< Dhuteronomi 27 >

1 Zvino Mozisi navakuru veIsraeri vakarayira vanhu vachiti, “Chengetai mirayiro iyi yose yandinokupai nhasi.
モーセ、イスラエルの長老等とともにありて民に命じて曰ふ我が今日なんぢらに命ずるこの誡命を汝ら全く守るべし
2 Kana muchinge mayambuka Jorodhani muchipinda munyika yamuri kupiwa naJehovha Mwari wenyu, munofanira kumisa mabwe makuru mugoapenda nesuko.
汝らヨルダンを濟り汝の神ヱホバが汝に與へたまふ地にいる時は大なる石數箇を立て石灰をその上に塗り
3 Mugonyora pamusoro pawo mashoko ose nomurayiro uyu kana muchinge mayambuka mhiri kuti mupinde munyika yamuri kupiwa naJehovha Mwari wenyu, nyika inoyerera mukaka nouchi, sezvamakavimbiswa naJehovha, iye Mwari wamadzibaba enyu.
旣に濟りて後この律法の諸の言語をその上に書すべし然すれば汝の神ヱホバの汝にたまふ地なる乳と蜜の流るる國に汝いるを得ること汝の先祖等の神ヱホバの汝に言たまひしごとくならん
4 Zvino kana muchinge mayambuka Jorodhani, misai mabwe aya paGomo reEbhari, sezvandakurayirai nhasi, mugoapenda nesuko.
即ち汝らヨルダンを濟るにおよばば我が今日なんぢらに命ずるその石をエバル山に立て石灰をその上に塗べし
5 Muvake aritari yaJehovha Mwari wenyu ipapo, aritari yamabwe. Musashandisa simbi pakumisa mabwe aya.
また其處に汝の神ヱホバのために石の壇一座を築くべし但し之を築くには鐵の器を用ゐるべからず
6 Muvake aritari yaJehovha Mwari wenyu namabwe asina kuvezwa uye mugobayirapo kuna Jehovha Mwari wenyu zvipiriso zvinopiswa.
汝新石をもて汝の神ヱホバのその壇を築きその上にて汝の神ヱホバに燔祭を献ぐべし
7 Mubayire zvipiriso zvokuwadzana ipapo, muzvidye muchipembera pamberi paJehovha Mwari wenyu.
汝また彼處にて酬恩祭を獻げその物を食ひて汝の神ヱホバの前に樂むべし
8 Uye munofanira kunyora mashoko aya ose omurayiro pamabwe amakamisa aya zvinonyatsoonekwa.”
汝この律法の諸の言語をその石の上に明白に書すべし
9 Ipapo Mozisi navaprista vanova vaRevhi, vakataura kuvaIsraeri vose vakati, “Nyararai imi Israeri, uye muteerere! Iye zvino mava rudzi rwaJehovha Mwari wenyu.
モーセまた祭司たるレビ人とともにイスラエルの全家に告て曰ふイスラエルよ謹みて聽け汝は今日汝の神ヱホバの民となれり
10 Naizvozvo teererai Jehovha Mwari wenyu uye mugotevera mirayiro nemitemo yandinokupai nhasi.”
然ば汝の神ヱホバの聲に聽從ひ我が今日汝に命ずる之が誡命と法度をおこなふべし
11 Pazuva rimwe chetero Mozisi akarayira vanhu achiti:
その日にモーセまた民に命じて言ふ
12 Kana muchinge mayambuka Jorodhani, aya ndiwo marudzi anofanira kundomira pamusoro peGomo reGerizimu kuti varopafadze vanhu: Simeoni, Revhi, Judha, Isakari, Josefa naBhenjamini.
汝らがヨルダンを渡りし後是らの者ゲリジム山にたちて民を祝すべし即ちシメオン、レビ、ユダ、イツサカル、ヨセフおよびベニヤミン
13 Uye marudzi aya ndiwo achamira paGomo reEbhari kuti vadanidzire kutuka: Rubheni, Gadhi, Asheri, Zebhuruni, Dhani, naNafutari.
また是らの者はエバル山にたちて呪詛ことをすべし即ちルベン、ガド、アセル、ゼブルン、ダンおよびナフタリ
14 VaRevhi vachataura kuvanhu vose veIsraeri nenzwi guru vachiti:
レビ人大聲にてイスラエルの人々に告て言べし
15 “Ngaatukwe munhu anoita chifananidzo chakavezwa kana chakaumbwa, chinhu chinonyangadza Jehovha, basa ramaoko emhizha, uye agochimisa pakavanzwa.”
偶像は工人の手の作にしてヱホバの憎みたまふ者なれば凡てこれを刻みまたは鋳造りて密に安置く人は詛はるべしと民みな對へてアーメンといふべし
16 “Ngaatukwe munhu anozvidza baba kana mai vake.”
その父母を軽んずる者は詛はるべし民みな對てアーメンといふべし
17 “Ngaatukwe munhu anoshandura muganhu womuvakidzani wake.”
その鄰の地界を侵す者は詛はるべし民みな對へてアーメンといふべし
18 “Ngaatukwe munhu anotsausa bofu panzira.”
盲者をして路に迷はしむる者は詛はるべし民みな對へてアーメンといふべし
19 “Ngaatukwe munhu anorega kururamisira mutorwa, nherera kana chirikadzi.”
客旅孤子および寡婦の審判を枉る者は詛はるべし民みな對へてアーメンといふべし
20 “Ngaatukwe munhu anovata nomukadzi wababa vake, nokuti azvidza nhoo yababa vake.”
その父の妻と寝る者はその父を辱しむるなれば詛はるべし民みな對へてアーメンといふべし
21 “Ngaatukwe munhu anovata nemhuka ipi zvayo.”
凡て獣畜と交る者は詛はるべし民みな對へてアーメンといふべし
22 “Ngaatukwe munhu anovata nehanzvadzi yake, mwanasikana wababa vake, kana mwanasikana wamai vake.”
その父の女子またはその母の女子たる己の姉妹と寝る者は詛はるべし民みな對へてアーメンとふべし
23 “Ngaatukwe munhu anovata namai vomukadzi wake.”
その妻の母と寝る者は詛はるべし民みな對へてアーメンといふべし
24 “Ngaatukwe munhu anouraya muvakidzani pakavanda.”
暗の中にその鄰を撃つ者は詛はるべし民みな對へてアーメンといふべし
25 “Ngaatukwe munhu anogamuchira fufuro kuti auraye munhu asina mhosva.”
報酬をうけて無辜者を殺してその血を流す者は詛はるべし民みな對へてアーメンといふべし
26 “Ngaatukwe munhu asingasimbisi mashoko omurayiro uyu nokuaita.”
この律法の言を守りて行はざる者は詛はるべし民みな對へてアーメンといふべし

< Dhuteronomi 27 >