< Dhuteronomi 23 >

1 Hapana murume akakuvadzwa manhu ake kana kubviswa nhengo yake achapinda paungano yaJehovha.
“凡外肾受伤的,或被阉割的,不可入耶和华的会。
2 Hapana munhu akaberekwa noupombwe, kana vana vake, anofanira kupinda paungano yaJehovha, kusvikira kuchizvarwa chegumi.
“私生子不可入耶和华的会;他的子孙,直到十代,也不可入耶和华的会。
3 Hapana muAmoni kana muMoabhu, kana munhu upi worudzi rwake anofanira kupinda paungano yaJehovha, kusvikira kuchizvarwa chegumi.
“亚扪人或是摩押人不可入耶和华的会;他们的子孙,虽过十代,也永不可入耶和华的会。
4 Nokuti havana kuuya kuzokuchingamidzai nechingwa nemvura parwendo rwenyu pamakabuda kubva muIjipiti, uye vakaripa Bharamu mwanakomana waBheori wePetori muAramu Naharaimu kuti akutukei.
因为你们出埃及的时候,他们没有拿食物和水在路上迎接你们,又因他们雇了美索不达米亚的毗夺人比珥的儿子巴兰来咒诅你们。
5 Asi, Jehovha Mwari wenyu haana kuteerera Bharamu asi akashandura kutuka akakuropafadzai, nokuti Jehovha Mwari wenyu anokudai.
然而耶和华—你的 神不肯听从巴兰,却使那咒诅的言语变为祝福的话,因为耶和华—你的 神爱你。
6 Usatsvaka rugare kana ushamwari navo mazuva ose oupenyu hwako!
你一生一世永不可求他们的平安和他们的利益。
7 Haufaniri kusema muEdhomu, nokuti ihama yako. Usasema muIjipita nokuti wakagara somutorwa munyika yake.
“不可憎恶以东人,因为他是你的弟兄。不可憎恶埃及人,因为你在他的地上作过寄居的。
8 Rudzi rwechitatu rwavana vake runogona harwo kupinda paungano yaJehovha.
他们第三代子孙可以入耶和华的会。”
9 Kana muchinge maungana kuti murwe navavengi venyu, zvichengetedzei kubva pazvinhu zvose zvakaipa.
“你出兵攻打仇敌,就要远避诸恶。
10 Kana mumwe wavarume venyu asina kuchena nokuda kwokuti akazvirotera usiku, anofanira kubuda kunze kwomusasa agareko.
“你们中间,若有人夜间偶然梦遗,不洁净,就要出到营外,不可入营;
11 Asi kana ava madekwana anofanira kuzvigeza, uye pakuvira kwezuva ngaapinde zvake mumusasa.
到傍晚的时候,他要用水洗澡,及至日落了才可以入营。
12 Munofanira kuva nenzvimbo kunze kwomusasa kwamunofanira kuenda muchinozvibatsira.
“你在营外也该定出一个地方作为便所。
13 Sezvo panhumbi dzenyu dzokurwa nadzo paine zvokucheresa, zvino kana uchinge wapedza kuzvibatsira, unofanira kufushira gomba rawazvibatsira.
在你器械之中当预备一把锹,你出营外便溺以后,用以铲土,转身掩盖。
14 Nokuti Jehovha Mwari wako anofamba-famba pamusasa wenyu achikuchengetedzai nokukurwirai kubva kuvavengi venyu. Musasa wenyu unofanira kuva mutsvene, kuitira kuti arege kuona zvisakarurama pakati penyu uye akazokufuratirai.
因为耶和华—你的 神常在你营中行走,要救护你,将仇敌交给你,所以你的营理当圣洁,免得他见你那里有污秽,就离开你。”
15 Kana muranda atizira kwauri, usamudzosera kuna tenzi wake.
“若有奴仆脱了主人的手,逃到你那里,你不可将他交付他的主人。
16 Murege agare pakati penyu paanoda hake uye muguta ripi raachasarudza. Usamumanikidza.
他必在你那里与你同住,在你的城邑中,要由他选择一个所喜悦的地方居住;你不可欺负他。
17 Hakuna muIsraeri, murume kana mukadzi achava mhombwe.
“以色列的女子中不可有妓女;以色列的男子中不可有娈童。
18 Hamufaniri kuuya nomubayiro wechifeve kana wemhombwe mumba maJehovha Mwari wenyu kuti mupike nawo. Nokuti zvose izvi zviri zviviri zvinonyangadza Jehovha Mwari wenyu.
娼妓所得的钱,或娈童所得的价,你不可带入耶和华—你 神的殿还愿,因为这两样都是耶和华—你 神所憎恶的。
19 Usaripisa hama yako mhindu, ingava yemari kana zvokudya kana chinhu chipi zvacho chaungawane mhindu kubva pachiri.
“你借给你弟兄的,或是钱财或是粮食,无论什么可生利的物,都不可取利。
20 Ungaripisa zvako mutorwa mhindu, asi kwete hama yako muIsraeri, kuitira kuti Jehovha Mwari wako akuropafadze pane zvose zvaungabate noruoko rwako munyika yauri kupinda kuti ive yenyu.
借给外邦人可以取利,只是借给你弟兄不可取利。这样,耶和华—你 神必在你所去得为业的地上和你手里所办的一切事上赐福与你。
21 Kana ukaita mhiko pamberi paJehovha Mwari wako, usanonoka kuiripa, nokuti Jehovha Mwari wako zvirokwazvo achaibvunza kwauri uye uchava nemhosva yechivi.
“你向耶和华—你的 神许愿,偿还不可迟延;因为耶和华—你的 神必定向你追讨,你不偿还就有罪。
22 Asi kana ukarega kuita mhiko, haungavi nemhosva.
你若不许愿,倒无罪。
23 Uchenjerere kuti uite zvose zvaunotaura nomuromo wako, nokuti wakaita mhiko nokuda kwako kuna Jehovha Mwari wako nomuromo wako.
你嘴里所出的,就是你口中应许甘心所献的,要照你向耶和华—你 神所许的愿谨守遵行。
24 Kana ukapinda mumunda womuzambiringa womuvakidzani wako, ungadya mazambiringa ose aunoda asi haufaniri kuisa mamwe mudengu rako.
“你进了邻舍的葡萄园,可以随意吃饱了葡萄,只是不可装在器皿中。
25 Kana ukapinda mumunda wezviyo womuvakidzani wako, ungavhuna hako hura noruoko rwako, asi haufaniri kucheka zviyo zvake nejeko.
你进了邻舍站着的禾稼,可以用手摘穗子,只是不可用镰刀割取禾稼。”

< Dhuteronomi 23 >