< Dhuteronomi 24 >

1 Kana murume akawana mukadzi akasafadzwa naye nokuti awana chinhu chisina kufanira paari, akamupa rugwaro rwokumuramba, uye akamudzinga kubva mumba make,
When a man takes a wife and marries her, if she finds no favor in his eyes because he has found some unsuitable thing in her, then he must write her a certificate of divorce, put it into her hand, and send her out of his house.
2 uye kana mushure mokunge abva mumba make akandowanikwa nomumwe murume,
When she has gone out of his house, she may go and be another man's wife.
3 uye murume wake wechipiri akasamufarira, akamupa rugwaro rwokumuramba, uye akamudzinga kubva mumba make, kana kuti murume uyu akafa,
If the second husband hates her and writes her a certificate of divorce, puts it into her hand, and sends her out of his house; or if the second husband dies, the man who took her to be his wife—
4 ipapo murume wake wokutanga, akambomuramba, haabvumirwi kumuwana zvakare mushure mokunge asvibiswa. Izvozvo zvinonyangadza pamberi paJehovha. Musauyisa chivi pamusoro penyika yamuri kupiwa naJehovha Mwari wenyu senhaka.
then her former husband, the one who had first sent her away, may not take her again to be his wife, after she has become impure; for that would be an abomination to Yahweh. You must not cause the land to become guilty, the land that Yahweh your God is giving you as an inheritance.
5 Kana murume achangobva kuwana, haafaniri kuendeswa kuhondo kana kupiwa rimwe basa zvaro rokuita. Kwegore rimwe chete anofanira kusununguka kuti agare pamba agofadza mukadzi wake waakawana.
When a man takes a new wife, he will not go to war with the army, neither may he be commanded to go on any forced duty; he will be free to be at home for one year and will cheer his wife whom he has taken.
6 Usatora guyo kana huyo sorubatso rwechikwereti, nokuti unenge watora zvinoraramisa munhu sorubatso.
No man may take a mill or an upper millstone as a pledge, for that would be taking a person's life as a pledge.
7 Kana munhu akawanikwa achitapa hama yake yomuIsraeri uye achimubata senhapwa kana kumutengesa, nyakubata munhu anofanira kufa. Munofanira kubvisa chakaipa pakati penyu.
If a man is found kidnapping any of his brothers from among the people of Israel, and treats him as a slave and sells him, that thief must die; and you will remove the evil from among you.
8 Muchenjere kwazvo pachirwere chamaperembudzi kuti muite chaizvoizvo zvamakarayirwa navaprista vanova vaRevhi. Munofanira kuchenjerera kutevera zvandakavarayira.
Take heed regarding any plague of leprosy, so that you carefully observe and follow every instruction given to you which the priests, the Levites, teach you; as I commanded them, so you will act.
9 Murangarire zvakaitwa naJehovha Mwari wenyu kuna Miriamu panzira mushure mokunge mabuda muIjipiti.
Call to mind what Yahweh your God did to Miriam as you were coming out of Egypt.
10 Kana ukakweretesa chinhu chipi zvacho kumuvakidzani wako, usapinda mumba momuvakidzani wako kundotora zvaari kukupa sorubatso.
When you make your neighbor any kind of loan, you must not go into his house to fetch his pledge.
11 Gara panze urege munhu wauri kupa chikwereti akuvigire rubatso.
You will stand outside, and the man to whom you have lent will bring the pledge outside to you.
12 Kana munhu uyu ari murombo, usaende kundovata une rubatso rwake.
If he is a poor man, you must not sleep with his pledge in your possession.
13 Dzosera jasi rake kwaari pakuvira kwezuva kuti agovata mariri. Ipapo achakutenda, uye zvigoonekwa sokuita kwakarurama pamberi paJehovha Mwari wako.
You must surely restore to him the pledge by the time the sun goes down, so that he may sleep in his cloak and bless you; it will be righteousness for you before Yahweh your God.
14 Usamanikidza mushandi wako kana ari murombo kana munhu anoshayiwa, hazvinei kuti ihama yako muIsraeri kana kuti mutorwa anogara mune rimwe ramaguta enyu.
You must not oppress a hired servant who is poor and needy, whether he is of your fellow Israelites, or of the foreigners who are in your land within your city gates;
15 Mupe mubayiro wake zuva risati ravira, nokuti iye murombo akatotarirawo pamugove wake. Nokuti angazochema kuna Jehovha pamusoro pako, uye uchazova nemhosva yokutadza.
Each day you must give him his wage; the sun must not go down on this unsettled matter, for he is poor and is counting on it. Do this so that he does not cry out against you to Yahweh, and so that it not be a sin that you have committed.
16 Madzibaba haafaniri kuurayiwa nokuda kwevana vavo, kana vana kuurayiwa nokuda kwamadzibaba avo; mumwe nomumwe achafira chivi chake.
The parents must not be put to death for their children, neither must the children be put to death for their parents. Instead, everyone must be put to death for his own sin.
17 Usarega kururamisira mutorwa kana nherera, uye usatora nguo yechirikadzi sorubatso.
You must not use force to take away the justice that is due the foreigner or the fatherless, nor take the widow's cloak as a pledge.
18 Murangarire kuti maimbova varanda muIjipiti uye Jehovha Mwari wenyu akakudzikinurai kubva ikoko. Ndokusaka ndichikurayirai kuti muite izvi.
Instead, you must call to mind that you were a slave in Egypt, and that Yahweh your God rescued you from there. Therefore I instruct you to obey this command.
19 Kana uchikohwa munda wako ukakanganwa chisote, usachidzokera kundochitora. Chisiyire mutorwa, nherera kana chirikadzi, kuitira kuti Jehovha Mwari wako agokuropafadza mumabasa ose amaoko ako.
When you reap your harvest in your field, and if you have forgotten an omer of grain in the field, you must not go back to get it; it must be for the foreigner, for the fatherless, or for the widow, so that Yahweh your God may bless you in all the work of your hands.
20 Kana wazunza miti yako yamaorivhi, usandozunzazve rwechipiri. Siyira asara kumutorwa, nherera nechirikadzi.
When you shake your olive tree, you must not go over the branches again; it will be for the foreigner, for the fatherless, or for the widow.
21 Kana uchikohwa mazambiringa mumunda wako womuzambiringa, usadzokorora kukohwa. Siyira zvinosara kumutorwa, nherera nechirikadzi.
When you gather the grapes of your vineyard, you must not glean it again. What is left over will be for the foreigner, for the fatherless, and for the widow.
22 Murangarire kuti maiva varanda muIjipiti. Ndokusaka ndichikurayirai kuti muite izvi.
You must call to mind that you were a slave in the land of Egypt; therefore I instruct you to obey this command.

< Dhuteronomi 24 >