτωλὸς τὸν ἀναμάρτητον
20 Jehovha haazombodi kumukanganwira; hasha dzake neshungu dzake zvichapisa pamusoro pomunhu uyo. Kutukwa kwose kwakanyorwa mubhuku iri kuchawira pamusoro pake, uye Jehovha achadzima zita rake kubva pasi pedenga.
οὐ μὴ θελήσῃ ὁ θεὸς εὐιλατεῦσαι αὐτῷ ἀλλ’ ἢ τότε ἐκκαυθήσεται ὀργὴ κυρίου καὶ ὁ ζῆλος αὐτοῦ ἐν τῷ ἀνθρώπῳ ἐκείνῳ καὶ κολληθήσονται ἐν αὐτῷ πᾶσαι αἱ ἀραὶ τῆς διαθήκης ταύτης αἱ γεγραμμέναι ἐν τῷ βιβλίῳ τοῦ νόμου τούτου καὶ ἐξαλείψει κύριος τὸ ὄνομα αὐτοῦ ἐκ τῆς ὑπὸ τὸν οὐρανόν
21 Jehovha achamutsaura iye ari oga kubva pamarudzi ose eIsraeri kuti amuise panjodzi, maererano nokutukwa kwose kwakanyorwa mubhuku iri romurayiro.
καὶ διαστελεῖ αὐτὸν κύριος εἰς κακὰ ἐκ πάντων τῶν υἱῶν Ισραηλ κατὰ πάσας τὰς ἀρὰς τῆς διαθήκης τὰς γεγραμμένας ἐν τῷ βιβλίῳ τοῦ νόμου τούτου
22 Vana venyu, ivo zvizvarwa zvichazokuteverai uye navatorwa vachauya kubva kunyika dziri kure pavachazoona matambudziko achawira nyika uye nezvirwere zvaicharohwa nazvo naJehovha.
καὶ ἐροῦσιν ἡ γενεὰ ἡ ἑτέρα οἱ υἱοὶ ὑμῶν οἳ ἀναστήσονται μεθ’ ὑμᾶς καὶ ὁ ἀλλότριος ὃς ἂν ἔλθῃ ἐκ γῆς μακρόθεν καὶ ὄψονται τὰς πληγὰς τῆς γῆς ἐκείνης καὶ τὰς νόσους αὐτῆς ἃς ἀπέστειλεν κύριος ἐπ’ αὐτήν
23 Nyika yose inenge ichitsva nokuparadzwa nomunyu nesafuri, pasina zvakadyarwa, pasina zvinomeramo, pasina uswa nemiti zvinokuramo. Zvichaita sokuparadzwa kweSodhomu neGomora kana kuparadzwa kweAdhama neZebhoimi, idzo Jehovha akaparadza mukutsamwa kwake kunotyisa.
θεῖον καὶ ἅλα κατακεκαυμένον πᾶσα ἡ γῆ αὐτῆς οὐ σπαρήσεται οὐδὲ ἀνατελεῖ οὐδὲ μὴ ἀναβῇ ἐπ’ αὐτὴν πᾶν χλωρόν ὥσπερ κατεστράφη Σοδομα καὶ Γομορρα Αδαμα καὶ Σεβωιμ ἃς κατέστρεψεν κύριος ἐν θυμῷ καὶ ὀργῇ
24 Ndudzi dzose dzichabvunza dzichiti, “Ko, sei Jehovha akaita izvi kunyika iyi. Sei akatsamwa zvinotyisa kudai?”
καὶ ἐροῦσιν πάντα τὰ ἔθνη διὰ τί ἐποίησεν κύριος οὕτως τῇ γῇ ταύτῃ τίς ὁ θυμὸς τῆς ὀργῆς ὁ μέγας οὗτος
25 Zvino mhinduro yacho ichava yokuti, “Nemhaka yokuti vanhu vake vakasiya sungano yaJehovha, iye Mwari wamadzibaba avo, sungano yaakaita navo paakavabudisa kubva muIjipiti.
καὶ ἐροῦσιν ὅτι κατελίποσαν τὴν διαθήκην κυρίου τοῦ θεοῦ τῶν πατέρων αὐτῶν ἃ διέθετο τοῖς πατράσιν αὐτῶν ὅτε ἐξήγαγεν αὐτοὺς ἐκ γῆς Αἰγύπτου
26 Vakabva vakaenda vakandonamata vamwe vamwari uye vakavapfugamira, vamwari vavakanga vasingazivi, vamwari vaakanga asina kuvapa.
καὶ πορευθέντες ἐλάτρευσαν θεοῖς ἑτέροις καὶ προσεκύνησαν αὐτοῖς οἷς οὐκ ἠπίσταντο οὐδὲ διένειμεν αὐτοῖς
27 Naizvozvo kutsamwa kwaJehovha kwakapisa pamusoro penyika iyi, zvokuti akauyisa pamusoro payo kutukwa kwose kwakanyorwa mubhuku iri.
καὶ ὠργίσθη θυμῷ κύριος ἐπὶ τὴν γῆν ἐκείνην ἐπαγαγεῖν ἐπ’ αὐτὴν κατὰ πάσας τὰς κατάρας τὰς γεγραμμένας ἐν τῷ βιβλίῳ τοῦ νόμου τούτου
28 Mukutsamwa kunotyisa nehasha huru Jehovha akavadzura kubva munyika yavo akavarasira kune imwe nyika sezvazvakaita iye zvino.”
καὶ ἐξῆρεν αὐτοὺς κύριος ἀπὸ τῆς γῆς αὐτῶν ἐν θυμῷ καὶ ὀργῇ καὶ παροξυσμῷ μεγάλῳ σφόδρα καὶ ἐξέβαλεν αὐτοὺς εἰς γῆν ἑτέραν ὡσεὶ νῦν
29 Zvinhu zvakavanzika ndezvaJehovha Mwari wedu, asi zvinhu zvakaratidzwa ndezvedu isu navana vedu nokusingaperi, kuti tigotevera mashoko ose omurayiro uyu.
τὰ κρυπτὰ κυρίῳ τῷ θεῷ ἡμῶν τὰ δὲ φανερὰ ἡμῖν καὶ τοῖς τέκνοις ἡμῶν εἰς τὸν αἰῶνα ποιεῖν πάντα τὰ ῥήματα τοῦ νόμου τούτου

< Dhuteronomi 29 >