< VaKorose 2 >

1 Ndinoda kuti muzive kuti ndiri kurwa sei pamusoro penyu nepaavo vari paRaodhikea, navose vasina kuonana neni pachangu.
For I want you to know how great a struggle I have about you, and those at Laodicea, and as many as have not seen my face in flesh.
2 Vavariro yangu ndeyokuti vakurudzirwe mumwoyo uye vabatane murudo, kuitira kuti vave nepfuma izere yokunzwisisa kwakakwana, kuti vagoziva chakavanzika chaMwari, iye Kristu,
So that their hearts may be encouraged, having been united together in love, and for all wealth of the full assurance of understanding, to knowledge of the mystery of the God and Father of the Christ.
3 maari ndimo makachengetwa pfuma yose youchenjeri nokuziva.
In whom are hidden all the treasures of wisdom and knowledge.
4 Ndinokuudzai izvi kuitira kuti parege kuva nomunhu anokunyengerai namashoko anobata kumeso.
And I say this so that not any man may delude you with persuasive speech.
5 Nokuti kunyange ndisipo pamuri panyama, mumweya ndinemi uye ndinofara ndichiona kuti mugere zvakanaka sei uye kuti makasimba sei mukutenda kwenyu muna Kristu.
For even though I am absent in the flesh, yet I am with you in the spirit, rejoicing and seeing your orderliness, and the steadfastness of your faith for Christ.
6 Saka zvino, sezvamakagamuchira Kristu Jesu saShe, rambai muchifamba maari,
As therefore ye received Christ Jesus the Lord, walk in him,
7 mune midzi uye makavakwa maari, makasimbiswa mukutenda sezvamakadzidziswa, uye muzere nokuvonga.
rooted and built up in him and established in the faith, just as ye were taught, abounding in it with thankfulness.
8 Muone kuti parege kuva nomunhu anokutapai nokutaura kusina maturo kunonyengera, kunosendamira patsika dzavanhu nezvokuvamba kwenyika ino, asingateveri Kristu.
Take heed lest there will be any man taking you captive through the love of wisdom and empty deceit, according to the tradition of men, according to the rudiments of the world, and not according to Christ.
9 Nokuti muna Kristu kuzara kwouMwari kunogara maari pamuviri,
Because in him all the fullness of the divinity dwells bodily.
10 nemiwo makapiwa kuzara uku muna Kristu, iye ari pamusoro poushe hwose nesimba.
And ye are men who have been made full in him, who is the head of every principal office and position of authority.
11 Nemiwo makadzingiswa maari, mukubviswa kwomunhu wezvivi, kwete nokudzingiswa kunoitwa namaoko avanhu, asi nokudzingiswa kunoitwa naKristu,
In whom also ye were circumcised a circumcision not made with hands, in the removal of the body of the sins of the flesh by the circumcision of the Christ.
12 makavigwa pamwe chete mukubhabhatidzwa uye mukamutswa pamwe chete naye nokutenda kwenyu musimba raMwari, akamumutsa kubva kuvakafa.
Having been buried with him in immersion, in which also ye were raised together through faith of the working of God, who raised him from the dead.
13 Pamakanga makafa muzvivi zvenyu uye nokusadzingiswa kwomunhu wenyu wekare, Mwari akakuitai vapenyu muna Kristu. Akatikanganwira zvivi zvedu zvose,
And you, being dead in transgressions and the uncircumcision of your flesh, you he made alive together with him, having forgiven us all the transgressions,
14 akadzima mutemo wakanyorwa, nezvirevo zvawo, uyo wakanga uchirwa nesu uye waimira uchipikisana nesu; akaubvisa, achiuroverera pamuchinjikwa.
having erased the handwriting against us in the regulations that were hostile to us, and he has taken it up from the midst, having nailed it to the cross.
15 Uye akati abvisa ushe namasimba, akazvibudisa pachena, akazvikunda nomuchinjikwa.
Having stripped the principal offices and the positions of authority, he exposed them openly, having triumphed over them by it.
16 Naizvozvo ngakurege kuva nomunhu anokutongai pamusoro pezvamunodya kana kunwa, kana nezvemitambo yechitendero, kupemberera Kugara kwoMwedzi kana zuva reSabata.
Let not any man therefore judge you in eating, or in drinking, or in the matter of a festival or a new moon or sabbaths,
17 Izvi mumvuri wezvinhu zvaizouya, kunyange zvakadaro, chokwadi chinowanikwa muna Kristu.
which are a shadow of the things coming, but the body is Christ's.
18 Musarega munhu upi zvake anofarira kuzvininipisa kwenhema uye kunamata vatumwa achikutorerai mubayiro wenyu. Munhu akadaro anorondedzera zvikuru pamusoro pezvaakaona, uye nokufunga kwake kwenyama anozvikudza pasina.
Let no man umpire against you insisting on self-mortification, and worship of the agents, intruding in things that he has not seen, vainly puffed up by the mind of his flesh,
19 Akarasika kubva paMusoro, uyo kubva pauri muviri wose, wakasimbiswa uye wakabatanidzwa pamwe chete nemitezo yawo namarunda, unokura sezvinoda Mwari.
and not holding to the head, from whom all the body, being supplied and held together through the connections and bonds, develops its growth from God.
20 Sezvo makafa pamwe chete naKristu kune mitemo yenyika ino, seiko muchiita kunge muchiri vayo, muchizviisa pasi pemitemo yayo inoti:
If ye died with Christ from the rudiments of the world, why do ye submit to rules, as though living in the world?
21 “Usabata! Usaravira! Usagunzva!”?
Do not handle, nor taste, nor touch
22 Izvi zvose zvichaparadzwa nokubata kwazvo, nokuti zvakavakwa pamirayiro yavanhu nokudzidzisa kwavanhu.
(which are all things for consumption by use), according to the commandments and teachings of men?
23 Zvirokwazvo mitemo yakadai inoita seino uchenjeri, nokunamata kwavo kwokuzvipa, kuzvininipisa kwavo kwenhema uye nokurwadzisa kwavo muviri, asi zvisingagoni kudzivisa kuchiva kwomuviri.
Which having, are indeed a matter of wisdom in will-worship, and self-mortification, and austerity of the body-not in any value against indulgence of the flesh.

< VaKorose 2 >