< Dhanieri 8 >

1 Mugore rechitatu rokutonga kwaMambo Bherishazari, ini, Dhanieri, ndakaona nechiratidzo, shure kwechimwe chandakanga ndamboona kare.
Manghai Belshazzar ram kah a kum thum dongah tah mangthui te kai Daniel kamah taengah phoe tih lamhma kah te ni kai taengah koep a phoe.
2 Muchiratidzo changu, ndakazviona ndiri munhare yeShushani munyika yeEramu, muchiratidzo imomo, ndakanga ndiri parutivi rwoMugero weUrai.
Mangthui neh ka hmuh bangla a om vaengah ka sawt hatah kamah tah Elam paeng kah Shushan rhalmah im kana om. Mangthui ah koep ka hmuh bal vaengah tah kai he Ulai tuilong ah ka om bal.
3 Ndakatarisa kumusoro, ndokuona hapo pamberi pangu pakanga pane gondobwe raiva nenyanga mbiri, rakamira parutivi rwomugero, uye nyanga dzacho dzakanga dzakareba. Rumwe runyanga rwakanga rwakareba kupfuura rumwe asi ndirwo rwakamera mumashure.
Ka mik te ka huel tih ka sawt vaengah tuilong dan ah tutal pakhat tarha pai. Te te ki panit om tih a ki te bok sen. Pakhat te a pabae lakah sen tih a sen te a hnuk ah thoeng.
4 Ndakatarira gondobwe parakanga richitunga rakananga kumavirira nokumusoro nezasi. Hakuna mhuka yaigona kumisidzana naro, uye hakuna aigona kununura kubva pasimba raro. Raiita zvaraida uye rikava guru.
Tutal te ka hmuh vaengah khotlak la, tlangpuei la, tuithim la a thoeh tih mulhing boeih loh a mikhmuh ah pai thai pawh. Anih kut lamloh aka huul khaw a om pawt dongah a kolonah bangla a saii tih rhoeng.
5 Ndakati ndichifunga pamusoro peizvi, pakarepo nhongo yakanga ine runyanga rukuru pakati pameso ayo yakabva kumavirira, ichidarika napanyika yose isingatsiki pasi.
Kai khaw ka om na kungah ka yakming vaengah khotlak lamkah maae tal tarha ha thoeng. Te long te diklai hmai boeih a poe tih diklai khaw ben pawh. Maae tal te a mik laklo ah mingphanah ki om.
6 Yakauya yakananga kugondobwe raiva nenyanga mbiri randakanga ndaona rimire parutivi rwomugero ndokuritunga zvine hasha kwazvo.
Te vaengah ki boei tutal taengla cet tih tuilong hmai ah a pai te ka hmuh. Te phoeiah a taengla a thadueng kosi neh yong.
7 Ndakaiona ichirwisa gondobwe nehasha kwazvo, ikaritunga ndokuvhuna nyanga dzaro mbiri. Gondobwe rakanga risina simba rokurwisana nayo; nhongo yakariwisira pasi ikaritsika-tsika, uye hakuna akagona kununura gondobwe pasimba rayo.
Te phoeiah tutal taengla a ben tih tutal te a phaep. Tutal te a thoeh tih a ki rhoi te tlawt. Tutal te anih hmai ah pai hamla a khuiah thadueng khueh pawt tih diklai la a voeih. Tutal te a suntlae tih anih kut lamloh aka huul om pawh.
8 Nhongo yakava huru kwazvo, asi yakati yasimba kwazvo, runyanga rwayo rukuru rwakavhunika, uye panzvimbo yarwo pakamera dzimwe nyanga ina dzakasimba dzakananga kumhepo ina dzokudenga.
Maae tal bahoeng rhoeng tih a thaom dae a ki len tah tlawt. Te phoeiah a yueng pali te mingphanah la cawn tih vaan khohli pali taengla hoiuh.
9 Pano rumwe runyanga pakabuda rumwe runyanga, rwakatanga rwuri ruduku asi rwakakura musimba kurutivi rwezasi uye nechokumabvazuva uye rwakananga kuNyika Yakaisvonaka.
Te rhoek khuiah pakhat dong lamloh a ki noe pakhat cawn dae tuithim la, khocuk la, kirhang taengla muep rhoeng.
10 Rwakakura kusvikira rwasvika kuhondo dzokudenga, uye rukakanda dzimwe nyeredzi panyika pasi ndokudzitsika-tsika.
Vaan caempuei taengla rhoeng tih caempuei taeng lamloh, aisi taeng lamloh diklai la cungku tih amih te a suntlae.
11 Rwakazvikudza kuti rukure soMuchinda wehondo, rwakabvisa zvibayiro zvezuva nezuva kubva kwaari, uye nzvimbo yeimba yake tsvene ikaputsirwa pasi.
Te phoeiah caempuei mangpa la a pomsang dae anih lamkah sainoek te a kuel a kuel tih a rhokso hmuen te a voeih pah.
12 Nokuda kwokumukira, hondo yavatsvene uye chibayiro chamazuva ose zvakapiwa kwarwuri. Rwakabudirira pane zvose zvarwaiita, uye chokwadi chikakandirwa pasi.
Boekoeknah he caempuei neh sainoek yueng la a khueh. Te vaengah oltak te diklai la a voeih tih a saii daengah thaihtak.
13 Ipapo ndakanzwa mumwe mutsvene achitaura, uye mumwe mutsvene akati kwaari, “Zvichatora nguva yakadini kuti chiratidzo chizadziswe, chiratidzo pamusoro pechibayiro chamazuva ose, kumukira kunokonzera kuparadzwa, uye kusiyiwa kwenzvimbo tsvene nehondo zvichatsikwa-tsikwa pasi petsoka?”
Te phoeiah hlangcim pakhat loh a thui te ka yaak tih, “Hlangcim pakhat loh pakhat taengah, 'Sainoek kah mangthui khaw me hil nim a thui ve? Boekoeknah loh hmuencim te dingrhak la khueh ham neh caempuei kah cawtkoi ham khaw,” a ti.
14 Akati kwandiri, “Zvichatora madekwana namangwanani ane zviuru zviviri zvina mazana matatu; ipapo nzvimbo tsvene ichanatswazve.”
Te vaengah kai taengah, “Hlaem mincang thawng hnih ya thum duela om vetih hmuencim te a ciim ni,” a ti.
15 Ini, Dhanieri, pandakanga ndichakatarira chiratidzo ndichiedza kuchinzwisisa, ndakaona hapo pamberi pangu mumwe akanga achiratidzika somunhu.
Kai Daniel kamah khaw mangthui ka hmuh vaengah yakmingnah ka tlap. Te vaengah hlang kah mueimae bangla kamah hmai ah tarha pai.
16 Uye ndakanzwa inzwi romunhu richibva kuUrai richidana richiti, “Gabhurieri, taurira munhu uyu zvinoreva chiratidzo.”
Ulai lamkah hlang ol ka yaak vaengah pang tih, “Gabriel, a hmuethma he n'yakming sak lah,” a ti.
17 Paakaswedera panzvimbo yandakanga ndimire, ndakatya ndikawira pasi nechiso changu. Iye akati kwandiri, “Mwanakomana womunhu, nzwisisa kuti chiratidzo ichi ndechenguva yokupedzisira.”
Te dongah ka paihmuen la ha thoeih tih anih ham pha vaengah ka let. Ka maelhmai dongah ka bakop dae kai te, “Hlang capa aw, mangthui a bawtnah tue te yakming laeh,” a ti.
18 Paakanga achataura neni, ndakabatwa nehope huru kwazvo, chiso changu chakatarira pasi. Ipapo akandibata akandisimudza ndikamira netsoka dzangu.
Kai ham a thui vaengah ka maelhmai neh diklai la ka ip coeng. Tedae kai te n'taek tih ka paihmuen la kai n'thoh.
19 Akati, “Ndichakuzivisa zvichaitika pakupedzisira munguva yehasha, nokuti chiratidzo ndechenguva yakatarwa yokupedzisira.
Te phoeiah, “A bawtnah khoning vaengkah kosi bawtnah dongah aka om ham te nang taengah kan ming sak ne,” a ti.
20 Gondobwe rine nyanga rawakaona rinomirira madzimambo eMedhia nePezhia.
Tutal ki boei na hmuh te Madai neh Persia manghai ne.
21 Nhongo ine mvere dzakamvirimvinyika ndiyo mambo weGirisi, uye runyanga rukuru rwuri pakati pameso ndirwo mambo wokutanga.
Maae tal tah Greek manghai tih a mik laklo kah ki a len tah lamhma kah manghai ni.
22 Nyanga ina dzakatsiva ruya rwakavhunika dzinomirira ushe una huchabuda murudzi rwake asi hahuzovi nesimba rakaenzana.
Te te a tlawt phoeiah a yueng pali a cawn he namtom lamkah ram pali pai suidae a thadueng neh om mahpawh.
23 “Panguva yokupedzisira yokutonga kwavo, vapanduki pavachanyanya kuipa, mambo ane chiso chakaomarara, mukuru wouipi, achamuka.
Hmailong ah amih ram khaw boekoek cung vetih maelhmai aka tlung neh olkael aka yakming manghai phoe ni.
24 Achava nesimba kwazvo, asi risiri simba rake chairo. Achakonzera kuparadzwa kunoshamisa uye achabudirira pane zvose zvaanoita. Achaparadza varume vane simba navanhu vatsvene.
Te vaengah a thadueng rhoeng suidae a thadueng neh om mahpawh. Khobaerhambae khaw a phae vetih thaihtak ni. Te phoeiah a saii vetih pilnu neh pilnam cim khaw a phae ni.
25 Achaita kuti kunyengera kubudirire, uye achazviona somunhu wapamusoro. Achaparadza vazhinji pavanofunga kuti vagarika uye achamukirawo Muchinda wamachinda. Asi zvazvo achazoparadzwa, asi kwete nesimba romunhu.
A lungmingnah nen khaw, a kut dongkah thailatnah nen khaw thaihtak vetih a thinko ah pomsang ni. Ommongnah dongah khaw muep paci vetih mangpa rhoek kah mangpa taengah pai bal ni. Tedae hlang kut mueh nen ni a bawt eh.
26 “Chiratidzo chamadekwana nechamagwanani chakapiwa kwauri ndechechokwadi, asi vanza chiratidzo icho, nokuti ndechenguva inouya.”
Hlaem neh mincang kah a hmuethma loh oltak amah te a thui coeng. Tedae namah kum a sen ham la mangthui te khoem laeh.
27 Ini, Dhanieri, ndakapera simba ndikarwara kwamazuva mazhinji. Ipapo ndakamuka hangu ndikandobata basa ramambo. Ndakatyiswa nechiratidzo; chakanga chisinganzwisisike.
Kai Daniel khaw ka om dae khohnin loh nue coeng. Ka thoh neh manghai kah bitat te ka saii. Te dongah a hmuethma nen khaw ka pong tih ka yakming voel pawh.

< Dhanieri 8 >