< Dhuteronomi 10 >

1 Panguva iyoyo Jehovha akati kwandiri, “Veza mahwendefa maviri amabwe akaita saaya okutanga ugouya kwandiri pagomo. Ugadzirewo zvakare areka yomuti.
in tempore illo dixit Dominus ad me dola tibi duas tabulas lapideas sicut priores fuerunt et ascende ad me in montem faciesque arcam ligneam
2 Ndichanyora pamahwendefa mashoko akanga ari pamahwendefa okutanga awakaputsa. Zvino unofanira kuaisa muareka.”
et scribam in tabulis verba quae fuerunt in his quas ante confregisti ponesque eas in arca
3 Saka ndakagadzira areka ndichishandisa muti womuunga uye ndikaveza mahwendefa maviri amabwe akanga akaita seokutanga, ndikakwira mugomo ndakabata mahwendefa maviri aya mumaoko angu.
feci igitur arcam de lignis setthim cumque dolassem duas tabulas lapideas instar priorum ascendi in montem habens eas in manibus
4 Jehovha akanyora pamahwendefa aya zvakafanana nezvaakanga anyora pakutanga, Mirayiro Gumi yaakanga akuudzai pagomo, ari mumoto, pazuva reungano. Uye Jehovha akaipa kwandiri.
scripsitque in tabulis iuxta id quod prius scripserat verba decem quae locutus est Dominus ad vos in monte de medio ignis quando populus congregatus est et dedit eas mihi
5 Ipapo ndakadzoka ndikaburuka pagomo ndikaisa mahwendefa muareka yandakanga ndagadzira, sezvandakanga ndarayirwa naJehovha, uye ndimo maari nazvino.
reversusque de monte descendi et posui tabulas in arcam quam feceram quae hucusque ibi sunt sicut mihi praecepit Dominus
6 (VaIsraeri vakasimuka vakabva pamatsime avaJaakani vakaenda kuMosera. Ipapo ndipo pakafira Aroni akavigwa, uye Ereazari mwanakomana wake akatora chinzvimbo chake somuprista.
filii autem Israhel castra moverunt ex Beroth filiorum Iacan in Musera ubi Aaron mortuus ac sepultus est pro quo sacerdotio functus est filius eius Eleazar
7 Vakasimukapo vakaenda kuGudhugodha vakapfuurira kuenda kuJotibhata, nyika ine hova dzemvura.
inde venerunt in Gadgad de quo loco profecti castrametati sunt in Ietabatha in terra aquarum atque torrentium
8 Panguva iyoyo Jehovha akatsaura rudzi rwavaRevhi kuti vatakure areka yesungano yaJehovha, kuti vamire pamberi paJehovha vachishumira, uye kuti varopafadze vanhu muzita raJehovha, sezvavanoita nanhasi.
eo tempore separavit tribum Levi ut portaret arcam foederis Domini et staret coram eo in ministerio ac benediceret in nomine illius usque in praesentem diem
9 Ndokusaka vaRevhi vasina mugove wenhaka pakati pehama dzavo; Jehovha ndiye nhaka yavo sezvavakaudzwa naJehovha Mwari wenyu.)
quam ob rem non habuit Levi partem neque possessionem cum fratribus suis quia ipse Dominus possessio eius est sicut promisit ei Dominus Deus tuus
10 Zvino ini ndakanga ndagara pagomo mazuva makumi mana nousiku huna makumi mana, sezvandakaita pakutanga, uye Jehovha akandinzwa panguva iyoyo zvakare. Kwakanga kusiri kuda kwake kuti akuparadzei.
ego autem steti in monte sicut prius quadraginta diebus ac noctibus exaudivitque me Dominus etiam hac vice et te perdere noluit
11 Jehovha akati kwandiri, “Enda, utungamirire vanhu panzira yavo, kuitira kuti vapinde uye vatore nyika yandakapikira madzibaba avo kuti ndichavapa.”
dixitque mihi vade et praecede populum ut ingrediatur et possideat terram quam iuravi patribus eorum ut traderem eis
12 Zvino, iwe Israeri, Jehovha Mwari wako anodeiko kwauri kunze kwokuti utye Jehovha Mwari wako, ufambe munzira dzake dzose, umude, uye ushumire Jehovha Mwari wako nomwoyo wako wose nomweya wako wose,
et nunc Israhel quid Dominus Deus tuus petit a te nisi ut timeas Dominum Deum tuum et ambules in viis eius et diligas eum ac servias Domino Deo tuo in toto corde tuo et in tota anima tua
13 uye uchengete mirayiro yaJehovha nemitemo yake yandinokupai nhasi kuti zvikunakire?
custodiasque mandata Domini et caerimonias eius quas ego hodie praecipio ut bene sit tibi
14 Denga, kunyange nedenga ramatenga, nenyika nezvose zviri mairi ndezvaJehovha Mwari wako.
en Domini Dei tui caelum est et caelum caeli terra et omnia quae in ea sunt
15 Kunyange zvakadaro Jehovha akafarira madzitateguru enyu akavada uye akakutsaurai, imi zvizvarwa zvavo, pamusoro pedzimwe ndudzi dzose sezvazviri nhasi.
et tamen patribus tuis conglutinatus est Dominus et amavit eos elegitque semen eorum post eos id est vos de cunctis gentibus sicut hodie conprobatur
16 Naizvozvo, dzingisai mwoyo yenyu, uye murege kuva nemitsipa mikukutu zvakare.
circumcidite igitur praeputium cordis vestri et cervicem vestram ne induretis amplius
17 Nokuti Jehovha Mwari wenyu ndiMwari wavamwari naIshe wamadzishe, Mwari mukuru, ane simba guru uye anotyisa, asingatsauri vanhu uye asingagamuchiri fufuro.
quia Dominus Deus vester ipse est Deus deorum et Dominus dominantium Deus magnus et potens et terribilis qui personam non accipit nec munera
18 Anoruramisira nherera nechirikadzi, uye anoda mutorwa, agomupa zvokudya nezvokupfeka.
facit iudicium pupillo et viduae amat peregrinum et dat ei victum atque vestitum
19 Uye munofanira kuda vatorwa, nokuti imi maimbovawo vatorwa muIjipiti.
et vos ergo amate peregrinos quia et ipsi fuistis advenae in terra Aegypti
20 Ityai Jehovha Mwari wenyu mugomushumira. Batirirai paari uye muite mhiko dzenyu muzita rake.
Dominum Deum tuum timebis et ei servies ipsi adherebis iurabisque in nomine illius
21 Ndiye rumbidzo yenyu; ndiye Mwari wenyu, iye akakuitirai zvinhu zvikuru nezvishamiso zvinotyisa zviya zvamakaona nameso enyu.
ipse est laus tua et Deus tuus qui fecit tibi haec magnalia et terribilia quae viderunt oculi tui
22 Madzitateguru enyu akaenda kuIjipiti vari makumi manomwe pamwe chete, uye zvino Jehovha Mwari wenyu akaita kuti muwande senyeredzi dzokudenga.
in septuaginta animabus descenderunt patres tui in Aegyptum et ecce nunc multiplicavit te Dominus Deus tuus sicut astra caeli

< Dhuteronomi 10 >