< Dhanieri 1 >

1 Mugore rechitatu rokutonga kwaJehoyakimi mambo weJudha, Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi akasvika kuJerusarema ndokurikomba.
In the third year of the reign of Jehoiakim king of Judah, came Nebuchadnezzar king of Babylon to Jerusalem, and laid siege against it;
2 Uye Ishe akaisa Jehoyakimi mambo weJudha muruoko rwake, pamwe chete nemimwe midziyo yaibva mutemberi yaMwari. Akatakura izvi akaenda nazvo kutemberi yamwari wake kuBhabhironi ndokuzviisa muimba yepfuma yamwari wake.
and the Lord gave into his hand Jehoiakim king of Judah, and a part of the vessels of the house of God, and he brought them into the land of Shinar, into the house of his gods, —and, the vessels, brought he into the treasure-house of his gods.
3 Ipapo mambo akarayira Ashipenazi, mukuru wavatariri veruvazhe, kuti apinze vamwe vavaIsraeri kubva mumhuri youshe nemhuri yemakurukota,
Then did the king give word to Ashpenaz, the chief of his eunuchs, —that he should bring in, of the sons of Israel, even of the seed royal, and of the nobles,
4 majaya asina chinongo pamiviri yavo, vakanaka, vanoratidza njere padzidzo yose, vanokurumidza kunzwisisa, uye vakakodzera kushumira, mumuzinda wamambo. Aizovadzidzisa mutauro namagwaro avaBhabhironi.
youths in whom was no blemish, but comely of countenance, and skilful in all wisdom, and possessed of knowledge, and able to impart instruction, and who had vigour in them, to stand in the palace of the king, —and that they should be taught the learning and the tongue of the Chaldeans.
5 Mambo akarayira kuti vapiwe zvokudya zvezuva rimwe nerimwe newaini yaibva patafura yamambo. Vaifanira kudzidziswa kwamakore matatu, uye shure kwaizvozvo vaizopinda paushumiri hwamambo.
And the king appointed them the provision of each day upon its day, out of the delicacies of the king and out of the wine which he drank, and so to let them grow three years, —and, at the end thereof, that they should stand before the king.
6 Pakati pavo paiva navamwe vaibva kuJudha vaiti: Dhanieri, Hanania, Mishaeri naAzaria.
Now there were, among them, out of the sons of Judah, Daniel, Hananiah, Mishael, and Azariah;
7 Vakuru vamachinda vakavatumidza mazita matsva sezvinotevera: Dhanieri vakamupa zita rokuti Bheriteshazari; Hanania akanzi Shadhireki; Mishaeri akanzi Meshaki; uye Azaria akanzi Abhedhinego.
and the ruler of the eunuchs gave them names, —yea he gave to Daniel the name of Belteshazzar, and to Hananiah of Shadrach, and to Mishael of Meshach, and to Azariah of Abed-nego.
8 Asi Dhanieri akazvisunga mumwoyo make kuti arege kuzvisvibisa nezvokudya zvamambo newaini yake, uye akakumbira mukuru wamachinda mvumo yokuti arege kuzvisvibisa nenzira iyi.
But Daniel laid it upon his heart, that he would not defile himself with the delicacies of the king, nor with the wine which he drank, —therefore sought he of the ruler of the eunuchs, that he might not defile himself.
9 Zvino Mwari akanga aita kuti muchinda aitire Dhanieri nyasha nengoni,
But, although God had brought Daniel into lovingkindness and tender compassion, before the ruler of the eunuchs,
10 asi muchinda akaudza Dhanieri kuti, “Ndinotya ishe wangu mambo, anova ndiye akarayira zvamunofanira kudya nokunwa. Achaonereiko zviso zvenyu zvakaonda kupfuura zvamamwe majaya ezera renyu? Mambo achaita kuti musoro wangu udimurwe nokuda kwenyu.”
yet said the ruler of the eunuchs unto Daniel, I do fear my lord the king, who hath appointed your food and your drink, —for why should he see your faces more sad than those of the youths of your own age? so should ye bring me under the penalty of mine own head unto the king.
11 Ipapo Dhanieri akati kumurindi akanga anzi nomubati mukuru achengete Dhanieri, Hanania, Mishaeri naAzaria,
Then said Daniel, unto the overseer whom the ruler of the eunuchs had appointed over Daniel, Hananiah, Mishael, and Azariah:
12 “Ndapota edzai henyu varanda venyu kwamazuva gumi. Regai henyu kutipa chimwe chinhu asi tipei muriwo tidye uye nemvura yokunwa chete.
I pray thee—prove thy servants, ten days, —and let them give us vegetable food, that we may eat, and water that we may drink:
13 Ipapo mugoenzanisa zviso zvedu nezvamajaya anodya zvokudya zvamambo mugobata varanda venyu samaonero enyu.”
then let our countenances be looked upon before thee, and the countenances of the youths who have been eating the delicacies of the king, —and, as thou shalt see, deal thou with thy servants.
14 Saka akatenda hake pane izvozvi ndokuvaedza kwamazuva gumi.
So then he hearkened unto them, according to this word, —and proved them ten days;
15 Mazuva gumi akati apera, ivo vakaratidza kuva noutano hwakagwinya uye nemiviri yakanaka kupinda majaya akadya zvokudya zvamambo.
and, at the end of ten days, their countenances appeared more comely, and fatter in flesh, —than any of the youths who had been eating the delicacies of the king.
16 Saka murindi akabvisa zvokudya zvakasarudzika newaini yavaifanira kunwa ndokuvapa muriwo pachinzvimbo chazvo.
Thus it came about that the overseer continued taking away their delicacies, and the wine appointed them to drink, —and kept on giving them vegetable food.
17 Mwari akapa majaya mana aya ruzivo nokunzwisisa kwemhando dzose dzamagwaro nedzidzo. Uye Dhanieri ainzwisisa zviratidzo nezviroto zvemhando dzose.
And, as for these four youths, God, gave them, knowledge and skill, in all learning and wisdom, —and, Daniel, had discernment, in all visions and dreams.
18 Mazuva akatarwa namambo kuti vapinde akati apera, mukuru wamachinda akavaisa kuna Nebhukadhinezari.
Now, at the end of the days after which the king had given word to bring them in, then did the ruler of the eunuchs bring them in, before Nebuchadnezzar.
19 Mambo akataura navo, uye akasawana mumwe zvake akanga akaenzana navanaDhanieri, Hanania, Mishaeri naAzaria; saka vakapinda kuti vandoshandira mambo.
So then the king, spake with them, and there was not found, from among them all, one like unto Daniel, Hananiah, Mishael, and Azariah, —therefore stood they before the king;
20 Pazvinhu zvose zvouchenjeri nokunzwisisa pamusoro pezvose zvaibvunzwa namambo, akavawana vachipfuura kagumi nʼanga dzose navanhu vose muumambo hwose.
and, in any matter of wisdom and discernment as to which the king, enquired of them, he found them ten times better than all the sacred scribes—the magicians, who were in all his realm.
21 Uye Dhanieri akagaramo kusvikira gore rokutonga raMambo Sirasi.
Now Daniel continued, until the first year of Cyrus the king.

< Dhanieri 1 >