< Dhuteronomi 15 >

1 Pakupera kwamakore manomwe oga oga munofanira kudzima zvikwereti.
At the end of every seven years you shall make a release.
2 Iyi ndiyo nzira yazvinofanira kuitwa nayo: Mumwe nomumwe akapa chikwereti anofanira kudzima icho chaakakweretesa hama yake muIsraeri. Haangarevi chikwereti kune wokwake muIsraeri, kana hama yake, nokuti nguva yaJehovha yokudzima zvikwereti yaparidzwa.
And this is the manner of the release: Every creditor that lends something to his neighbor shall release it; he shall not exact it of his neighbor, or of his brother; because it is called the LORD’s release.
3 Ungareva hako chikwereti kubva kumutorwa, asi unofanira kudzima chikwereti chipi zvacho chakakweretwa nehama yako.
Of a foreigner you may exact it again: but that which is your with your brother your hand shall release;
4 Kunyange zvakadaro, hapafaniri kuva nomurombo pakati penyu, nokuti munyika iyo Jehovha Mwari wenyu yaari kukupai kuti ive yenyu senhaka, achakuropafadzai kwazvo,
Save when there shall be no poor among you; for the LORD shall greatly bless you in the land which the LORD your God gives you for an inheritance to possess it:
5 kana chete mukanyatsoteerera Jehovha Mwari wenyu nokuchenjerera kutevera mirayiro yake yose yandiri kukupai nhasi.
Only if you carefully listen to the voice of the LORD your God, to observe to do all these commandments which I command you this day.
6 Nokuti Jehovha Mwari wenyu achakuropafadzai sezvaakavimbisa, uye imi muchapa zvikwereti kundudzi zhinji asi imi hamungakwereti kubva kurudzi rupi zvarwo. Muchatonga ndudzi zhinji asi hapana rudzi ruchakutongai.
For the LORD your God blesses you, as he promised you: and you shall lend to many nations, but you shall not borrow; and you shall reign over many nations, but they shall not reign over you.
7 Kana pane murombo pakati pehama dzenyu mune ripi zvaro guta renyika iyo Jehovha ari kukupai musaomesa mwoyo kana kupfumbatira ruoko kuhama yenyu inoshayiwa.
If there be among you a poor man of one of your brothers within any of your gates in your land which the LORD your God gives you, you shall not harden your heart, nor shut your hand from your poor brother:
8 Asi munofanira kutambanudzira ruoko uye mugopa hama yenyu pachena chipi nechipi chaanoshayiwa.
But you shall open your hand wide to him, and shall surely lend him sufficient for his need, in that which he wants.
9 Muchenjerere kuti murege kuva nomufungo wakaipa uyu wokuti: “Gore rechinomwe, gore rokudzima zvikwereti, rava pedyo,” kuitira kuti murege kuratidza mwoyo wakaipa kuhama yenyu inoshayiwa nokurega kumupa chinhu. Iye achachema kuna Jehovha pamusoro penyu, uye imi muchabatwa nemhosva yokuita chivi.
Beware that there be not a thought in your wicked heart, saying, The seventh year, the year of release, is at hand; and your eye be evil against your poor brother, and you give him nothing; and he cry to the LORD against you, and it be sin to you.
10 Upe zvakawanda uye urege kumupa nomwoyo unogununʼuna; ipapo nokuda kwechinhu ichi Jehovha Mwari wako achakuropafadza mumabasa ako ose uye pane chimwe nechimwe chaunobata noruoko rwako.
You shall surely give him, and your heart shall not be grieved when you give to him: because that for this thing the LORD your God shall bless you in all your works, and in all that you put your hand to.
11 Varombo vachagara varimo munyika. Naizvozvo ndinokurayira kuti utambanudze maoko kuhama dzako varombo navanoshayiwa munyika yako.
For the poor shall never cease out of the land: therefore I command you, saying, You shall open your hand wide to your brother, to your poor, and to your needy, in your land.
12 Kana mumwe wako wechiHebheru, murume kana mukadzi, achinge azvitengesa kwauri uye achinge akushandira kwamakore matanhatu, mugore rechinomwe unofanira kumusunungura umurege aende.
And if your brother, an Hebrew man, or an Hebrew woman, be sold to you, and serve you six years; then in the seventh year you shall let him go free from you.
13 Zvino kana uchinge wamusunungura usamusiya achienda asina chinhu.
And when you send him out free from you, you shall not let him go away empty:
14 Mugovere zvakawanda kubva pamakwai ako, napaburiro rako uye napachisviniro chako chewaini. Mupe sokuropafadzwa kwawakaitwa naJehovha Mwari wako.
You shall furnish him liberally out of your flock, and out of your floor, and out of your wine press: of that with which the LORD your God has blessed you you shall give to him.
15 Rangarirai kuti imi maimbova varanda muIjipiti uye Jehovha Mwari wenyu akakudzikinurai. Nokudaro ndinokupai murayiro uyu nhasi.
And you shall remember that you were a slave in the land of Egypt, and the LORD your God redeemed you: therefore I command you this thing to day.
16 Asi kana muranda wako akati kwauri, “Handidi kukusiyai,” nokuti anokuda iwe nemhuri yako uye zvakamunakira kuva newe,
And it shall be, if he say to you, I will not go away from you; because he loves you and your house, because he is well with you;
17 ipapo utore runji ugourura nzeve yake narwo pagonhi, uye achava muranda wako nokusingaperi. Uite zvimwe chetezvo kumurandakadzi wako.
Then you shall take an awl, and thrust it through his ear to the door, and he shall be your servant for ever. And also to your maidservant you shall do likewise.
18 Usachiona sechinhu chakaoma kusunungura muranda wako, nokuti kukushandira kwake pamakore matanhatu kwakapfuura kakapetwa kaviri kushanda kwouyo anoshandira mubayiro. Uye Jehovha Mwari wako achakuropafadza mune zvose zvaunoita.
It shall not seem hard to you, when you send him away free from you; for he has been worth a double hired servant to you, in serving you six years: and the LORD your God shall bless you in all that you do.
19 Tsaurira Jehovha Mwari wako chikono chose chokutanga chemombe dzako, makwai ako. Zvikono zvokutanga pakuberekwa zvemombe dzako hazvifaniri kuitiswa basa uye usaveura makushe amakwai ako akatanga kuberekwa.
All the firstling males that come of your herd and of your flock you shall sanctify to the LORD your God: you shall do no work with the firstling of your bullock, nor shear the firstling of your sheep.
20 Gore rimwe nerimwe iwe nemhuri yako munofanira kuzvidya muri pamberi paJehovha Mwari wenyu panzvimbo yaachasarudza.
You shall eat it before the LORD your God year by year in the place which the LORD shall choose, you and your household.
21 Kana chipfuwo chine chachinopomerwa, chakaremara kana kuti chiri bofu, kana kuti chine chimwe chinhu chakanyanyoipa pachiri, haufaniri kuchibayira kuna Jehovha Mwari wako.
And if there be any blemish therein, as if it be lame, or blind, or have any ill blemish, you shall not sacrifice it to the LORD your God.
22 Unofanira kuchidyira mumaguta ako. Vose vasina kuchena navakachena vangazvidya havo sokunge vanodya mhara kana nondo.
You shall eat it within your gates: the unclean and the clean person shall eat it alike, as the roebuck, and as the hart.
23 Asi haufaniri kudya ropa; riteurire pasi semvura.
Only you shall not eat the blood thereof; you shall pour it on the ground as water.

< Dhuteronomi 15 >