< Dhuteronomi 17 >
1 Musabayira Jehovha Mwari wenyu mombe kana gwai rine chakaipa pariri kana rakaremara, nokuti izvozvo zvinomunyangadza.
「凡有殘疾,或有甚麼惡病的牛羊,你都不可獻給耶和華-你的上帝,因為這是耶和華-你上帝所憎惡的。
2 Kana pakati penyu mune rimwe ramaguta amuri kupiwa naJehovha pakawanikwa murume kana mukadzi achiita zvakaipa pamberi paJehovha Mwari wenyu, achiputsa sungano,
「在你們中間,在耶和華-你上帝所賜你的諸城中,無論哪座城裏,若有人,或男或女,行耶和華-你上帝眼中看為惡的事,違背了他的約,
3 uye akapesana nomurayiro wangu anamata vamwe vamwari, achivapfugamira kana kupfugamira zuva kana mwedzi kana nyeredzi dzokudenga,
去事奉敬拜別神,或拜日頭,或拜月亮,或拜天象,是主不曾吩咐的;
4 uye izvi zvaziviswa kwamuri, ipapo munofanira kunyatsozvibvunzisisa kwazvo. Kana chiri chokwadi uye zvanyatsoonekwa kuti chinhu ichi chinonyangadza chakaitwa muIsraeri,
有人告訴你,你也聽見了,就要細細地探聽,果然是真,準有這可憎惡的事行在以色列中,
5 torai murume uyu kana mukadzi uyu akaita chinhu ichi chakaipa muende naye kusuo reguta renyu mugomutaka namabwe afe.
你就要將行這惡事的男人或女人拉到城門外,用石頭將他打死。
6 Nokupupura kwezvapupu zviviri kana zvitatu munhu achaurayiwa, asi hapana munhu anofanira kuurayiwa nokupupura kwechapupu chimwe chete.
要憑兩三個人的口作見證將那當死的人治死;不可憑一個人的口作見證將他治死。
7 Maoko ezvapupu ndiwo anofanira kutanga pakumuuraya, zvino pashure maoko avanhu vose. Munofanira kubvisa chakaipa pakati penyu.
見證人要先下手,然後眾民也下手將他治死。這樣,就把那惡從你們中間除掉。
8 Kana mhaka dzikauya kumatare enyu dzakanyanya kukuomerai kuti mutonge, dzingava dzokudeurwa kweropa, dzokuendesana kumatare kana dzokurwa, endai nadzo kunzvimbo iyo Jehovha Mwari wenyu achasarudza.
「你城中若起了爭訟的事,或因流血,或因爭競,或因毆打,是你難斷的案件,你就當起來,往耶和華-你上帝所選擇的地方
9 Endai kuvaprista, vanova vaRevhi uye kuvatongi vanenge vachitonga panguva iyoyo. Muvabvunze uye ivo vachakuudzai mutongo wakafanira.
去見祭司利未人,並當時的審判官,求問他們,他們必將判語指示你。
10 Muite sezvavanenge vakutongerai panzvimbo ichasarudzwa naJehovha. Muchenjerere kuita zvose zvavanenge vakurayirai kuti muite.
他們在耶和華所選擇的地方指示你的判語,你必照着他們所指教你的一切話謹守遵行。
11 Muite maererano nomurayiro wavanokudzidzisai uye nokutonga kwavanokuudzai. Hamufaniri kutsauka kubva pane zvavanokuudzai, kurudyi kana kuruboshwe.
要按他們所指教你的律法,照他們所斷定的去行;他們所指示你的判語,你不可偏離左右。
12 Munhu anozvidza mutongi kana muprista anomira achishumira pamberi paJehovha Mwari wenyu anofanira kufa. Munofanira kubvisa chakaipa muIsraeri.
若有人擅敢不聽從那侍立在耶和華-你上帝面前的祭司,或不聽從審判官,那人就必治死;這樣,便將那惡從以色列中除掉。
13 Vanhu vose vachazvinzwa uye vagotya, uye havazozvidzi zvakare.
眾百姓都要聽見害怕,不再擅敢行事。」
14 Kana muchinge mapinda munyika yamuri kupiwa naJehovha Mwari wenyu uye kana muchinge maitora kuti ive yenyu, uye magara mairi, uye mukati, “Ngatizvigadzirei mambo sezvakaita ndudzi dzose dzakapoteredza,”
「到了耶和華-你上帝所賜你的地,得了那地居住的時候,若說:『我要立王治理我,像四圍的國一樣。』
15 chenjererai kuti mugadze mambo achasarudzwa naJehovha Mwari wenyu. Anofanira kubva pakati pehama dzenyu. Musazvigadzira mutorwa, uyo asiri hama yenyu muIsraeri.
你總要立耶和華-你上帝所揀選的人為王。必從你弟兄中立一人;不可立你弟兄以外的人為王。
16 Mambo haafaniri kuva namabhiza akawanda kana kuita kuti vanhu vadzokere kuIjipiti kundotora mamwe, nokuti Jehovha akutaurirai kuti, “Hamufaniri kudzoka nenzira iyoyo zvakare.”
只是王不可為自己加添馬匹,也不可使百姓回埃及去,為要加添他的馬匹,因耶和華曾吩咐你們說:『不可再回那條路去。』
17 Haafaniri kutora madzimai akawanda, nokuti mwoyo wake ungazotsauswa. Haafaniri kuunganidza sirivha negoridhe zvakawanda.
他也不可為自己多立妃嬪,恐怕他的心偏邪;也不可為自己多積金銀。
18 Kana achinge agara pachigaro chake choushe, anofanira kuzvinyorera bhuku romurayiro uyu, achitora kubva mumirayiro yavaprista vanova vaRevhi.
他登了國位,就要將祭司利未人面前的這律法書,為自己抄錄一本,
19 Anofanira kugara naro uye anofanira kuriverenga mazuva ose oupenyu hwake kuitira kuti adzidze kutya Jehovha Mwari wake uye agochenjerera kutevera mashoko ose omurayiro uyu nemitemo iyi.
存在他那裏,要平生誦讀,好學習敬畏耶和華-他的上帝,謹守遵行這律法書上的一切言語和這些律例,
20 Uye haafaniri kuzviona seari nani kupfuura hama dzake agotsauka kubva pamurayiro kurudyi kana kuruboshwe. Ipapo iye nezvizvarwa zvake achagara nguva huru paushe hwake muIsraeri.
免得他向弟兄心高氣傲,偏左偏右,離了這誡命。這樣,他和他的子孫便可在以色列中,在國位上年長日久。」