< Dhanieri 3 >

1 Mambo Nebhukadhinezari akaita chifananidzo chegoridhe, chakanga chakareba makubhiti makumi matanhatu uye makubhiti matanhatu paupamhi, akachimisa pabani reDhura munyika yeBhabhironi.
尼布甲尼撒王造了一个金像,高六十肘,宽六肘,立在巴比伦省杜拉平原。
2 Ipapo akadana machinda, varayiri, madzishe, vapi vamazano, vachengeti vepfuma, vatongi vedzimhosva vakuru, vatongi vedzimhosva vadiki navamwe vabati vose vamatunhu kuti vauye kuzokumikidza chifananidzo chaakanga amisa.
尼布甲尼撒王差人将总督、钦差、巡抚、臬司、藩司、谋士、法官,和各省的官员都召了来,为尼布甲尼撒王所立的像行开光之礼。
3 Saka machinda, varayiri, madzishe, vapi vamazano, vachengeti vepfuma, vatongi, navatongi vedzimhosva navamwe vabati vose vamatunhu vakaungana kuti vakumikidze chifananidzo chakanga chamiswa naMambo Nebhukadhinezari, vakamira pamberi pacho.
于是总督、钦差、巡抚、臬司、藩司、谋士、法官,和各省的官员都聚集了来,要为尼布甲尼撒王所立的像行开光之礼,就站在尼布甲尼撒所立的像前。
4 Ipapo mushamarari akadanidzira zvikuru achiti, “Izvi ndizvo zvamunorayirwa kuti muite, imi vanhu, nemi ndudzi nemi vanhu vemitauro yose:
那时传令的大声呼叫说:“各方、各国、各族的人哪,有令传与你们:
5 Pamunongonzwa kurira kwehwamanda, nyere, mutopota, rudimbwa, mbira, mabhosvo nemhando dzose dzezviridzwa, munofanira kuwira pasi mugonamata chifananidzo chegoridhe chakamiswa naMambo Nebhukadhinezari.
你们一听见角、笛、琵琶、琴、瑟、笙,和各样乐器的声音,就当俯伏敬拜尼布甲尼撒王所立的金像。
6 Ani naani asingawiri pasi achinamata achakandwa muvira romoto pakarepo.”
凡不俯伏敬拜的,必立时扔在烈火的窑中。”
7 Naizvozvo, pavakangonzwa kurira kwehwamanda, nyere, mutopota, rudimbwa, mbira nemhando dzose dzezviridzwa, vanhu vose, nendudzi dzose navanhu vemitauro yose vakawira pasi ndokunamata chifananidzo chegoridhe chakanga chamiswa naMambo Nebhukadhinezari.
因此各方、各国、各族的人民一听见角、笛、琵琶、琴、瑟,和各样乐器的声音,就都俯伏敬拜尼布甲尼撒王所立的金像。
8 Panguva iyi vamwe voruzivo nezvenyeredzi vakauya pamberi vakatuka vaJudha.
那时,有几个迦勒底人进前来控告犹大人。
9 Vakati kuna Mambo Nebhukadhinezari, “Imi mambo, raramai nokusingaperi!
他们对尼布甲尼撒王说:“愿王万岁!
10 Makatema chirevo imi mambo, kuti ani naani anonzwa kurira kwehwamanda, nenyere, nomutopota, norudimbwa, nembira namabhosvo uye nemhando dzose dzezviridzwa, anofanira kuwira pasi anamate chifananidzo chegoridhe,
王啊,你曾降旨说,凡听见角、笛、琵琶、琴、瑟、笙,和各样乐器声音的都当俯伏敬拜金像。
11 uye kuti ani naani asingawiri pasi akanamata achakandwa muvira romoto.
凡不俯伏敬拜的,必扔在烈火的窑中。
12 Asi pane vamwe vaJudha vamakagadza pamusoro pamabasa enyika yeBhabhironi, Shadhireki, Meshaki naAbhedhinego, vasingatomboteereri imi mambo. Havamboshumiri vamwari venyu kana kunamata chifananidzo chegoridhe chamakamisa.”
现在有几个犹大人,就是王所派管理巴比伦省事务的沙得拉、米煞、亚伯尼歌;王啊,这些人不理你,不事奉你的神,也不敬拜你所立的金像。”
13 Nebhukadhinezari azere nehasha, akarayira kuti Shadhireki, Meshaki naAbhedhinego vauye. Saka varume ava vakauyiswa pamberi pamambo,
当时,尼布甲尼撒冲冲大怒,吩咐人把沙得拉、米煞、亚伯尼歌带过来,他们就把那些人带到王面前。
14 Nebhukadhinezari akati kwavari, “Ichokwadi here, imi vanaShadhireki, Meshaki naAbhedhinego, kuti hamusi kushumira vamwari vangu kana kunamata chifananidzo chegoridhe chandakamisa?
尼布甲尼撒问他们说:“沙得拉、米煞、亚伯尼歌,你们不事奉我的神,也不敬拜我所立的金像,是故意的吗?
15 Zvino pamunonzwa kurira kwehwamanda, nyere, mutopota, rudimbwa, mabhosvo nemhando dzose dzezviridzwa, kana mukagadzirira kuwira pasi, mukanamata chifananidzo chandakaita, zvakanaka hazvo. Asi kana musingachinamati, muchakandwa mumoto pakarepo. Zvino mwari achakurwirai muruoko rwangu ndoupiko?”
你们再听见角、笛、琵琶、琴、瑟、笙,和各样乐器的声音,若俯伏敬拜我所造的像,却还可以;若不敬拜,必立时扔在烈火的窑中,有何神能救你们脱离我手呢?”
16 Shadhireki, Meshaki naAbhedhinego vakapindura mambo vakati, “Imi Nebhukadhinezari, isu hatifaniri kuzvirwira pamberi penyu pamusoro penyaya iyi.
沙得拉、米煞、亚伯尼歌对王说:“尼布甲尼撒啊,这件事我们不必回答你,
17 Kana tikakandwa mumoto unopfuta, Mwari watinoshumira anogona kutiponesa pauri, uye achatirwira paruoko rwenyu, imi mambo.
即便如此,我们所事奉的 神能将我们从烈火的窑中救出来。王啊,他也必救我们脱离你的手;
18 Asi kunyange dai akasatirwira, tinoda kuti muzive, imi mambo, kuti hatizoshumiri vamwari venyu kana kunamata chifananidzo chegoridhe chamakamisa.”
即或不然,王啊,你当知道我们决不事奉你的神,也不敬拜你所立的金像。”
19 Ipapo Nebhukadhinezari akashatirwa nokuda kwaShadhireki, Meshaki naAbhedhinego, chiso chake chikavashandukira. Akarayira kuti vira romoto riveserwe moto unopisa kwazvo kukunda unosiveserwamo kanomwe.
当时,尼布甲尼撒怒气填胸,向沙得拉、米煞、亚伯尼歌变了脸色,吩咐人把窑烧热,比寻常更加七倍;
20 Uye akarayira vamwe vavarwi vehondo yake vakasimba kwazvo kuti vasunge Shadhireki naMeshaki naAbhedhinego vavakande mumoto uyu waipfuta kwazvo.
又吩咐他军中的几个壮士,将沙得拉、米煞、亚伯尼歌捆起来,扔在烈火的窑中。
21 Saka varume ava, vakapfeka nguo dzavo, namabhurugwa avo, nenguwani dzavo nedzimwe hembe, vakasungwa ndokukandwa mumoto waipfuta kwazvo.
这三人穿着裤子、内袍、外衣,和别的衣服,被捆起来扔在烈火的窑中。
22 Kurayira kwamambo kwakava nechimbi chimbi kwazvo uye choto chaipisa kwazvo zvokuti moto wakauraya varwi vakakanda Shadhireki, Meshaki naAbhedhinego,
因为王命紧急,窑又甚热,那抬沙得拉、米煞、亚伯尼歌的人都被火焰烧死。
23 uye varume vatatu ava vakasungwa zvakasimba, vakawira mumoto unopfuta kwazvo.
沙得拉、米煞、亚伯尼歌这三个人都被捆着落在烈火的窑中。
24 Ipapo Mambo Nebhukadhinezari akasvetuka achishamisika kwazvo ndokubvunza vanamupamazano vake achiti, “Ko, havasi varume vatatu vatasunga tikakanda mumoto here?” Vakamupindura vachiti, “Ndizvozvo mambo.”
那时,尼布甲尼撒王惊奇,急忙起来,对谋士说:“我们捆起来扔在火里的不是三个人吗?”他们回答王说:“王啊,是。”
25 Iye akati, “Tarirai! Ndiri kuona vanhu vana vachifamba-famba mumoto, vasina kusungwa uye vasina kutsva, uye wechina anoratidzika somwanakomana wavamwari.”
王说:“看哪,我见有四个人,并没有捆绑,在火中游行,也没有受伤;那第四个的相貌好像神子。”
26 Ipapo Nebhukadhinezari akaswedera kumuromo wechoto chomoto waipfuta kwazvo akadanidzira akati, “Shadhireki, newe Meshaki naAbhedhinego, imi varanda vaMwari Wokumusoro-soro, budai. Uyai pano!” Saka Shadhireki, Meshaki naAbhedhinego vakabuda mumoto,
于是,尼布甲尼撒就近烈火窑门,说:“至高 神的仆人沙得拉、米煞、亚伯尼歌出来,上这里来吧!”沙得拉、米煞、亚伯尼歌就从火中出来了。
27 uye machinda, varayiri, vabati navanamupamazano vamambo vakavaunganira. Vakaona kuti moto wakanga usina kumbokuvadza miviri yavo, uye nebvudzi remisoro yavo harina kumbotsva; uye nguo dzavo hadzina kutsva, uye pakanga pasina kunhuhwa kwomoto pavari.
那些总督、钦差、巡抚,和王的谋士一同聚集看这三个人,见火无力伤他们的身体,头发也没有烧焦,衣裳也没有变色,并没有火燎的气味。
28 Ipapo Nebhukadhinezari akati, “Mwari waShadhireki naMeshaki naAbhedhinego ngaarumbidzwe, iye akatuma mutumwa wake kuzorwira varanda vake! Ivo vakavimba naye vakazvidza murayiro wamambo uye vakazvipira kurasikirwa noupenyu hwavo pano kuti vashumire kana kunamata vamwari vapi zvavo kunze kwaMwari wavo.
尼布甲尼撒说:“沙得拉、米煞、亚伯尼歌的 神是应当称颂的!他差遣使者救护倚靠他的仆人,他们不遵王命,舍去己身,在他们 神以外不肯事奉敬拜别神。
29 Naizvozvo ndinotema kuti vanhu vorudzi rupi kana mutauro upi zvawo vanotaura chinhu chipi zvacho chinopesana naMwari waShadhireki naMeshaki naAbhedhinego vatemwe-temwe uye dzimba dzavo dziitwe madurunhuru amarara, nokuti hakuna mumwe mwari angaponesa nenzira iyi.”
现在我降旨,无论何方、何国、何族的人,谤 沙得拉、米煞、亚伯尼歌之 神的,必被凌迟,他的房屋必成粪堆,因为没有别神能这样施行拯救。”
30 Ipapo mambo akasimudzira Shadhireki, Meshaki naAbhedhinego munyika yeBhabhironi.
那时王在巴比伦省,高升了沙得拉、米煞、亚伯尼歌。

< Dhanieri 3 >