< Dhanieri 2 >
1 Mugore rechipiri rokutonga kwake, Nebhukadhinezari akarota hope; pfungwa dzake dzikashushikana uye akashaya hope.
ネブカデネザルの治世の二年にネブカデネザル夢を見それがために心に思ひなやみて復睡ること能はざりき
2 Saka mambo akarayira nʼanga, navanofarira mazango, navaroyi, navafemberi vezvenyeredzi kuti vamuudze zvaakanga arota. Vakati vapinda vakamira pamberi pamambo,
是をもて王は命を下し王のためにその夢を解せんとて博士と法術士と魔術士とカルデヤ人とを召しめたれぼ彼ら來りて王の前に立つ
3 iye akati kwavari, “Ndakarota hope dzinonditambudza zvino ndinoda kuziva zvadzinoreva.”
王すなはち彼らにむかひ我夢を見その夢の義を知んと心に思ひなやむと言ければ
4 Ipapo vachenjeri vezvenyeredzi vakapindura mambo norurimi rwavaAramu vachiti, “Haiwa mambo, raramai nokusingaperi! Udzai varanda venyu kurota kwenyu, isu tigodudzira.”
カルデヤ人等スリア語をもて王に申しけるは願くは王長壽かれ請ふ僕等にその夢を語りたまへ我らその解明を進めたてまつらんと
5 Mambo akapindura vachenjeri vezvenyeredzi achiti, “Izvi ndizvo zvandafunga chaizvoizvo: Kana imi mukasandiudza kuti kurota kwangu kwaiva kupi uye mukadudzira, ndichaita kuti mugurwe-gurwe uye dzimba dzenyu dziitwe mirwi yamarara.
王こたへてカルデヤ人に言けるは我すでに命を出せり汝等もしその夢とこれが解明とを我に示さざるにおいては汝らの身は切裂れ汝らの家は厠にせられん
6 Asi kana mukandiudza zvandakarota mukazvidudzira, muchagamuchira zvipo nemibayiro nokukudzwa kukuru zvinobva kwandiri. Saka ndiudzei chiroto mugochidudzira kwandiri.”
又汝らもしその夢とこれが解明を示さば贐物と賞賚と大なる尊榮とを我より獲ん然ばその夢と之が解明を我に示せ
7 Ivo vakapindurazve vachiti, “Mambo ngaaudze varanda vake chiroto, uye isu tichachidudzira.”
彼らまた對へて言けるは願くは王僕どもにその夢を語りたまへ然ば我らその解明を奏すべしと
8 Ipapo mambo akapindura akati, “Ndinoziva kwazvo kuti imi munongoda kuwedzera nguva, nokuti munoziva kuti izvi ndizvo zvandatema:
王こたへて言けるは我あきらかに知る汝らは吾命の下りしを見るが故に時を延さんことを望むなり
9 Kana musingandiudzi zvandarota, panongova nechirango chimwe chete. Imi makarangana kundiudza zvinhu zvinonyengera uye zvakaipa, muchifunga kuti zvinhu zvichashanduka. Saka zvino, ndiudzei zvandakarota, ndigoziva kuti muchagona kundidudzira chiroto.”
汝らもしその夢を我に示さずば汝らを處置するの法は只一のみ汝らは相語らひて虚言と妄誕なる詞を我前にのべて時の變るを待んとするなり汝ら今先その夢を我に示せ然すれば汝らがその解明をも我にしめし得ることを我しらんと
10 Vachenjeri vezvenyeredzi vakapindura mambo vachiti, “Hakuna munhu panyika angagona kuita zvinodiwa namambo! Hakuna mambo, kunyange mukuru kana ane simba, akambotsvaka chinhu chakadai kunʼanga ipi zvayo kana vaya vanoita zvamazango kana vachenjeri vezvenyeredzi.
カルデヤ人等こたへて王の前に申しけるは世の中には王のその事を示し得る人一箇もなし是をもて王たる者主たる者君たる者等の中に斯る事を博士または法術士またはカルデヤ人に問たづねし者絶てあらざるなり
11 Zvinhu zvinodikanwa namambo zvakaoma kwazvo. Hakuna munhu angazvizivisa kuna mambo izvozvo kunze kwavamwari, uye vasingagari pakati pavanhu.”
王の問たまふその事は甚だ難し肉身なる者と共に居ざる神々を除きては王の前にこれを示すことを得る者無るべしと
12 Izvi zvakaita kuti mambo ashatirwe zvikuru uye akava nehasha zvokuti akarayira kuti vakachenjera vose veBhabhironi vaurayiwe.
斯りしかば王怒を發し大に憤りバビロンの智者をことごとく殺せと命じたり
13 Saka chirevo chakapiwa kuti vachenjeri vaurayiwe, uye varume vakatumwa kundotsvaka Dhanieri neshamwari dzake kuti vaurayiwewo.
即ち此命くだりければ智者等は殺されんとせり又ダニエルとその同僚をも殺さんともとめたり
14 Arioki, mukuru wavarindi vamambo, akati abudisa kundouraya vachenjeri veBhabhironi, Dhanieri akataura kwaari nouchenjeri uye nokungwara.
茲に王の侍衛の長アリオク、バビロンの智者等を殺さんとて出きたりければダニエル遠慮と智慧とをもて之に應答せり
15 Akabvunza muchinda wamambo achiti, “Seiko mambo akatema chirevo chakadai?” Arioki akatsanangurira Dhanieri nyaya yacho.
すなはち王の高官アリオクに對へて言けるは王なにとて斯すみやかにこの命を下したまひしやとアリオクその事をダニエルに告しらせたれば
16 Nokudaro, Dhanieri akapinda kuna mambo akandokumbira nguva kwaari, kuitira kuti agomududzira chiroto chiya.
ダニエルいりて王に乞求めて言ふ暫くの時日を賜へ然ばその解明を王に奏せんと
17 Ipapo Dhanieri akadzokera kumba kwake akandotsanangurira nyaya yacho kushamwari dzake vanaHanania, Mishaeri naAzaria.
斯てダニエルその家にかへりその同僚ハナニヤ、ミシヤエルおよびアザリヤにこの事を告しらせ
18 Akavakurudzira kuti vakumbire nyasha kubva kuna Mwari wokudenga pamusoro pechakavanzika ichi, kuitira kuti iye neshamwari dzake varege kuurayiwa pamwe chete navakachenjera veBhabhironi.
共にこの秘密につき天の神の憐憫を乞ひダニエルとその同僚等をしてその他のバビロンの智者とともに滅びさらしめんことを求めたりしが
19 Chakavanzika ichi chakazoratidzwa kuna Dhanieri usiku muchiratidzo. Ipapo Dhanieri akarumbidza Mwari wokudenga
ダニエルつひに夜の異象の中にこの秘密を示されければダニエル天の神を賞賛ふ
20 akati: “Zita raMwari ngarirumbidzwe nokusingaperi-peri; uchenjeri nesimba ndezvake.
即ちダニエル應へて言けるは永遠より永遠にいたるまでこの神の御名は讃まつるべきなり智慧と權能はこれが有なればなり
21 Anoshandura nguva nemwaka; ndiye anogadza madzimambo uye ndiye anoabvisa. Anopa uchenjeri kuna vakachenjera nezivo kuna vanonzvera.
彼は時と期とを變じ王を廃し王を立て智者に智慧を與へ賢者に知識を賜ふ
22 Anozarura zvakadzika nezvakavanzika; anoziva zviri murima, uye chiedza chinogara maari.
彼は深妙秘密の事を顕し幽暗にあるところの者を知たまふまた光明彼の裏にあり
23 Ndinokuvongai uye ndinokurumbidzai, imi Mwari wamadzibaba angu: Makandipa uchenjeri nesimba, makandizivisa zvatakakumbira kwamuri, makazivisa kwatiri kurota kwamambo.”
わが先祖等の神よ汝は我に智慧と權能を賜ひ今われらが汝に乞求めたるところの事を我にしめし給へば我感謝して汝を賞賛ふ即ち汝は王のかの事を我らに示したまへり
24 Ipapo Dhanieri akaenda kuna Arioki, uya akanga agadzwa namambo kuti auraye varume vakachenjera veBhabhironi, akati kwaari, “Musauraya vachenjeri veBhabhironi. Ndiendesei kuna mambo, ndinomududzira zvaakarota.”
是においてダニエルは王がバビロンの智者等を殺すことを命じおけるアリオクの許にいたり即ちいりてこれに言けるはバビロンの智者等を殺す勿れ我を王の前に引いたれよ我その解明を王に奏上ぐべしと
25 Arioki akaenda naDhanieri kuna mambo nokukurumidza uye akati kwaari, “Ndawana munhu pakati pavakatapwa vokwaJudha anogona kuudza mambo zvinoreva chiroto chavo.”
アリオクすなはちダニエルを引て急ぎ王の前にいたり王にまうしけるは我ユダの俘囚人の中に一箇の人を得たり是者その解明を王にまうしあげん
26 Mambo akabvunza Dhanieri (iye ainziwo Bheriteshazari), “Iwe unogona here kundiudza zvandakaona pakurota uye ugozvidudzira?”
王こたへてベルテシヤザルと名くるダニエルに言けるは汝は我が見たる夢とその解明とを我に知らすることを得るやと
27 Dhanieri akapindura akati, “Hakuna munhu akachenjera, kana wamazango, kana nʼanga kana mufemberi angagona kurondedzera kuna mambo chakavanzika chaanobvunza pamusoro pacho
ダニエルすなはち應へて王の前に言けるは王の問たまふ秘密は智者法術士博士卜筮師など之を王に奏上ぐることを得ず
28 asi kudenga kuna Mwari anozivisa zvakavanzika. Iye akaratidza Mambo Nebhukadhinezari zvichaitika mumazuva anouya. Kurota kwenyu nezviratidzo zvakaratidzwa mundangariro dzenyu muvete pamubhedha ndezvizvi:
然ど天に一の神ありて秘密をあらはし給ふ彼後の日に起らんところの事の如何なるかをネブカデネザル王にしらせたまふなり汝の夢汝が牀にありて想見たまひし汝の脳中の異象は是なり
29 “Pamakanga muvete ipapo, imi mambo, pfungwa dzenyu dzakaenda kuzvinhu zvichauya, uye muzivisi wezvakavanzika akakuratidzai zvichaitika.
王よ汝牀にいりし時将來の事の如何を想ひまはしたまひしが秘密を顕す者将來の事の如何を汝にしめし給へり
30 Asi ini chakavanzika ichi chakaziviswa kwandiri, kwete nokuda kwokuti ndine njere huru kupfuura vamwe vanhu vanorarama asi kuti imi mambo, mugoziva dudziro uye kuti mugonzwisisa zvakapinda mundangariro dzenyu.
我がこの示現を蒙れるは凡の生る者にまさりて我に智慧あるに由にあらず唯その解明を王に知しむる事ありて王のつひにその心に想ひたまひし事を知にいたり給はんがためなり
31 “Imi mambo, makatarira, uye ipapo pamberi penyu pakanga pamire chifananidzo, chakakura kwazvo, chaibwinya, chaityisa pakuonekwa kwacho.
王よ汝は一箇の巨なる像の汝の前に立るを見たまへり其像は大くしてその光輝は常ならずその形は畏ろしくあり
32 Musoro wechifananidzo ichi wakanga wakaitwa negoridhe rakanatswa, chipfuva chacho namaoko zvakanga zviri zvesirivha; dumbu racho nezvidyiro zvaiva zvendarira,
其像は頭は純金 胸と兩腕とは銀 腹と腿とは銅
33 makumbo acho akanga ari esimbi, tsoka dzacho dzaiti pamwe simbi pamwe ivhu.
脛は鉄 脚は一分は鉄一分は泥土なり
34 Muchakatarisa, makaona ibwe richivezwa, asi kwete namaoko omunhu. Rakarova chifananidzo patsoka dzacho dzesimbi nevhu ndokuzvipwanya.
汝見て居たまひしに遂に一箇の石人手によらずして鑿れて出でその像の鉄と泥土との脚を撃てこれを碎けり
35 Ipapo simbi, ivhu, ndarira, sirivha, negoridhe zvakaputsanyiwa nenguva imwe cheteyo zvikaita sehundi iri paburiro panguva yechirimo. Mhepo yakazvikukura pakasava nechinhu chakasara. Asi ibwe riya rakarova chifananidzo rakazova gomo guru rikazadza nyika yose.
斯りしかばその鉄と泥土と銅と銀と金とは皆ともに碎けて夏の禾場の糠のごとくに成り風に吹はらはれて止るところ無りき而してその像を撃たる石は大なる山となりて全地に充り
36 “Uku ndiko kwaiva kurota kwenyu, uye zvino tichakududzira kwamuri mambo.
是その夢なり我らその解明を王の前に陳ん
37 Imi mambo, muri mambo wamadzimambo. Mwari wokudenga akakupai ushe nesimba noukuru nokubwinya,
王よ汝は諸王の王にいませり即ち天の神汝に國と權威と能力と尊貴とを賜へり
38 akaisa marudzi avanhu mumaoko enyu nezvikara zvenyika neshiri dzedenga. Akakuitai mutongi pamusoro pazvo, pose pazvinogara. Ndimi musoro uya wegoridhe.
また人の子等等の獣畜かよび天空の鳥は何處にをる者にもあれ皆これを汝の手に與へて汝にこれをことごとく治めしめたまふ汝はすなはち此金の頭なり
39 “Shure kwenyu, humwe umambo huchamuka, hudiki kuno hwenyu. Umambo hwechitatu huchatevera, umambo hwendarira, huchatonga pamusoro penyika yose.
汝の後に汝に劣る一の國おこらんまた第三に銅の國おこりて全世界を治めん
40 Pakupedzisira kuchava noushe hwechina, hwakasimba sesimbi, nokuti simbi inopwanya uye inoputsanya zvinhu zvose, uye sokuputsanya kunoita simbi zvinhu, saizvozvo huchapwanya uye hugoputsanya humwe hwose.
第四の國は堅きこと鉄のごとくならん鉄は能く萬の物を毀ち碎くなり 鉄の是等をことごとく打碎くがごとく其國は毀ちかつ碎くことをせん
41 Sezvamakaona kuti tsoka nezvigunwe zvakanga zvakavhenganiswa ivhu nesimbi, saizvozvo umambo uhu huchava hwakaganhurwa, asi huchava nerimwe simba resimbi mahuri, sezvamakaona simbi yakavhenganiswa nevhu.
汝その足と足の趾を見たまひしに一分は陶人の泥土一分は鉄なりければその國は分裂たる者ならん又汝鉄と粘土との混和たるを見たまひたればその國は鉄のごとく強からん
42 Sezvo zvigunwe zvakanga zvakati pamwe simbi pamwe ivhu, saizvozvo umambo uhu huchava hwakasimba kuno rumwe rutivi uye husina kusimba kuno rumwe rutivi.
その足の趾の一分は鉄一分は泥土なりしごとくその國は強きところもあり脆きところも有ん
43 Uye sezvamakaona simbi yakavhenganiswa nevhu, saizvozvo vanhu vachavhengana uye havangarambi vakabatana, sezvinoita ivhu nesimbi zvakavhengana.
汝が鉄と粘土との混りたるを見たまひしごとく其等は人草の種子と混らん然ど鉄と泥土との相合せざるごとく彼と此と相合すること有じ
44 “Mumazuva amadzimambo ayo, Mwari wokudenga achagadza ushe husingazoparadzwi, uye hahungazombosiyirwi vamwe vanhu. Huchapwanya ushe hwose hugohugumisa, asi ihwo huchagara nokusingaperi.
この王等の日に天の神一の國を建たまはん是は何時までも滅ぶること無らん此國は他の民に歸せず却てこの諸の國を打破りてこれを滅せん是は立ちて永遠にいたらん
45 Izvi ndizvo zvinoreva chiratidzo chedombo rakavezwa pagomo, asi kwete namaoko omunhu, dombo rakaputsa simbi, ndarira, ivhu, sirivha negoridhe zvikati mwarara. “Mwari mukuru akaratidza mambo zvichaitika pamazuva anouya. Kurota uku ndokwechokwadi uye nedudziro yacho ndeyechokwadi.”
かの石の人手によらずして山より鑿れて出で鉄と銅と泥土と銀と金とを打碎きしを汝が見たまひしは即ちこの事なり大御神この後に起らんところの事を王にしらせたまへるなりその夢は眞にしてこの解明は確なり
46 Ipapo mambo Nebhukadhinezari akawira pasi nechiso chake pamberi paDhanieri akamuremekedza akarayira kuti apiwe chipo nezvinonhuhwira.
是においてネブカデネザル王は俯伏てダニエルを拝し礼物と香をこれに献ぐることを命じたり
47 Mambo akati kuna Dhanieri, “Zvirokwazvo Mwari wako ndiMwari wavamwari naIshe wamadzimambo uye nomuzivisi wezvakavanzika, nokuti iwe wakagona kuzivisa chakavanzika ichi.”
而して王こたへてダニエルに言けるは汝がこの秘密を明かに示すことを得たるを見れば誠に汝らの神は神等の神王等の主にして能く秘密を示す者なりと
48 Ipapo mambo akaisa Dhanieri pachinzvimbo chakakwirira akapa zvipo zvizhinji kwaari. Akamuita mutongi pamusoro penyika yose yeBhabhironi akamuita mukuru wavachenjeri vose.
かくて王はダこエルに高位を授け種々の大なる賜物を與へてこれをバビロン全州の総督となしまたバビロンの智者等を統る者の首長となせり
49 Pamusoro paizvozvo, Dhanieri akakumbira mambo kuti agadze vanaShadhireki, Meshaki naAbhedhinego kuti vave vatariri vamatunhu eBhabhironi, iye Dhanieri pachake achiramba ari paruvazhe rwamambo.
王またダニエルの願によりてシヤデラクとメシヤクとアベデネゴを挙てバビロン州の事務をつかさどらしめたりダニエルは王の宮にをる