< Dhanieri 5 >

1 Mambo Bherishazari akaitira makurukota chiuru mabiko makuru akanwa waini pamwe chete navo.
Belshazzar, the king gave a great feast to his thousands lords, and drank wine before the thousand.
2 Bherishazari achiri kunwa waini yake, akarayira kuti vauyise midziyo yegoridhe neyesirivha iya yakanga yatorwa nababa vake Nebhukadhinezari kubva kutemberi yokuJerusarema, kuitira kuti mambo namakurukota ake, navakadzi vake uye navarongo vake vanwiremo.
Belshazzar, while he tasted the wine, commanded to bring the golden and silver vessels which his father Nebuchadnezzar had taken out of the temple at Jerusalem; that the king and his princes, his wives and his concubines, might drink therein.
3 Saka vakauyisa midziyo yegoridhe yakanga yatorwa mutemberi yaMwari muJerusarema, uye mambo namakurukota ake, vakadzi vake navarongo vake vakanwira mairi.
Then they brought the golden vessels that were taken out of the temple of the house of God at Jerusalem; and the king and his princes, his wives and his concubines, drank in them.
4 Pavakanga vachinwa waini, vakarumbidza vamwari vegoridhe, vesirivha, vendarira, vesimbi, vamatanda nevamabwe.
They drank wine, and praised the gods of gold and of silver, of brass, of iron, of wood, and of stone.
5 Pakarepo minwe yoruoko rwomunhu yakaonekwa ikanyora pamadziro akanamwa, pedyo napachigadziko chomwenje mumuzinda wamambo. Mambo akatarisa chanza pachakanga chichinyora.
In the same hour came forth fingers of a man's hand, and wrote over against the chandelier upon the plaster of the wall of the king's palace; and the king saw the hand that wrote.
6 Chiso chake chakashanduka akatsvukuruka uye akavhunduka zvikuru, mabvi ake akadedera uye makumbo ake akarukutika.
Then the king's countenance was changed, and his thoughts troubled him, so that the joints of his loins were loosened, and his knees smote one against the other.
7 Mambo akadana vaya vamazango, vazivi vezvenyeredzi navavuki kuti vaunzwe ndokuti kuvarume ava vakachenjera veBhabhironi, “Ani naani anoverenga runyoro urwo uye akanditaurira zvarunoreva achapfekedzwa nguo dzepepuru uye nouketani hwegoridhe mumutsipa wake, uye achaitwa mutongi wapamusoro-soro wechitatu muumambo.”
The king cried aloud to bring in the magicians, the Chaldaeans, and the astrologers. And the king spake and said to the wise men of Babylon, Whoever shall read this writing, and show me the interpretation thereof, shall be clothed with purple, and have a chain of gold about his neck, and shall rule as the third in the kingdom.
8 Ipapo vakachenjera vose vamambo vakapinda, asi havana kugona kuverenga runyoro kana kutaurira mambo zvarwaireva.
Then all the king's wise men came in; but they could not read the writing, nor make known to the king its signification.
9 Saka Mambo Bherishazari akanyanya kutya uye uso hwake hukanyanya kutsvukuruka. Makurukota ake akakanganisika.
Then was King Belshazzar in great consternation, and his countenance was changed, and his lords were amazed.
10 Mambokadzi akati achinzwa inzwi ramambo namakurukota ake, akauya muimba yaiitirwa mabiko, akati, “Imi mambo, raramai nokusingaperi! Musatya! Regai kutsvukuruka kuuso kwenyu!
Then the queen, on account of this affair of the king and his lords, came into the banquet-house; and the queen spake and said, O king, live forever! Let not thy thoughts terrify thee, nor let thy countenance be changed.
11 Muumambo hwenyu muno murume ano mweya wavamwari vatsvene maari. Panguva yababa venyu iye akawanikwa achigona zviri mberi nezivo nouchenjeri hwakafanana nohwavamwari. Mambo Nebhukadhinezari baba venyu, ndati baba venyu imi mambo, vakamugadza kuti ave mukuru wenʼanga, nowevamazango, vazivi vezvenyeredzi navavuki.
There is a man in thy kingdom in whom is the spirit of the holy gods; and in the days of thy father, light and understanding and wisdom, like the wisdom of the gods, were found in him; and the king Nebuchadnezzar, thy father, made him chief of the scribes, the magicians, the Chaldeans, and the astrologers, thy father, O king!
12 Murume uyu Dhanieri, iye akatumidzwa zita rokuti Bheriteshazari namambo, akawanikwa aine pfungwa dzine shungu nezivo uye ano kunzwisisa, kugona kududzira kurota, nokutsanangura zvirahwe uye nokupedza matambudziko akaoma. Daidzai Dhanieri, uye iyeye achakuudzai zvinoreva runyoro.”
forasmuch as an excellent spirit and knowledge and understanding to interpret dreams, and to explain hard sentences, and solve difficult questions were found in him, in Daniel, whom the king named Belteshazzar; now let Daniel be called, and he will show the interpretation.
13 Saka Dhanieri akauyiswa pamberi pamambo, mambo akati kwaari, “Ndiwe Dhanieri mumwe wavakatapwa nababa vangu mambo kubva kuJudha here?
Then was Daniel brought in before the king. And the king spake and said to Daniel, Art thou that Daniel, of the captives of Judah, whom the king, my father, brought out of Judaea?
14 Ndanzwa kuti mweya wavamwari uri mauri uye kuti unoona zviri mberi, une zivo nouchenjeri hwapamusoro.
I have heard concerning thee, that the spirit of the gods is in thee, and that light and understanding and excellent wisdom are found in thee.
15 Vachenjeri nevamazango vakauyiswa pamberi pangu kuti vazoverenga runyoro urwu uye vagondiudza zvarunoreva, asi havana kugona kunditsanangurira.
And now the wise men and the magicians have been brought in before me, that they might read this writing, and make known to me its signification; but they could not show the signification of the thing.
16 Zvino ndanzwa kuti unogona kupa dudziro uye unopedza matambudziko akaoma. Kana ukagona kuverenga runyoro uye ukanditaurira zvarunoreva, uchapfekedzwa nguo yepepuru, uchaiswa uketani hwegoridhe pamutsipa wako, uye uchaitwa mutongi wechitatu wapamusoro-soro muumambo.”
But I have heard of thee that thou canst give interpretations, and solve difficult questions. Now if thou canst read the writing and make known to me its signification, thou shalt be clothed with purple, and have a chain of gold about thy neck, and shalt rule as the third in the kingdom.
17 Ipapo Dhanieri akapindura mambo achiti, “Zvichengeterei henyu zvipo zvenyu uye mugopa mibayiro yenyu kuno mumwe. Kunyange zvakadaro, ndichaverengera mambo runyoro ndigomuudza zvarunoreva.”
Then answered Daniel and said before the king, Let thy gifts be to thyself, and give thy rewards to another: yet I will read the writing to the king, and make known to him the signification.
18 “Haiwa mambo, Mwari Wokumusoro-soro akapa baba venyu Nebhukadhinezari ushe, ukuru, kukudzwa nokubwinya.
O king, the Most High God gave to Nebuchadnezzar, thy father, a kingdom, and majesty, and glory, and honor.
19 Nokuda kwechinzvimbo chakakwirira chaakamupa, vanhu vose nendudzi dzose navanhu vemitauro yose vakadedera uye vakamutya. Avo vaaida kuuraya, aiuraya, avo vaaida kuraramisa, airaramisa; avo vaaida kusimudzira, aisimudzira; uye avo vaaida kuninipisa, aininipisa.
And by reason of the majesty which he gave him, all people, nations, and languages trembled and feared before him; whom he would he slew, and whom he would he kept alive; whom he would he set up, and whom he would he put down.
20 Asi mwoyo wake wakati wazvikudza uye waomeswa nokuzvikudza, akabviswa pachigaro chake choushe vakamutorera kukudzwa kwake.
But when his heart was lifted up, and his spirit hardened in pride, he was thrust down from his kingly throne, and his glory was taken from him.
21 Akadzingwa pakati pavanhu akapiwa pfungwa yemhuka; akagara pakati pembizi akadya uswa semombe; uye muviri wake ukanyoroveswa nedova rokudenga, kusvikira aziva kuti Mwari Wokumusoro-soro ndiye ishe pamusoro poushe hwavanhu uye kuti anogadza pamusoro pavo ani zvake waanoda.
And he was driven from the sons of men; and his heart became like the beasts, and his dwelling was with wild asses; he was fed with grass like oxen, and his body was wet with the dew of heaven; till he knew that the Most High God ruled in the kingdoms of men, and set up over them whomsoever he would.
22 “Asi imi mwanakomana wake, imi Bherishazari, hamuna kuzvininipisa, kunyange maiziva henyu chinhu ichi.
And thou, his son, O Belshazzar, hast not humbled thy heart, though thou knewest all this;
23 Pamusoro pezvo imi masarudza kurwa naIshe wokudenga. Maita kuti midziyo yegoridhe iuyiswe kwamuri ichibva kutemberi, uye imi namakurukota enyu, vakadzi venyu navarongo venyu manwira waini mairi. Marumbidza vamwari vesirivha, vegoridhe, vendarira, vesimbi, vamatanda nevamabwe, vasingagoni kuona, kunzwa kana kunzwisisa. Asi hamuna kukudza Mwari akabata muruoko rwake upenyu hwenyu nenzira dzenyu dzose.
but hast lifted thyself up against the Lord of heaven; and the vessels of his house have been brought before thee, and thou, and thy lords, thy wives, and thy concubines have drunk wine in them; and thou hast praised the gods of silver and gold, of brass, iron, wood, and stone, which see not, nor hear, nor know; and the God in whose hand is thy breath, and whose are all thy ways, thou hast not honored.
24 Naizvozvo akatumira ruoko rwakanyora zvakanyorwa.
Then was sent from him the hand, and this writing was written.
25 “Izvi ndizvo zvakanyorwa: mene, mene, tekere, ufasini.
And this is the writing which was written: Numbered, Numbered, Weighed, and To be Divided.
26 “Hezvino zvinoreva mashoko aya: “Mene: Mwari akaverenga mazuva okutonga kwenyu akaagumisa.
And this is the interpretation of it. Numbered: God hath numbered thy kingdom, and made an end of it.
27 Tekere: Makayerwa pachiyero mukawanikwa makareruka.
Weighed: Thou art weighed in the balances, and found wanting.
28 Peresi: Umambo hwenyu hwakakamuraniswa hukapiwa vaMedhia navaPezhia.”
Divided: Thy kingdom is divided, and given to the Medes and Persians.
29 Ipapo Bherishazari akarayira kuti Dhanieri ashongedzwe nguo dzepepuru, ketani yegoridhe ikaiswa pamutsipa wake, zvikaziviswa kuti akanga ava mutongi wapamusoro wechitatu muumambo.
Then Belshazzar commanded, and they clothed Daniel with purple, and put a chain of gold about his neck, and made a proclamation concerning him that he should be third ruler in the kingdom.
30 Usiku ihwohwo Bherishazari, mambo wavaBhabhironi akaurayiwa,
In the same night was Belshazzar, the king of the Chaldaeans, slain;
31 Dhariasi muMedhia akatora umambo ane makore makumi matanhatu namaviri.
and Darius the Mede took the kingdom, being about sixty-two years old.

< Dhanieri 5 >