< Dhanieri 7 >

1 Mugore rokutanga ramambo Bherishazari, mambo weBhabhironi, Dhanieri akarota hope, uye akaona zviratidzo mumusoro make paakanga avete pamubhedha wake. Akanyora zvose zvaakarota.
در سال اول سلطنت بلشصر پادشاه بابِل، یک شب دانیال خوابی دید و آن را نوشت. این است شرح خواب او:
2 Dhanieri akati, “Muchiratidzo changu usiku, ndakatarira, uye hapo pamberi pangu pakanga pane mhepo ina dzokudenga dzaibvongodza gungwa guru.
من، دانیال، در خواب دریای پهناوری دیدم که در اثر وزش باد از هر سو، متلاطم شد.
3 Mhuka huru ina, dzisina kufanana dzakabuda kubva mugungwa.
سپس چهار وحش بزرگ از دریا بیرون آمدند. هر کدام از آنها با دیگری تفاوت داشت.
4 “Yokutanga yakanga yakaita seshumba, uye yakanga ina mapapiro egondo. Ndakatarisa kusvikira mapapiro ayo abviswa uye ikasimudzwa kubva pasi zvokuti yakamira namakumbo maviri somunhu, uye yakapiwa mwoyo womunhu.
اولی شبیه شیر بود، اما بالهای عقاب داشت! وقتی به آن خیره شده بودم بالهایش کنده شد و دیگر نتوانست پرواز کند و مانند انسان روی دو پایش بر زمین ایستاد و عقل انسان به او داده شد.
5 “Uye hapo pamberi pangu pakanga pane mhuka yechipiri, yakanga yakafanana nebere. Yakanga yakasimudzwa kuno rumwe rutivi rwayo, uye yakanga yakaruma mbabvu nhatu mumuromo mayo. Yakanzi, ‘Simuka udye nyama yako ugute!’
وحش دوم شبیه خرس بود و روی پاهایش ایستاد و آمادهٔ حمله شد. در میان دندانهایش سه دنده دیدم و صدایی شنیدم که به آن وحش می‌گفت: «برخیز و هر چه می‌توانی گوشت بخور!»
6 “Shure kwaizvozvo, ndakatarisa, uye hapo pamberi pangu pakanga pane imwe mhuka, yakanga yakafanana neingwe. Uye yakanga ina mapapiro mana akaita seeshiri kumusana kwayo. Mhuka iyi yakanga ine misoro mina, uye yakapiwa simba rokutonga.
سومین وحش شبیه پلنگ بود. او بر پشتش چهار بال مثل بالهای پرندگان داشت و دارای چهار سر بود! به این وحش اقتدار و تسلط بر مردم داده شد.
7 “Shure kwaizvozvo, ndakatarisa muchiratidzo changu usiku, uye hapo pamberi pangu pakanga pane mhuka yechina, yaityisa uye yaivhundutsa, uye ine simba guru. Yakanga ina meno makuru esimbi; yakapwanya ikadya nyama yayo uye ikatsika-tsika namakumbo ayo zvose zvakanga zvasara. Yakanga yakasiyana nedzimwe mhuka dzose dzakare, uye yakanga ine nyanga gumi.
سپس در خواب وحش چهارم را دیدم که بسیار هولناک و نیرومند بود. این وحش قربانیان خود را با دندانهای بزرگ و آهنینش پاره‌پاره کرد و بقیه را زیر پاهایش له نمود. این وحش از سه وحش دیگر متفاوت بود و ده شاخ داشت.
8 “Ndichiri kufunga pamusoro penyanga, hapo pamberi pangu pakanga pava norumwe runyanga, ruduku rwakabuda pakati padzo; uye dzimwe nyanga nhatu dzokutanga dzakadzurwa pamberi parwo. Runyanga urwu rwakanga runa meso akafanana nameso omunhu uye nomuromo waitaura zvokuzvikudza.
وقتی به شاخهایش خیره شده بودم، ناگهان یک شاخ کوچک دیگر از میان آنها ظاهر شد و سه تا از شاخهای اول از ریشه کنده شدند. این شاخ کوچک چشمانی چون چشم انسان داشت و از دهانش سخنان تکبرآمیز بیرون می‌آمد.
9 “Ndichakatarisa, “zvigaro zvoushe zvakagadzikwa, uye Iye Wamazuva Akare akagara pachigaro chake. Nguo dzake dzakanga dzakachena sechando; bvudzi romusoro wake rakanga rakachena sewuru. Chigaro chake chainganduma nomoto, uye mavhiri acho ose aipfuta.
آنگاه تختهایی دیدم که برای داوری برقرار شد و «قدیم الایام» بر تخت خود نشست. لباس او همچون برف، سفید و موی سرش مانند پشم، خالص بود. تخت او شعله‌ور بود و بر چرخهای آتشین قرار داشت.
10 Rwizi rwomoto rwaiyerera, ruchibuda pamberi pake. Zviuru nezviuru zvakanga zvichimushandira; zviuru gumi zvakapetwa kanokwana gumi zvakamira pamberi pake. Dare rakagara pasi, mabhuku ndokuzarurwa.
رودخانه‌ای از آتش در برابرش جریان داشت. هزاران نفر او را خدمت می‌کردند و میلیونها نفر در حضورش ایستاده بودند. آنگاه دفترها برای داوری گشوده شد.
11 “Ipapo ndakaramba ndakatarira nokuda kwamashoko okuzvikudza akanga achitaurwa norunyanga. Ndakaramba ndakatarira kusvikira mhuka iyi yaurayiwa uye muviri wayo waparadzwa ikakandwa mumoto waipfuta.
سپس آن وحش چهارم را دیدم که کشته شد و بدنش در آتش سوزانده شد، زیرا شاخی که او داشت سخنان تکبرآمیز می‌گفت.
12 Kana dziri dzimwe mhuka dzakanga dzatorerwa simba radzo, asi dzakatenderwa kurarama kwechinguva.
قدرت سلطنت سه وحش دیگر نیز از ایشان گرفته شد، ولی اجازه داده شد مدتی همچنان زنده بمانند.
13 “Ndakatarisa pachiratidzo changu usiku, uye hapo pamberi pangu pakanga pano mumwe akaita somwanakomana womunhu, akanga achiuya namakore okudenga. Akaenda kuna Wamazuva Akare akasvitswa pamberi pake.
آنگاه در رویاهای شبانه خود دیدم کسی مانند پسر انسان با ابرهای آسمان می‌آمد. او نزد «قدیم الایام» رسید و به حضور وی آورده شد.
14 Akapiwa simba, kubwinya nesimba roushe; vanhu vose, ndudzi dzose uye vanhu vemitauro yose vakamunamata. Ushe hwake hunogara nokusingaperi husingatongopfuuri, uye umambo hwake ndihwo husingazomboparadzwi.
و اقتدار و جلال و قدرت سلطنت به او داده شد تا همهٔ قومها از هر زبان و نژاد او را خدمت کنند. قدرت او ابدی و سلطنتش بی‌زوال است.
15 “Ini Dhanieri ndakatambudzika mumweya wangu, uye zviratidzo zvakasvika mumusoro mangu zvakanditambudza.
من، دانیال، از تمام آنچه دیده بودم گیج و مضطرب شدم.
16 Ndakaenda kuno mumwe wavakanga vakamirapo ndikamubvunza chaizvo zvaireva izvi zvose. “Saka akandiudza ndokundidudzira zvinhu izvi, achiti,
پس به یکی از کسانی که کنار تخت ایستاده بود نزدیک شده، معنی این رؤیا را از او پرسیدم و او نیز آن را اینچنین شرح داد:
17 ‘Mhuka huru ina ndidzo umambo huna huchamuka panyika.
«این چهار وحش بزرگ، چهار پادشاه هستند که بر زمین سلطنت خواهند کرد.
18 Asi vatsvene veWokumusoro-soro vachapiwa umambo uhu uye huchava hwavo nokusingaperi, hongu nokusingaperi-peri.’
ولی سرانجام برگزیدگان خدای متعال قدرت سلطنت را به دست خواهند گرفت، و تا ابدالاباد حکومت خواهند کرد.»
19 “Ipapo ndakada kuziva chokwadi chezvinoreva mhuka yechina, yakanga yakasiyana nedzimwe dzose uye yaityisa kwazvo, namazino ayo esimbi nenzara dzendarira, mhuka yakapwanya ikadya nyama uye ikatsika-tsika namakumbo ayo zvose zvakanga zvasara.
سپس دربارهٔ وحش چهارم که از سه وحش دیگر متفاوت بود سؤال کردم، آنکه هولناک بود و با دندانهای آهنین و چنگالهای مفرغین، قربانیان خود را پاره‌پاره می‌کرد و بقیه را زیر پاهایش له می‌نمود.
20 Ndakadawo kuziva pamusoro penyanga gumi dzakanga dziri pamusoro wayo uye napamusoro porumwe runyanga rwuya rwakabuda, dzimwe dzacho nhatu dzikawa pamberi payo, runyanga rwuya rwainyanya kuva nomukundo kupfuura dzimwe, uye rwakanga runa meso uye nomuromo waitaura mashoko okuzvikudza.
همچنین دربارهٔ آن ده شاخ و شاخ کوچکی که بعد برآمد و نیز دربارۀ سه تا از آن ده شاخ که از ریشه کنده شد، سؤال کردم، یعنی شاخی که چشم داشت و از دهانش سخنان تکبرآمیز بیرون می‌آمد و از شاخهای دیگر بلندتر بود؛
21 Ndichakatarisa, runyanga urwu rwakanga ruchirwa hondo navatsvene ruchivakunda,
چون دیده بودم که این شاخ با برگزیدگان خدا جنگ کرده، بر آنها پیروز شد،
22 kusvikira Iye Wamazuva Akare asvika akaruramisira vatsvene veWokumusoro-soro, uye nguva ikasvika yavakatora umambo.
تا اینکه «قدیم الایام» آمد و داوری را آغاز کرده، از برگزیدگان خدای متعال حمایت نمود و زمانی رسید که قدرت سلطنت به ایشان واگذار شد.
23 “Akandipa tsananguro iyi achiti, ‘Mhuka yechina ndiyo umambo hwechina huchaonekwa panyika. Huchasiyana nohumwe umambo uye huchaparadza nyika yose, huchiitsika-tsika huchiiparadza.
او به من گفت: «وحش چهارم، سلطنت چهارم است که بر زمین ظهور خواهد کرد. این سلطنت از سلطنتهای دیگر متفاوت خواهد بود و تمام مردم دنیا را پاره‌پاره کرده زیر پاهایش له خواهد نمود.
24 Nyanga gumi ndidzo madzimambo gumi achabva kuumambo uhu. Shure kwavo kuchamuka mumwe mambo, akasiyana navaya vokutanga; achakunda madzimambo matatu.
ده شاخ او ده پادشاه هستند که از این سلطنت به قدرت می‌رسند. سپس پادشاهی دیگر روی کار خواهد آمد که با سه پادشاه پیشین فرق خواهد داشت و آنها را سرکوب خواهد کرد.
25 Achataura zvinorwisana neWokumusoro-soro achimanikidza vatsvene vake, uye achaedza kushandura nguva dzakatarwa nemirayiro. Vatsvene vachaiswa kwaari kwechinguva, nedzimwe nguva nehafu yenguva.
او بر ضد خدای متعال سخن خواهد گفت و بر برگزیدگان او ظلم خواهد کرد و خواهد کوشید تمام قوانین و اعیاد مذهبی را دگرگون سازد. برگزیدگان خدا به مدت سه سال و نیم در زیر سلطه او خواهند بود.
26 “‘Asi dare richagara, uye simba rake richatorwa rigoparadzwa zvachose nokusingaperi.
«اما پس از آن، داوری آغاز خواهد شد و قدرت سلطنت این پادشاه از او گرفته شده به کلی از بین خواهد رفت.
27 Ipapo simba roumambo, simba noukuru hwoumambo pasi pedenga rose richapiwa kuvatsvene, ivo vanhu veWokumusoro-soro. Umambo hwake huchava hwokusingaperi, vatongi vose vachamunamata uye vachamuteerera.’
آنگاه قدرت و عظمت تمام سلطنتهای دنیا به برگزیدگان خدای متعال واگذار خواهد شد. سلطنت خدای متعال سلطنتی جاودانی خواهد بود و تمام پادشاهان جهان او را عبادت و اطاعت خواهند کرد.»
28 “Aya ndiwo magumo enyaya. Ini, Dhanieri, ndakatambudzika zvikuru nepfungwa dzangu, uye uso hwangu hwakatsvukuruka, asi ndakachengeta nyaya iyi mumwoyo mangu.”
این بود خوابی که دیدم. وقتی بیدار شدم، بسیار آشفته بودم و از ترس رنگم پریده بود، اما خوابم را برای کسی تعریف نکردم.

< Dhanieri 7 >