< VaKorose 4 >

1 Vatenzi, ipai varanda venyu zvinhu zvakanaka uye zvakaenzana, nokuti munozviziva kuti nemiwo muna vaTenzi kudenga.
Páni spravedlivě a slušně s služebníky nakládejte, vědouce, že i vy Pána máte v nebesích.
2 Muzvipire pakunyengetera, makanyatsorinda uye muchivonga.
Na modlitbě buďte ustaviční, bdíce v tom s díků činěním,
3 Uye mutinyengetererewo kuti Mwari azarure mukova weshoko redu, kuitira kuti tigoparidza chakavanzika chaKristu, icho chandakasungirwa.
Modléce se spolu i za nás, aby Bůh otevřel nám dvéře slova, k mluvení o tajemství Kristovu, pro něž i v vězení jsem,
4 Nyengeterai kuti ndigone kuparidza zvakajeka, sezvandinofanira.
Abych je zjevoval, tak jakž mi náleží mluviti.
5 Muve vakachenjera pamafambiro enyu kuna vari kunze; mungwarire nguva yenyu.
Choďtež v moudrosti před těmi, kteříž jsou vně, čas kupujíce.
6 Kutaura kwenyu ngakugare kwakazara nenyasha nguva dzose, kwakarungwa nomunyu, kuitira kuti muzive mapinduriro amunoita vanhu vose.
Řeč vaše vždycky budiž příjemná, ozdobená solí, tak abyste věděli, kterak byste měli jednomu každému odpovědíti.
7 Tikikasi achakuudzai mashoko ose pamusoro pangu. Iye ihama inodikanwa kwazvo, mushumiri akatendeka nomushandi pamwe chete neni muna She.
O věcech mých o všech oznámí vám Tychikus, bratr milý, a věrný slouha, a spoluslužebník v Pánu.
8 Ndiri kumutuma kwamuri nechinangwa ichi kuti muzive zvatiri uye kuti akurudzire mwoyo yenyu.
Kteréhož jsem poslal k vám pro to samo, aby zvěděl, co se děje u vás, a potěšil srdcí vašich,
9 Ari kuuya pamwe chete naOnesimasi, hama yedu yakatendeka uye inodikanwa, anova mumwe wenyu. Vachakuudzai zvose zviri kuitika kuno.
S Onezimem, věrným a milým bratrem, kterýž jest tam od vás. Tiť vám všecko oznámí, co se děje u nás.
10 Musungwa pamwe chete neni Aristakusi anokukwazisai, naMako, hama yaBhanabhasi anokukwazisaiwo. (Makarayirwa zvokuita naye; kana asvika kwamuri, mumugamuchire.)
Pozdravuje vás Aristarchus, spoluvězeň můj, a Marek, sestřenec Barnabášův, (o kterémž jsem vám poručil; přišel-li by k vám, přijmětež jej; )
11 Jesu anonzi Jastasi, anokukwazisaiwo. Ava ndivo vaJudha bedzi pakati pavamwe vandinoshanda navo muumambo hwaMwari, uye vanondinyaradza.
A Jezus, kterýž slove Justus, kteříž jsou Židé. Ti toliko jsou pomocníci moji v království Božím, kteříž byli mé potěšení.
12 Epafurasi, mumwe wenyu nomuranda waKristu Jesu, anokukwazisai. Anogara achirwa muminyengetero nokuda kwenyu, kuti mumire makasimba mukuda kwose kwaMwari, makura uye muzere nokuziva.
Pozdravuje vás Epafras, kterýž od vás jest, slouha Kristův, kterýž vždycky úsilně pracuje na modlitbách za vás, abyste stáli dokonalí a plní ve vší vůli Boží.
13 Ndinomupupurira kuti anokushandirai nesimba pamwe chete naavo vari paRaodhikea, napaHirapori.
Nebo svědectví jemu vydávám, žeť vás velmi horlivě miluje, a též i ty, kteříž jsou v Laodicii, i kteříž jsou v Hierapoli.
14 Shamwari yedu inodikanwa Ruka, chiremba, naDhemasi vanokukwazisai.
Pozdravuje vás Lukáš lékař milý a Démas.
15 Ndikwazisirei hama dziri paRaodhikea, naNimufa nekereke iri mumba make.
Pozdravte bratří Laodicenských, i Nymfy, i té církve, kteráž jest v domě jeho.
16 Mushure mokuverengwa kwetsamba kwamuri, muone kuti yaverengwawo mukereke yeRaodhikea uye kuti nemiwo muverenge tsamba inobva kuRaodhikea.
A když bude přečten u vás tento list, spravtež to, ať jest i v Laodicenském zboru čten; a ten, kterýž jest psán z Laodicie, i vy také přečtěte.
17 Muudze Akipasi kuti, “Ona kuti wapedza basa rawakagamuchira muna She.”
A rcete Archippovi: Viz, abys služebnost, kterouž jsi přijal od Pána, vyplnil.
18 Ini, Pauro ndanyora kwaziso iyi noruoko rwangu pachangu. Rangarirai ngetani dzangu. Nyasha ngadzive nemi.
Pozdravení mou rukou Pavlovou. Pamatujtež na mé vězení. Milost Boží s vámi. Amen.

< VaKorose 4 >