< Dhuteronomi 14 >
1 Imi muri vana vaJehovha Mwari wenyu. Musazvicheka kana kuzviveura pamberi pomusoro muchiitira vakafa,
汝らは汝等の神ヱホバの子等なり汝ら死る者のために己が身に傷くべからずまた己が目の間にあたる頂の髮を剃べからず
2 nokuti muri rudzi rutsvene kuna Jehovha Mwari wenyu. Jehovha akakutsaurai kubva pakati pendudzi dzose dziri panyika kuti muve rudzi rwake runokosha.
其は汝は汝の神ヱホバの聖民なればなりヱホバは地の面の諸の民の中より汝を擇びて己の寶の民となし給へり
3 Musadya chinhu chipi zvacho chinonyangadza.
汝穢はしき物は何をも食ふ勿れ
4 Idzi ndidzo mhuka dzamungadya: mombe, hwai, mbudzi,
汝らが食ふべき獣畜は是なり即ち牛 羊 山羊
5 nondo, mhara, mhembwe, ngururu, mharapara, nyati nehwai yomugomo.
牡鹿 羚羊 小鹿 麣 麞 麈 麖など
6 Mungadya henyu mhuka ipi neipi ina mahwanda akaparadzana kuita maviri uye inodzeya.
凡て獣畜の中蹄の分れ割て二つの蹄を成る反芻獣は汝ら之を食ふべし
7 Zvisinei, pane idzo dzinodzeya kana dzina mahwanda akaparadzana, mahwanda akanyatsoparadzana, hamufaniri kudya ngamera, tsuro kana mbira. Kunyange zvazvo dzichidzeya hadzina mahwanda akaparadzana; hadzina kuchena kwamuri.
但し反芻者と蹄の分れたる者の中汝らの食ふべからざる者は是なり即ち駱駝 兎および山鼠是らは反芻ども蹄わかれざれば汝らには汚れたる者なり
8 Nguruvewo haina kuchena; kunyange zvayo ina mahwanda akaparadzana, haidzeyi. Hamufaniri kudya nyama yadzo kana kubata zvitunha zvadzo.
また豚是は蹄わかるれども反芻ことをせざれば汝らには汚たる者なり汝ら是等の物の肉を食ふべからずまたその死體に捫るべからず
9 Pazvipuka zvose zvinogara mumvura, mungadya henyu zvose zvine zvimbi namakwande.
水にをる諸の物の中是のごとき者を汝ら食ふべし即ち凡て翅と鱗のある者は皆汝ら之を食ふべし
10 Asi chipi nechipi zvacho chisina zvimbi namakwande hamufaniri kudya; nokuti hachina kuchena.
凡て翅と鱗のあらざる者は汝らこれを食ふべからず是は汝らには汚たる者なり
11 Mungadya henyu shiri ipi neipi yakachena.
また凡て潔き鳥は皆汝らこれを食ふべし
12 Asi dzamusingafaniri kudya ndeidzi: gondo, gora, gora dema,
但し是等は食ふべからず即ち鵰黄鷹鳶
13 njerere tsvuku, njerere nhema, rukodzi namarudzi arwo,
鸇鷹 黑鷹の類
14 gunguo namarudzi aro ose,
各種の鴉の類
15 zizi renyanga, kazizimbori, shiri yegungwa, namarudzi ose eruvangu,
駝鳥 梟 鴎 雀鷹の類
16 zizi duku, zizi guru, zizi jena,
鸛 鷺 白鳥
17 zizi romurenje, hukurwizi nekanyururahove,
鸅鸕 大鷹 鵜
18 neshuramurove namarudzi ose ekondo, nemhupupu uye nechiremwaremwa.
鶴 鸚鵡の類 鷸および蝙蝠
19 Zvipuka zvose zvina mapapiro zvinokambaira hazvina kuchena kwamuri; hamufaniri kuzvidya.
また凡て羽翼ありて匍ところの者は汝らには汚たる者なり汝らこれを食ふべからず
20 Asi zvipuka zvose zvina mapapiro zvakachena mungadya henyu.
凡て羽翼をもて飛ところの潔き物は汝らこれを食ふべし
21 Musadya chii zvacho chamunoona chakafa. Mungapa zvenyu kumutorwa agere mune rimwe ramaguta enyu, uye angadya zvake kana kuti mungatengesera zvenyu kumutorwa. Asi imi muri rudzi rutsvene kuna Jehovha Mwari wenyu. Musabika mbudzana mumukaka wamai vayo.
凡そ自ら死たる者は汝ら食ふべからず汝の門の内にをる他國の人に之を與へて食しかべし又これを異邦人に賣も可し汝は汝の神ヱホバの聖民なればなり汝山羊羔をその母の乳にて煮べからず
22 Chenjera kuti utsaure chegumi chezvinhu zvose zvaunokohwa muminda yako gore negore.
汝かならず年々に田畝に種蒔て獲ところの產物の什一を取べし
23 Udye chegumi chezviyo, newaini itsva namafuta uye nezvibereko zvokutanga zvemombe dzako nezvamakwai ako pamberi paJehovha Mwari wako panzvimbo yaachasarudza kuti Zita rake rigarepo, kuitira kuti udzidze kutya Jehovha Mwari wako nguva dzose.
而して汝の神ヱホバの前すなはちヱホバのその名を置んとて擇びたまはん處において汝の穀物と酒と油の什一を食ひまた汝の牛羊の首出を食ひ斯して汝の神ヱホバを常に畏るることを學ぶべし
24 Asi kana nzvimbo yacho iri kure uye waropafadzwa naJehovha Mwari wako, uye usingagoni kutakura chegumi chako (nokuti nzvimbo ichasarudzwa naJehovha kuti Zita rake rigarepo iri kure),
但しその路行に勝がたくして之を携へいたること能はざる時または汝の神ヱホバのその名を置んとて擇びたまへる處汝を離るること餘りに遠き時は汝もし汝の神ヱホバの恩惠に潤ふ身ならば
25 ipapo unofanira kutsinhanisa chegumi chako nesirivha, ugotora sirivha ugoenda nayo kunzvimbo ichasarudzwa naJehovha Mwari wako.
その物を金に易へその金を包みて手に執り汝の神ヱホバの擇びたまへる處に往き
26 Shandisa sirivha yacho kutenga zvaungada, zvakadai sezvizvi: mombe, makwai, waini kana zvimwe zvokunwa zvinobata, kana chinhu chipi zvacho chaunoda. Ipapo iwe neimba yako muchadya pamberi paJehovha Mwari wenyu mugofara.
凡て汝の心の好む物をその金に易べし即ち牛羊葡萄酒濃酒など凡て汝が心に欲する物をもとめ其處にて汝の神ヱホバの前にこれを食ひ汝と汝の家族ともに樂むべし
27 Uye musazokanganwa vaRevhi vagere mumaguta enyu, nokuti havana mugove kana nhaka yavowo.
汝の門の内にをるレビ人を棄る勿れ是は汝の中間に分なく產業なき者なればなり
28 Panopera makore matatu oga oga, munofanira kuuya nezvegumi zvegore iroro uye mugozvichengetera mumaguta enyu,
三年の末に到る毎にその年の產物の十分の一を盡く持出してこれを汝の門の内に儲蓄ふべし
29 kuitira kuti vaRevhi (avo vasina mugove kana nhaka yavowo) uye nomweni, nherera nechirikadzi vanogara mumaguta enyu, vauye vagodya vachiguta, uye kuitira kuti Jehovha Mwari wenyu akuropafadzei pamabasa ose amaoko enyu.
然る時は汝の中間に分なく產業なきレビ人および汝の門の内にをる他國の人と孤子と寡婦など來りてこれを食ひて飽ん斯せば汝の神ヱホバ汝が手をもて爲ところの諸の事において汝に福祉を賜ふべし