< Dhanieri 12 >

1 “Panguva iyoyo Mikaeri, muchinda mukuru anodzivirira vanhu vako, achasimuka. Pachava nenguva yenhamo isina kumbovapo kubva pakuvamba kwendudzi kusvikira zvino. Asi panguva iyoyo vanhu vako, ani naani ane zita rakanyorwa mubhuku, acharwirwa.
“At that time Michael will stand up, the great prince who stands for the children of your people; and there will be a time of trouble, such as never was since there was a nation even to that same time. At that time your people will be delivered, everyone who is found written in the book.
2 Vazhinji vanovata muguruva renyika vachamuka: vamwe kuupenyu husingaperi, vamwe kukunyadziswa nokuzvidzwa kusingaperi.
Many of those who sleep in the dust of the earth will awake, some to everlasting life, and some to shame and everlasting contempt.
3 Avo vakachenjera vachapenya sokupenya kwokudenga, uye vanodzorera vazhinji kukururama, vachapenya senyeredzi nokusingaperi-peri.
Those who are wise will shine as the brightness of the expanse. Those who turn many to righteousness will shine as the stars forever and ever.
4 Asi iwe, Dhanieri, vhara uye uname mashoko orugwaro kusvikira pamazuva okupedzisira. Vazhinji vachaenda kwose kwose kuti vawedzere zivo.”
But you, Daniel, shut up the words and seal the book, even to the time of the end. Many will run back and forth, and knowledge will be increased.”
5 Ipapo ini, Dhanieri, ndakatarisa uye hapo pamberi pangu pakanga pamire vamwe vaviri, mumwe kumhenderekedzo.
Then I, Daniel, looked, and behold, two others stood, one on the river bank on this side, and the other on the river bank on that side.
6 Mumwe wavo akati kumurume akanga akapfeka nguo yakaisvonaka, akanga ari pamusoro pemvura zhinji yorwizi, “Kusvikira riniko zvinhu zvinoshamisa izvi zvisati zvazadziswa?”
One said to the man clothed in linen, who was above the waters of the river, “How long will it be to the end of these wonders?”
7 Murume akanga akapfeka nguo yakaisvonaka, akanga ari pamusoro pemvura zhinji yorwizi, akasimudza ruoko rwake rworudyi noruoko rwake rworuboshwe kudenga, ndikamunzwa achipika naiye anorarama nokusingaperi, achiti, “Zvichava kwechinguva nedzimwe nguva nehafu yenguva. Kana simba ravanhu vatsvene rikange raputsanywa, zvinhu zvose izvi zvichapedziswa.”
I heard the man clothed in linen, who was above the waters of the river, when he held up his right hand and his left hand to heaven, and swore by him who lives forever that it will be for a time, times, and a half; and when they have finished breaking in pieces the power of the holy people, all these things will be finished.
8 Ndakanzwa, asi handina kunzwisisa. Saka ndakabvunza ndikati, “Ishe wangu, zvinhu zvose izvi zvichaguma seiko?”
I heard, but I didn’t understand. Then I said, “My lord, what will be the outcome of these things?”
9 Akapindura akati, “Chienda hako, Dhanieri, nokuti mashoko aya akavharwa nokunamwa kusvikira panguva yokupedzisira.
He said, “Go your way, Daniel; for the words are shut up and sealed until the time of the end.
10 Vazhinji vachacheneswa, vasina gwapa, uye vachanatswa, asi vakaipa vacharamba vakaipa. Hakuna achanzwisisa.
Many will purify themselves, and make themselves white, and be refined, but the wicked will do wickedly; and none of the wicked will understand, but those who are wise will understand.
11 “Kubva panguva ichadziviswa chibayiro chamazuva ose nokumiswa kwechinhu chinonyangadza chinouyisa kuparadzwa, pachava namazuva chiuru chine zana namakumi mapfumbamwe.
“From the time that the continual burnt offering is taken away and the abomination that makes desolate set up, there will be one thousand two hundred ninety days.
12 Akaropafadzwa uyo achamirira nokusvika kumagumo amazuva chiuru china mazana matatu namakumi matatu namashanu.
Blessed is he who waits, and comes to the one thousand three hundred thirty-five days.
13 “Asi kana uriwe, enda hako kusvikira kumagumo. Uchazorora, uye ipapo pamagumo amazuva, iwe uchasimuka kuti ugamuchire mugove wenhaka yako.”
“But go your way until the end; for you will rest, and will stand in your inheritance at the end of the days.”

< Dhanieri 12 >